Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Kuungudza kwaJeremia 3:1-20

Kuungudza kwaJeremia 3:1-20 BDSC

Ndini munhu akaona kutambudzika neshamhu yehasha dzake. Akandidzingira kure akaita kuti ndifambe murima panzvimbo yomuchiedza; zvirokwazvo, akashandura ruoko rwake kuti rundirwise nguva nenguva, zuva rose. Akasakadza ganda rangu nenyama yangu uye akavhuna mapfupa angu. Akandikomba akandipoteredza neshungu nokurwadziswa. Akandigarisa murima savanhu vakafa kare kare. Akandipfigira kuti ndisapunyuka, akandiremedza nengetani. Kunyange ndikadana kana kuridza mhere kuti ndibatsirwe, anopfigira munyengetero wangu kunze. Akadzivira nzira yangu namatombo; akaminamisa nzira dzangu. Sebere rakavandira, seshumba yakavanda, akandikwekweredza kubva munzira uye akandibvarura-bvarura akandisiya ndisina mubatsiri. Akawembura uta hwake akandiita chinhu chinonangwa nemiseve yake. Akabaya mwoyo wangu nemiseve yaibva mugoba rake. Ndakava chiseko chavanhu vangu vose; vakandihomera nenziyo pazuva rose. Akandigutsa nemiriwo inovava, uye akandinwisa nduru. Akagura mazino angu nerukangarabwe; akanditsokodzera muguruva. Ndakatorerwa rugare; ndakakanganwa kuti kubudirira chii. Naizvozvo ndinoti, “Kubwinya kwangu kwaenda, uye nezvose zvandanga ndakatarisira kuna Jehovha.” Ndinorangarira kutambudzika kwangu nokudzungaira kwangu, kurwadziwa uye nenduru. Ndinozvirangarira kwazvo, uye mweya wangu wasuruvara mukati mangu.