Kuungudza kwaJeremia 3:1-20
Kuungudza kwaJeremia 3:1-20 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Ndini munhu akaona kutambudzika neshamhu yokutsamwa kwake. Akanditungamirira akandifambisa murima ndisina chiedza. Zvirokwazvo anogara achingondiramba zuva rose noruoko rwake. Akasakadza nyama yangu neganda rangu, akavhuna mapfupa angu. Akandivakira rusvingo kuzorwa neni, Aakandikomberedza nenduru nokurwadziwa. Akandigarisa panzvimbo dzinerima, savanhu vakanguva vafa. Akandikomberedza norusvingo, kuti ndirege kugona kubuda; akaremesa ngeketani dzangu. Zvirokwazvo, kana ndichidana nokuridza mhere, anodzivisa munyengetero wangu. Akadzivira nzira dzangu norusvingo rwamabwe akavezwa, akakanganisa nzira dzangu. Kwandiri akaita sebere rinovandira, seshumba iri panzvimbo dzisingazikanwi. Akatsausa nzira dzangu, akandibvarura‐bvarura, akandiita renje. Akakunga uta hwake, akandiita chinhu chokuposhera nomuseve. Akapinza miseve yegoba rake mutsvo dzangu. Ndava chinhu chinosekwa navanhu vangu vose, nechiimbo chavo zuva rose. Akandigutisa nezvinovava, akandinwisa gavakava. Akapedza meno angu norubwe, akandifukidza namadota. Makarashira mweya wangu kure norugare, ndakakanganwa kuti zvakanaka zvakadini. Ini ndikati, “Simba rangu rapera, nezvandakanga ndakatarira kuna Jehovha.” Rangarirai kutambudzika kwangu nenhamo yangu, iro gavakava nenduru. Mweya wangu uchangozvirangarira nazvino, uri kutambudzika kwazvo.
Kuungudza kwaJeremia 3:1-20 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)
Ini ndiri munhu ndakaziva nhamo neshamhu yehasha dzaMwari. Akandidzinga akandiendisa murima kwete muchiedza. Anonditendeudzira atendeudzazve shamhu yake muswere wose. Akaita kuti ndiperezeke muviri neganda rangu zviperezeke; akandityora mapfupa. Akandikomberedza akandiputira nenhamo namatambudziko. Akandigarisa murima savafi vepasi chigare. Akandipoteredza nechidziro zvokuti handikwanise kupunyuka, akandisunga nengetani dzake dzinorema. Kunyange ndikachema ndichikumbira kubatsirwa kunamata kwangu akakuvhariridza. Akadzivirira nzira dzangu namabwe akavezwa akamonyorotsa nzira dzangu. Kwandiri akaita sebere rakavandira uye seshumba yakahwanda. Akanditsautsa munzira yangu akandibvadzura-bvadzura akandisiya ndachiti dano! Akakunga uta hwake, chaainanga chacho ndini. Akandinanga pakaipa nemiseve yegoba rake. Ndakave chiseko chevanhu vose ndikave rumbo kwavari muswere wose. Akandigutsa nezvinovava akandiraradzisa negavakava. Akaita kuti mazino angu agejere namatombo akandiumburudza kumadota. Akandibvisira paupenyu chinounza rugare, ndakatokanganwawo chinonzi kugarika. Saka ndichiti zvangu zvomukurumbira wangu zvakapera uyewo zvandaitarisira kuna Tenzi zvakapera. Ndikafunga nhamo namatambudziko angu ini, igavakava nenduru zvayo. Ndinoramba ndichingozvifunga iwe, uye ndave hotakota mukati mangu.
Kuungudza kwaJeremia 3:1-20 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Ndini munhu akaona kutambudzika neshamhu yehasha dzake. Akandidzingira kure akaita kuti ndifambe murima panzvimbo yomuchiedza; zvirokwazvo, akashandura ruoko rwake kuti rundirwise nguva nenguva, zuva rose. Akasakadza ganda rangu nenyama yangu uye akavhuna mapfupa angu. Akandikomba akandipoteredza neshungu nokurwadziswa. Akandigarisa murima savanhu vakafa kare kare. Akandipfigira kuti ndisapunyuka, akandiremedza nengetani. Kunyange ndikadana kana kuridza mhere kuti ndibatsirwe, anopfigira munyengetero wangu kunze. Akadzivira nzira yangu namatombo; akaminamisa nzira dzangu. Sebere rakavandira, seshumba yakavanda, akandikwekweredza kubva munzira uye akandibvarura-bvarura akandisiya ndisina mubatsiri. Akawembura uta hwake akandiita chinhu chinonangwa nemiseve yake. Akabaya mwoyo wangu nemiseve yaibva mugoba rake. Ndakava chiseko chavanhu vangu vose; vakandihomera nenziyo pazuva rose. Akandigutsa nemiriwo inovava, uye akandinwisa nduru. Akagura mazino angu nerukangarabwe; akanditsokodzera muguruva. Ndakatorerwa rugare; ndakakanganwa kuti kubudirira chii. Naizvozvo ndinoti, “Kubwinya kwangu kwaenda, uye nezvose zvandanga ndakatarisira kuna Jehovha.” Ndinorangarira kutambudzika kwangu nokudzungaira kwangu, kurwadziwa uye nenduru. Ndinozvirangarira kwazvo, uye mweya wangu wasuruvara mukati mangu.
Kuungudza kwaJeremia 3:1-20 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Ini ndiri munhu ndakaziva nhamo neshamhu yehasha dzaMwari. Akandidzinga akandiendisa murima kwete muchiedza. Anonditendeudzira atendeudzazve shamhu yake muswere wose. Akaita kuti ndiperezeke muviri neganda rangu zviperezeke; akandityora mapfupa. Akandikomberedza akandiputira nenhamo namatambudziko. Akandigarisa murima savafi vepasi chigare. Akandipoteredza nechidziro zvokuti handikwanise kupunyuka, akandisunga nengetani dzake dzinorema. Kunyange ndikachema ndichikumbira kubatsirwa kunamata kwangu akakuvhariridza. Akadzivirira nzira dzangu namabwe akavezwa akamonyorotsa nzira dzangu. Kwandiri akaita sebere rakavandira uye seshumba yakahwanda. Akanditsautsa munzira yangu akandibvadzura-bvadzura akandisiya ndachiti dano! Akakunga uta hwake, chaainanga chacho ndini. Akandinanga pakaipa nemiseve yegoba rake. Ndakave chiseko chevanhu vose ndikave rumbo kwavari muswere wose. Akandigutsa nezvinovava akandiraradzisa negavakava. Akaita kuti mazino angu agejere namatombo akandiumburudza kumadota. Akandibvisira paupenyu chinounza rugare, ndakatokanganwawo chinonzi kugarika. Saka ndichiti zvangu zvomukurumbira wangu zvakapera uyewo zvandaitarisira kuna Tenzi zvakapera. Ndikafunga nhamo namatambudziko angu ini, igavakava nenduru zvayo. Ndinoramba ndichingozvifunga iwe, uye ndave hotakota mukati mangu.
Kuungudza kwaJeremia 3:1-20 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ndini munhu wakaʋona kutambudzika neshamhu yokutsamŋa kwake. Wakandituŋgamirira akandifambisa murima ndisineciedza. Ɀirokwaɀo unogara aciŋgondiramba zuʋa rose noruʋoko rwake. Wakasakadza nyama yaŋgu neganda raŋgu, wakavuna mafupa aŋgu. Wakandiʋakira ruȿiŋgo kuzorwa neni, wakandikomberedza nenduru nokurwadziwa. Wakandigarisa panɀimbo dzinerima, saʋanhu ʋakaŋguʋa ʋafa. Wakandikomberedza noruȿiŋgo, kuti ndirege kugona kuɓuɗa; wakaremesa maketani aŋgu. Ɀirokwaɀo, kana ndiciɗana nokuridza mhere, unodziʋisa munyeŋgetero waŋgu. Wakadziʋira nzira dzaŋgu noruȿiŋgo rwamabge akaʋezwa, wakakaŋganisa nzira dzaŋgu. Kwandiri wakaita seɓere rinoʋandira, seshumba iri panɀimbo dzisiŋgazikanwi. Wakatsausa nzira dzaŋgu, akandibvarura‐bvarura, wakandiita renje. Wakawembura ʋuta bgake, akandiita cinhu cokuposhera nomuseʋe. Wakapinza miseʋe yegoɓa rake mutȿo dzaŋgu. Ndaʋa cinhu cinosekwa naʋanhu ʋaŋgu ʋose, neciimbo caʋo zuʋa rose. Wakandigutisa neɀinoʋaʋa, wakandinwisa gaʋakaʋa. Wakapedza meno aŋgu norubge, wakandifukidza namaɗota. Makarashira mŋeya waŋgu kure norugare, ndakakaŋganwa kuti ɀakanaka ɀakaɗini. Ini ndikati: Simba raŋgu rapera, neɀandakaŋga ndakatarira kunaJehova. Raŋgarirai kutambudzika kwaŋgu nenhamo yaŋgu, iro gaʋakaʋa nenduru. Mŋeya waŋgu ucaŋgoɀiraŋgarira naɀino, wakakotama mukati maŋgu.