Ndini munhu wakaʋona kutambudzika neshamhu yokutsamŋa kwake. Wakandituŋgamirira akandifambisa murima ndisineciedza. Ɀirokwaɀo unogara aciŋgondiramba zuʋa rose noruʋoko rwake. Wakasakadza nyama yaŋgu neganda raŋgu, wakavuna mafupa aŋgu. Wakandiʋakira ruȿiŋgo kuzorwa neni, wakandikomberedza nenduru nokurwadziwa. Wakandigarisa panɀimbo dzinerima, saʋanhu ʋakaŋguʋa ʋafa. Wakandikomberedza noruȿiŋgo, kuti ndirege kugona kuɓuɗa; wakaremesa maketani aŋgu. Ɀirokwaɀo, kana ndiciɗana nokuridza mhere, unodziʋisa munyeŋgetero waŋgu. Wakadziʋira nzira dzaŋgu noruȿiŋgo rwamabge akaʋezwa, wakakaŋganisa nzira dzaŋgu. Kwandiri wakaita seɓere rinoʋandira, seshumba iri panɀimbo dzisiŋgazikanwi. Wakatsausa nzira dzaŋgu, akandibvarura‐bvarura, wakandiita renje. Wakawembura ʋuta bgake, akandiita cinhu cokuposhera nomuseʋe. Wakapinza miseʋe yegoɓa rake mutȿo dzaŋgu. Ndaʋa cinhu cinosekwa naʋanhu ʋaŋgu ʋose, neciimbo caʋo zuʋa rose. Wakandigutisa neɀinoʋaʋa, wakandinwisa gaʋakaʋa. Wakapedza meno aŋgu norubge, wakandifukidza namaɗota. Makarashira mŋeya waŋgu kure norugare, ndakakaŋganwa kuti ɀakanaka ɀakaɗini. Ini ndikati: Simba raŋgu rapera, neɀandakaŋga ndakatarira kunaJehova. Raŋgarirai kutambudzika kwaŋgu nenhamo yaŋgu, iro gaʋakaʋa nenduru. Mŋeya waŋgu ucaŋgoɀiraŋgarira naɀino, wakakotama mukati maŋgu.
Verenga chikamu Mariro aJeremia 3
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Mariro aJeremia 3:1-20
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo