Ndakadana zita renyu, Jehovha, ndiri mugomba rakadzika kwazvo. Makanzwa izwi rangu; regai kundivanzira nzeve yenyu pakufema kwangu nokuchema kwangu. Makaswedera nezuva randakadana kwamuri, makati, “Usatya.” Ishe, imi makandireverera mhaka dzomweya wangu, makadzikinura upenyu hwangu. Haiwa Jehovha, makaona kusaruramisirwa kwangu, nditongerei mhaka yangu. Makaona kutsiva kwavo kwose, namano avo ose pamusoro pangu.
Verenga chikamu Kuungudza KwaJeremiya 3
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Kuungudza KwaJeremiya 3:55-60
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo