Ini ndiri munhu ndakaziva nhamo neshamhu yehasha dzaMwari. Akandidzinga akandiendisa murima kwete muchiedza. Anonditendeudzira atendeudzazve shamhu yake muswere wose. Akaita kuti ndiperezeke muviri neganda rangu zviperezeke; akandityora mapfupa. Akandikomberedza akandiputira nenhamo namatambudziko. Akandigarisa murima savafi vepasi chigare. Akandipoteredza nechidziro zvokuti handikwanise kupunyuka, akandisunga nengetani dzake dzinorema. Kunyange ndikachema ndichikumbira kubatsirwa kunamata kwangu akakuvhariridza. Akadzivirira nzira dzangu namabwe akavezwa akamonyorotsa nzira dzangu. Kwandiri akaita sebere rakavandira uye seshumba yakahwanda. Akanditsautsa munzira yangu akandibvadzura-bvadzura akandisiya ndachiti dano! Akakunga uta hwake, chaainanga chacho ndini. Akandinanga pakaipa nemiseve yegoba rake. Ndakave chiseko chevanhu vose ndikave rumbo kwavari muswere wose. Akandigutsa nezvinovava akandiraradzisa negavakava. Akaita kuti mazino angu agejere namatombo akandiumburudza kumadota. Akandibvisira paupenyu chinounza rugare, ndakatokanganwawo chinonzi kugarika. Saka ndichiti zvangu zvomukurumbira wangu zvakapera uyewo zvandaitarisira kuna Tenzi zvakapera. Ndikafunga nhamo namatambudziko angu ini, igavakava nenduru zvayo. Ndinoramba ndichingozvifunga iwe, uye ndave hotakota mukati mangu.
Verenga chikamu Kuungudza 3
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Kuungudza 3:1-20
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo