Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Judha 1:1-25

Judha 1:1-25 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)

Judha, muranda waJesu Kristu nomununʼuna waJakobho, kuna vaya vakadanwa, vanodikanwa naMwari Baba, vanochengetwa naJesu Kristu: Ngoni, rugare norudo ngazviwande kwamuri. Shamwari dzinodikanwa, kunyange ndakanga ndichishingairira kuti ndinyore kwamuri pamusoro poruponeso rwatinogovana, ndakafunga kuti ndinofanira kunyora ndichikukurudzirai kuti murwire kutenda kwakapiwa vatsvene kamwe. Nokuti vamwe varume vane kutongwa kwavo kwakanyorwa nezvako kare, vakapinda muchivande pakati penyu. Ivo vanhu vasina umwari, vanoshandura nyasha dzaMwari wedu vachidzitora semvumo yokuita upombwe, uye vachiramba Jesu Kristu, Ishe naTenzi wedu mumwe oga. Kunyange maizviziva henyu kare, ndinoda kukuyeuchidzai kuti Ishe akasunungura vanhu vake kubva muIjipiti, asi pashure akaparadza vaya vakanga vasingatendi. Uye vatumwa vasina kuchengeta nzvimbo youkuru hwavo asi vakasiya musha wavo, ivava akavachengeta murima, vakasungwa nengetani dzokusingaperi vakamirira kutongwa pazuva guru. Nenzira imwe cheteyo, Sodhomu neGomora uye namaguta akanga akapoteredza akazvipa kuupombwe nokutsauka, akava muenzaniso wavaya vari pakurangwa nomoto usingaperi. Nenzira imwe cheteyo, ava varoti vanosvibisa miviri yavo, vachiramba vakuru uye vachituka zvisikwa zvokudenga. Asi kunyange Mikaeri mutumwa mukuru, paakanga achirwa nadhiabhori pamusoro pomuviri waMozisi, haana kutsunga kutaura mashoko okutuka nokumupomera mhosva, asi akati, “Ishe ngaakutuke!” Asi vanhu ava vanotaura zvisina maturo pamusoro pezvinhu zvavasinganzwisisi; uye kunyange nezvinhu zvavanonzwisisa kubva pakuberekwa kwavo, semhuka dzisingafungi, zvinhu izvozvi ndizvo chaizvo zvinovaparadza. Vane nhamo! Vakasarudza nzira yaKaini; vakamhanyira mubayiro wokutsauka kwaBharamu; vakaparadzwa mukupanduka kwaKora. Vanhu ava makwapa pamitambo yenyu yorudo, vanodya nemi vasingatyi napaduku, vanongozvipa zvokudya ivo chete. Makore asina mvura, anotinhwa nemhepo; miti yenguva yamasutso, isina michero uye yakadzurwa, yakafa zvakapetwa kaviri. Mafungu egungwa anopenga, anopupuma nyadzi dzawo; nyeredzi dzinodzungaira, ivava vakachengeterwa rima guru nokusingaperi. Enoki, wechinomwe kubva kuna Adhamu, akaprofita pamusoro pavanhu ava achiti, “Tarirai, Ishe ari kuuya nezviuru nezviuru zvavatsvene vake kuti azotonga vanhu vose, uye abate nemhosva vose vasina umwari pamusoro pamabasa ose asina umwari avakaita nenzira isina umwari, uye namashoko okutuka akataurwa navanhu vasina umwari pamusoro pake.” Vanhu ava vanyunyuti uye vapomeri; vanotevera kuchiva kwavo vamene; vanozvirumbidza pachavo uye vanobata vamwe kumeso kuti zvivanakire ivo. Asi, vadikani, rangarirai zvakataurwa navapostori vaIshe wedu Jesu Kristu. Vakati kwamuri, “Munguva yokupedzisira kuchava navaseki vachatevera kuchiva kwavo.” Ava ndivo vanhu vanokuparadzanisai, vanotevera nyama yavo uye vasina Mweya. Asi imi, vadikani, zvivakei mukutenda kwenyu kutsvene uye munyengetere muMweya Mutsvene. Zvichengetei murudo rwaMwari pamunenge muchimirira ngoni dzaIshe wedu Jesu Kristu kuti dzikuuyisei kuupenyu husingaperi. Itirai ngoni avo vanokahadzika; bvutai vamwe kubva mumoto mugovaponesa; vamwe muvanzwire ngoni dzakasanganiswa nokutya, muchivenga kunyange nenguo dzakasvibiswa nenyama. Kuna iye anogona kukuchengetai kuti murege kugumburwa uye anokuisai pamberi pokubwinya kwake musina chamunopomerwa, uye nomufaro mukuru, kuna iye Mwari oga muponesi wedu, ngakuve nokubwinya, umambo, simba noukuru, nokuna Jesu Kristu Ishe wedu, nguva isati yavapo, zvino nokusingaperi! Ameni.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Judha 1

Judha 1:1-25 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)

Judhasi, muranda waJesu Kristu, munun'una waJakobho, kuna vakadanwa, vakadikanwa muna Mwari Baba, vakachengetererwa Jesu Kristu: Ngoni, norugare, norudo ngazviwanzwe kwamuri. Vadikanwi, ndakati ndichishingaira zvikuru kukunyorerai pamusoro pokuponeswa kwedu tose, ndakaona kuti ndinofanira kukunyorerai, ndichikurayirai kuti murwire kwazvo kutenda kwakapiwa vatsvene kamwe. Nokuti kuna vamwe varume vakapinda pakavanda, vakagara vaisirwa kare kutongwa uku, vanhu vasingadi Mwari, vanoshandura nyasha dzaMwari wedu vachidziita utere, vachiramba Tenzi uyu mumwechete, Ishe wedu Jesu Kristu. Zvino ndinoda kukuyeuchidzai, kunyange maizviziva henyu kamwe kare zvose, kuti Ishe, akati amborwira vanhu munyika yeIjipiti, akazoparadza avo vakanga vasingatendi. Navatumwa, vasina kuchengeta ukuru hwavo, asi vakasiya pavaifanira kugara, wakavachengeta muzvisungo zvisingaperi pasi perima guru kusvikira pakutongwa kwezuva guru; seSodhoma neGomora, namaguta akapoteredza, akazvipa kwazvo saizvo kuupombwe nokutevera imwe nyama, akaitwa chiratidzo, akarohwa nomoto usingaperi. Kunyange zvakadaro, vanhu ava pakurota kwavo vanosvibisa nyama yavo saizvozvo, vachiramba ukuru, nokutuka avo vanokubwinya. Asi Mikaeri, mutumwa mukuru, nguva yaakarwa naDhiabhori, akaita nharo naye pamusoro pomuviri waMosesi, akatya kumupa mhosva namashoko okutuka, asi akati, “Ishe ngaakurayire.” Asi vanhu ava vanotuka zvavasingazivi; napazvinhu izvo, zvavanonzwisisa kubva pakuberekwa kwavo, semhuka dzisingazivi, vanoparadzwa pazviri. Vane nhamo, nokuti vakafamba nenzira yaKaini, vakapengera kutsauka kwaBharami nokuda kwomubayiro, vakaparadzwa nokukakavara kwaKora. Vanhu ava mabwe akavanzika pamitambo yenyu yorudo, kana vodya nemi vasingatyi, vafudzi vanongozvifudza ivo; makore asina mvura, anotinhwa nemhepo; miti yechando isina zvibereko, yakafa kaviri, yakadzurwa nemidzi; mafungu egungwa anopenga, anopupuma nyadzi dzawo; nyeredzi dzinofamba-famba, vakachengetererwa kusviba kwerima nokusingaperi. Enoki, wechinomwe kubva kuna Adhamu, wakaporofitira ivava, achiti, “Tarira, Ishe akawuya navatsvene vake vane zviuru zvamazana, kuti atonge vose, nokurova vose vasingadi Mwari pamusoro pamabasa avo ose okusada Mwari, avakaita nokusada kwavo Mwari, napamusoro pamashoko ose makukutu akataurwa navatadzi vasingadi Mwari.” Ivo vanyunyuti vasingatendi nezvavanazvo, vanofamba nokuchiva kwavo; (miromo yavo inotaura mashoko okuzvikudza), vachikudza vanhu nokuda kwokufumiswa. Asi imi vadikanwi, rangarirai mashoko akambotaurwa navapostori vaIshe wedu, Jesu Kristu; kuti vakakuudzai kuti, “Nenguva yokupedzisira vaseki vachavako, vanofamba nokuchiva kwavo vasingadi Mwari.” Ndivo vanoparadzanisa, ndovenyama, vasina Mweya. Asi imi vadikanwi, muzvivake mukutenda kwenyu kutsvene-tsvene, munyengetere muMweya Mutsvene, muzvichengete murudo rwaMwari, muchitarira ngoni dzaIshe wedu, Jesu Kristu, muve noupenyu husingaperi. Ivai nengoni navamwe vane nyunyuto, muvaponese muchivabvuta pamoto; vamwe muve nengoni navo nokutya, muchivenga kunyange nenguo yakasvibiswa nenyama. Zvino kuna iye anogona kukuchengetai, kuti murege kugumburwa, nokukuisai pamberi pokubwinya kwake musina chamungapomerwa, muchifara kwazvo, kuna Mwari iye mumwe, Muponesi wedu, naJesu Kristu, Ishe wedu, ngakuve kubwinya, noumambo, nesimba, noushe, nguva isati yavapo, nazvino nokusingaperi. Ameni.

