Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Kuungudza KwaJeremiya 3

3
Muporofita ari pakutambudzika kukuru asi anovimba naJehovha
1Ndini munhu akaona kutambudzika
neshamhu yokutsamwa kwake.
2Akanditungamirira akandifambisa
murima ndisina chiedza.
3Zvirokwazvo anogara achingondiramba
zuva rose noruoko rwake.
4Akasakadza nyama yangu neganda rangu,
akavhuna mapfupa angu.
5Akandivakira rusvingo kuzorwa neni,
Aakandikomberedza nenduru nokurwadziwa.
6Akandigarisa panzvimbo dzinerima,
savanhu vakanguva vafa.
7Akandikomberedza norusvingo,
kuti ndirege kugona kubuda;
akaremesa ngeketani dzangu.
8Zvirokwazvo, kana ndichidana nokuridza mhere,
anodzivisa munyengetero wangu.
9Akadzivira nzira dzangu norusvingo
rwamabwe akavezwa,
akakanganisa nzira dzangu.
10Kwandiri akaita sebere rinovandira,
seshumba iri panzvimbo dzisingazikanwi.
11Akatsausa nzira dzangu,
akandibvarura‐bvarura, akandiita renje.
12Akakunga uta hwake,
akandiita chinhu chokuposhera nomuseve.
13Akapinza miseve yegoba rake mutsvo dzangu.
14Ndava chinhu chinosekwa navanhu vangu vose,
nechiimbo chavo zuva rose.
15Akandigutisa nezvinovava,
akandinwisa gavakava.
16Akapedza meno angu norubwe,
akandifukidza namadota.
17Makarashira mweya wangu kure norugare,
ndakakanganwa kuti zvakanaka zvakadini.
18Ini ndikati,
“Simba rangu rapera,
nezvandakanga ndakatarira kuna Jehovha.”
19Rangarirai kutambudzika kwangu
nenhamo yangu,
iro gavakava nenduru.
20Mweya wangu uchangozvirangarira nazvino,
uri kutambudzika kwazvo.
21Ndinozvifunga izvo,
naizvozvo ndine tariro.
22Nokuda kwounyoro hwaJehovha
tigere kupedzwa, nokuti tsitsi
dzake hadziperi.
23Mangwanani ose zvava zvitsva;
kutendeka kwenyu kukuru.
24Jehovha ndiwo mugove wangu,
ndizvo zvinotaura mweya wangu;
naizvozvo ndichavimba naye.
25Jehovha anoitira zvakanaka vanomumirira,
naiwo mweya unomutsvaka.
26Zvakanaka kuti munhu avimbe naJehovha,
amirire ruponeso rwaJehovha anyerere,
27zvakanaka kuti munhu atakure joko
rake achiri muduku.
28Ngaagare ari oga anyerere,
nokuti ndiye akariisa pamusoro pake.
29Ngaaise muromo wake muguruva;
zvimwe tariro ichipo.
30Ngaarinzire dama rake kune anomurova,
ngaagutiswe nokushorwa.
31Nokuti Ishe haangadzingi nokusingaperi.
32Nokuti kunyange akachemedza,
achanzwira tsitsi nokuwanda kwengoni dzake
33Nokuti haatambudzi nomwoyo wake,
haachemedzi vana vavanhu.
34Kuti vasungwa vose venyika vatsikwe pasi petsoka,
35kuti zvakarurama zvomunhu zvikanganiswe
pamberi poWokumusoro‐soro,
36kuti munhu arege kururamisirwa pamhaka yake,
Ishe haafari naizvozvo.
37Ndianiko angataura, zvikaitika,
kana Ishe asingazvirayiri?
38Ko zvakaipa nezvakanaka hazvibudi
pamuromo woWokumusoro‐soro here?
39Ko munhu mupenyu anonyunyutirei,
kana iye munhu achirohwa pamusoro pezvivi zvake?
40Ngatinzvere nokuedza nzira dzedu,
titendeukirezve kuna Jehovha.
41Ngatisimudze mwoyo yedu namaoko edu
kuna Mwari ari kudenga.
42Takadarika nokumumukira simba;
imi hamuna kutikanganwira
43Makazvifukidza nokutsamwa,
mukadzingana nesu, makauraya,
hamuna kunzwira tsitsi.
44Makazvifukidza negore kuti kurege
kuva nomunyengetero ungapindapo.
45Makatiita marara nezvinorashwa
pakati pamarudzi avanhu.
46Vavengi vedu vose vakatishamisira miromo yavo.
47Kutya nehunza zvasvika kwatiri
nokupedzwa nokuparadzwa.
48Ziso rangu rinoyerera nzizi dzemvura
pamusoro pokuparadzwa kwomukunda wavanhu vangu.
49Ziso rangu rinodurura misodzi,
hariregi, harigumi,
50kusvikira Jehovha achitarira achiona ari kudenga.
51Ziso rangu rinorwadzisa mweya wangu
nemhaka yavakunda vose veguta rangu.
52Vakadzingana neni zvikuru seshiri,
ivo, vanondivenga ndisina mhaka.
53Vakaparadza upenyu hwangu mugomba,
vakakandira ibwe pamusoro pangu.
54Mvura zhinji yakafukidza musoro wangu;
ndakati, “Ndapera.”
55Ndakadana zita renyu, Jehovha,
ndiri mugomba rakadzika kwazvo.
56Makanzwa izwi rangu;
regai kundivanzira nzeve yenyu
pakufema kwangu nokuchema kwangu.
57Makaswedera nezuva randakadana kwamuri,
makati, “Usatya.”
58Ishe, imi makandireverera mhaka
dzomweya wangu,
makadzikinura upenyu hwangu.
59Haiwa Jehovha, makaona kusaruramisirwa kwangu,
nditongerei mhaka yangu.
60Makaona kutsiva kwavo kwose,
namano avo ose pamusoro pangu.
61Makanzwa kushora kwavo,
Jehovha, namano avo ose pamusoro pangu,
62iyo miromo yavakandimukira nezvavakandifungira zuva rose.
63Tarirai kugara kwavo pasi nokusimuka kwavo;
ndiri chiimbo chavo.
64Imi muchavatsiva, Jehovha,
zvakafanira nebasa ramaoko avo.
65Muchavapa kuwoma kwomwoyo,
ndiko kutuka kwenyu pamusoro pavo.
66Muchadzingana navo makatsamwa,
nokuvaparadza pasi pedenga raJehovha.

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda