Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Kuungudza KwaJeremiya 3:55-60

Kuungudza KwaJeremiya 3:55-60 SNA2002

Ndakadana zita renyu, Jehovha, ndiri mugomba rakadzika kwazvo. Makanzwa izwi rangu; regai kundivanzira nzeve yenyu pakufema kwangu nokuchema kwangu. Makaswedera nezuva randakadana kwamuri, makati, “Usatya.” Ishe, imi makandireverera mhaka dzomweya wangu, makadzikinura upenyu hwangu. Haiwa Jehovha, makaona kusaruramisirwa kwangu, nditongerei mhaka yangu. Makaona kutsiva kwavo kwose, namano avo ose pamusoro pangu.