Judha 1:1-25 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)

Ndini Judha muranda waJesu Kristu munun'una waJakobho ndinokunyorerai imi makadaidzwa, vapamwoyo paMwari Baba imi makachengeterwa Jesu Kristu. Dai mangoramba muchingoitirwa tsitsi muchidiwa zvikuru kwazvo. Vadikanwi pandaiva neshungu dzokukunyorerai nezvoruponeso rwedu tose, ndakaona chiri chinhu chinofanira kuitwa chokuti ndikunyorerei ndichikukumbirai kuti murwirewo chitendero chakapiwa chakamwe kuvatsvene. Pana vamwe vanhu vakapinda pakati penyu zvomuchivande. Vanhu ivavo vakatemerwa kare kare kurangwa kwavo ikoko. Vanhu vasiri vatendi vaMwari vanosandura nyasha dzaMwari wedu kuti vawane maitiro ounzenza vachiramba Changamire naTenzi wedu mumwechete, Jesu Kristu. Zvino ndinoda kukuyeuchidzai, kunyange makambonyatsozviziva kwazvo kuti iye akambonunura rumwe rudzi kubva kunyika yeIjipiti akazoparadza vakanga vasingatendi. Uye vatumwa vaya vakasiya chinzvimbo chavo choukuru ukuru vakasiya nzvimbo yavo chaiyo vakasungwa nengetani dzinogara nokusingaperi munzvimbo yerima kusvikira pakutongwa kwezuva guru. Sezvakangoita Sodhomu neGomora namaguta akaatenderedza, akaita zvimwechetezvo kuita upombwe vakaitawo zvisina maturo vakave muenzaniso nokurangwa kwavakaitwa nokurohwa nemoto usingaperi. Nenzira imwecheteyo, vanhu ava, mune zvavanorotswa, vanon'oresa miviri yavo vachiramba kuteerera vakuru nokushonha vaya vembiri. Kunyange Mikaeri mutumwa mukuru paaikakavadzana naDhiabhori, pavaiitirana nharo kuti ndiani achatora chitunha chaMosesi, haana kutaura namazwi okushora achimupa mhosva asi akati, “Tenzi ndiye achakupa mhosva.” Asi vanhu ava vanoshora zvose zvavasinganzwisisi uye vanoparadzwa nezvinhu zvavanonzwa mavari sezvinongoita mhuka dzisingafungi. Hameno zvavo! Vakatevera gwara raKaini vakazvipinza mukukanganisa kwaBhiriamu pamusana pokuda kuzvipfumisa vachizoparadzwa mukupanduka kwaKora. Vanhu ivava munzwa mundove pamabiko enyu orudo vanosasana pamwechete zvisina nyadzi. Chavo kuzvifunga ivo pachavo. Makore zvawo asina mvura anongopeperetswa nemhepo, miti yokupera kwamatsutso isina muchero yakafa kaviri, yakadzipurwa. Mafungu egungwa asina pawo vanopupuma furu renyadzi dzavo, inyenyedzi dzinodzungaira dzamisirwa nokusingaperi, nyika yerima iri pasi penyika. Ndivava vakaporofitwa naInoki muchizvarwa chechinomwe kubva kuna Adhamu achiti, “Hoyo Tenzi ari kuuya achiperekedzwa nezviuru zvavatsvene vake kuzotonga vanhu vose nokuzopa mhosva vasiri vatendi vaMwari, mhosva yezviito zvavo zvose zvisina Mwari zvavakaita namaitiro asina Mwari nemhosva dzose dzehasha dzaiitwa kwaari navasiri vatendi. Vanhu ivava vanhu vokunyunyuta vasingagutsikani, vanoita zvinoda havi dzavo, vanamupoperi vokuzvikudza, vanorumbidza vanhu zvokuvabata kumeso vachida zvavanoda kuwana.” Asi munofanira kuyeuka hama dzangu zvakafanotaurwa navapositori vaTenzi wedu Jesu Kristu. Vakati kwamuri: “Mumazuva okupedzisira kuchava navadadi vanotevedza mapangiro avo asina zvaMwari.” Vanhu ivavo imharadzi dzavanhu, vanhu venyika vasina Mweya. Asi imi hama dzangu ibvai mazvivaka pachitendero chenyu chinoera kwazvo kwazvo. Namatai muina Mweya Mutsvene. Rambai muchingodana naMwari. Rambai makangotarisira kuti Tenzi Jesu Kristu achakuitirai nyasha dzinokusvitsai kuupenyu husingaperi. Itirai ngoni vanokahadzika mununure vamwe vavo nokuvabura muchoto. Vamwe vaitirei zvenyu tsitsi asi muchivatya, muchitovenga kunyange hanzu dzavo dzakaita mavara mavara nokutadza, dzakasvibiswa nemiviri yavo. Zvino kuna iye anokwanisa kukuchengetedzai musina kuputsika achikusvitsai musina chinoshoreka muchifara paari mumbiri yake kuna iye Mwari mumwechete Mununuri wedu nokuna Jesu Kristu Tenzi wedu ngakuve nembiri, noukuru, nesimba nechiremera sezvakanga zviripo nakare kose, zviripo iye zvino uye nokusingaperi. Ameni.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Judha 1

Judha 1:1-25 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)

Judasi, muranda waJesu Kristu, munuŋuna waJakobo, kunaʋakaɗanwa, ʋakaɗikanwa munaMŋari Ƃaɓa, ʋakaceŋgetererwa Jesu Kristu: Ŋgoni, norugare, noruɗo ŋgaɀiwanzwe kwamuri. Ʋaɗikanwa, ndakati ndicishiŋgaira ɀikuru kukunyorerai pamsoro pokuponeswa kweɗu tose, ndakaʋona kuti ndinofanira kukunyorerai, ndicikurairai kuti murwire kwaɀo kutenda kwakaɗeya kupiwa ʋatȿene kamŋe. Nokuti kunaʋamŋe ʋarume ʋakapinda pakaʋanda, ʋakagara ʋaisirwa kare kutoŋgwa uku, ʋanhu ʋasiŋgaɗi Mŋari, ʋanoshandura nyasha dzaMŋari weɗu ʋacidziita ʋutere, ʋaciramba Tenzi uyu mumŋe cete, Ishe weɗu Jesu Kristu. Ɀino ndinoɗa kukuyeʋudzai, kunyaŋge maiɀiziʋa henyu kamŋe kare ɀose, kuti Ishe, wakati amborwira ʋanhu munyika yeEgipita, akazoparadza aʋo ʋakaŋga ʋasiŋgatendi. Naʋatumŋa, ʋasinakuceŋgeta ʋukuru bgaʋo, asi ʋakasiya paʋaifanira kugara, wakaʋaceŋgeta muɀisuŋgo ɀisiŋgaperi pasi perima guru kuȿikira pakutoŋgwa kwezuʋa guru; seSodoma neGomora, namaguta akapoteredza, akaɀipa kwaɀo saiʋo kuʋupombge nokuteʋera imŋe nyama, akaitwa ciratidzo, akarobga nomŋoto usiŋgaperi. Kunyaŋge ɀakaɗaro, ʋanhu aʋa pakurota kwaʋo ʋanoȿiɓisa nyama yaʋo saiɀoɀo, ʋaciramba ʋukuru, nokutuka aʋo ʋanokubginya. Asi Mikaeri, mutumŋa mukuru, ŋguʋa yaakarwa naDiaborosi, akaita nharo naye pamsoro ʋomuʋiri waMosesi, wakatya kumupa mhoȿa namashoko okutuka, asi wakati: Ishe ŋgaakuraire. Asi ʋanhu aʋa ʋanotuka ɀaʋasiŋgaziʋi; napaɀinhu iɀo, ɀaʋanonzwisisa kubva pakuɓerekwa kwaʋo, semhuka dzisiŋgaziʋi, ʋanoparadzwa paɀiri. Ʋanenhamo, nokuti ʋakafamba nenzira yaKaini, ʋakapeŋgera kukutsauka kwaBarami nokuɗa kwomuɓairo, ʋakaparadzwa nokukakaʋara kwaKora. Ʋanhu aʋa mabge akaʋanzika pamitambo yenyu yoruɗo, kana ʋodya nemi ʋasiŋgatyi, ʋafudzi ʋanoŋgoɀifudza iʋo; makore asinemvura, anotinhwa nemhepo; miti yecando isineɀiɓereko, yakafa kaʋiri, yakadzurwa nemidzi; mafuŋgu eguŋgwa anopeŋga, anopupuma nyadzi dzawo; nyeredzi dzinofamba‐famba, ʋakaceŋgetererwa kuȿiɓa kwerima nokusiŋgaperi. Enoki, wecinomŋe kubva kunaAdama, wakaprofitera iʋaʋa, aciti: Tarira, Ishe wakaʋuya naʋatȿene ʋake ʋaneɀuru ɀamazana, kuti atoŋge ʋose, nokuroʋa ʋose ʋasiŋgaɗi Mŋari pamsoro pamaɓasa aʋo ose okusaɗa Mŋari, aʋakaita nokusaɗa kwaʋo Mŋari, napamsoro pamashoko ose makukutu akataurwa naʋatadzi ʋasiŋgaɗi Mŋari. Iʋo ʋaŋuŋuni naʋasiŋgatendi neɀavanaɀo, ʋanofamba nokuciʋa kwaʋo; (miromo yaʋo inotaura mashoko okuɀikudza), ʋacikudza ʋanhu nokuɗa kwokufumiswa. Asi imi ʋaɗikanwa, raŋgarirai mashoko akaɗeya kutaurwa naʋaapostora ʋaShe weɗu, Jesu Kristu; kuti ʋakakuʋudzai kuti neŋguʋa yokupedzisira ʋaseki ʋacaʋa’ko, ʋanofamba nokuciʋa kwaʋo ʋasiŋgaɗi Mŋari. Ndiʋo ʋanoparadzansia, ndoʋenyama, ʋasinoMŋeya. Asi imi ʋaɗikanwa, muɀiʋake pakutenda kwenyu kutȿene‐tȿene, munyeŋgetere muMŋeya Mutȿene, muɀiceŋgete muruɗo rwaMŋari, mucitarira ŋgoni dzaShe weɗu, Jesu Kristu, muʋe noʋupenyu bgusiŋgaperi. Iʋai neŋgoni naʋamŋe ʋanenyunyuto, muʋaponese muciʋabvuta pamŋoto; ʋamŋe muʋe neŋgoni naʋo nokutya, muciʋeŋga kunyaŋge neŋguʋo yakaȿiɓiswa nenyama. Ɀino kunaiye unogona kukuceŋgetai, kuti murege kugumburwa, nokukuisai pamberi pokubginya kwake musinacamuŋgapomerwa, mucifara kwaɀo, kunaMŋari iye mumŋe, Muponesi weɗu, naJesu Kristu, Ishe weɗu, ŋgakuʋe kubginya, noʋumambo, nesimba, noʋushe, ŋguʋa isati yaʋa’po, naɀino, nokusiŋgaperi. Ameni.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Judha 1

Judha 1:1-25 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)