Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Judasi 1:1-25

Judasi 1:1-25 SUB1949

Judasi, muranda waJesu Kristu, munuŋuna waJakobo, kunaʋakaɗanwa, ʋakaɗikanwa munaMŋari Ƃaɓa, ʋakaceŋgetererwa Jesu Kristu: Ŋgoni, norugare, noruɗo ŋgaɀiwanzwe kwamuri. Ʋaɗikanwa, ndakati ndicishiŋgaira ɀikuru kukunyorerai pamsoro pokuponeswa kweɗu tose, ndakaʋona kuti ndinofanira kukunyorerai, ndicikurairai kuti murwire kwaɀo kutenda kwakaɗeya kupiwa ʋatȿene kamŋe. Nokuti kunaʋamŋe ʋarume ʋakapinda pakaʋanda, ʋakagara ʋaisirwa kare kutoŋgwa uku, ʋanhu ʋasiŋgaɗi Mŋari, ʋanoshandura nyasha dzaMŋari weɗu ʋacidziita ʋutere, ʋaciramba Tenzi uyu mumŋe cete, Ishe weɗu Jesu Kristu. Ɀino ndinoɗa kukuyeʋudzai, kunyaŋge maiɀiziʋa henyu kamŋe kare ɀose, kuti Ishe, wakati amborwira ʋanhu munyika yeEgipita, akazoparadza aʋo ʋakaŋga ʋasiŋgatendi. Naʋatumŋa, ʋasinakuceŋgeta ʋukuru bgaʋo, asi ʋakasiya paʋaifanira kugara, wakaʋaceŋgeta muɀisuŋgo ɀisiŋgaperi pasi perima guru kuȿikira pakutoŋgwa kwezuʋa guru; seSodoma neGomora, namaguta akapoteredza, akaɀipa kwaɀo saiʋo kuʋupombge nokuteʋera imŋe nyama, akaitwa ciratidzo, akarobga nomŋoto usiŋgaperi. Kunyaŋge ɀakaɗaro, ʋanhu aʋa pakurota kwaʋo ʋanoȿiɓisa nyama yaʋo saiɀoɀo, ʋaciramba ʋukuru, nokutuka aʋo ʋanokubginya. Asi Mikaeri, mutumŋa mukuru, ŋguʋa yaakarwa naDiaborosi, akaita nharo naye pamsoro ʋomuʋiri waMosesi, wakatya kumupa mhoȿa namashoko okutuka, asi wakati: Ishe ŋgaakuraire. Asi ʋanhu aʋa ʋanotuka ɀaʋasiŋgaziʋi; napaɀinhu iɀo, ɀaʋanonzwisisa kubva pakuɓerekwa kwaʋo, semhuka dzisiŋgaziʋi, ʋanoparadzwa paɀiri. Ʋanenhamo, nokuti ʋakafamba nenzira yaKaini, ʋakapeŋgera kukutsauka kwaBarami nokuɗa kwomuɓairo, ʋakaparadzwa nokukakaʋara kwaKora. Ʋanhu aʋa mabge akaʋanzika pamitambo yenyu yoruɗo, kana ʋodya nemi ʋasiŋgatyi, ʋafudzi ʋanoŋgoɀifudza iʋo; makore asinemvura, anotinhwa nemhepo; miti yecando isineɀiɓereko, yakafa kaʋiri, yakadzurwa nemidzi; mafuŋgu eguŋgwa anopeŋga, anopupuma nyadzi dzawo; nyeredzi dzinofamba‐famba, ʋakaceŋgetererwa kuȿiɓa kwerima nokusiŋgaperi. Enoki, wecinomŋe kubva kunaAdama, wakaprofitera iʋaʋa, aciti: Tarira, Ishe wakaʋuya naʋatȿene ʋake ʋaneɀuru ɀamazana, kuti atoŋge ʋose, nokuroʋa ʋose ʋasiŋgaɗi Mŋari pamsoro pamaɓasa aʋo ose okusaɗa Mŋari, aʋakaita nokusaɗa kwaʋo Mŋari, napamsoro pamashoko ose makukutu akataurwa naʋatadzi ʋasiŋgaɗi Mŋari. Iʋo ʋaŋuŋuni naʋasiŋgatendi neɀavanaɀo, ʋanofamba nokuciʋa kwaʋo; (miromo yaʋo inotaura mashoko okuɀikudza), ʋacikudza ʋanhu nokuɗa kwokufumiswa. Asi imi ʋaɗikanwa, raŋgarirai mashoko akaɗeya kutaurwa naʋaapostora ʋaShe weɗu, Jesu Kristu; kuti ʋakakuʋudzai kuti neŋguʋa yokupedzisira ʋaseki ʋacaʋa’ko, ʋanofamba nokuciʋa kwaʋo ʋasiŋgaɗi Mŋari. Ndiʋo ʋanoparadzansia, ndoʋenyama, ʋasinoMŋeya. Asi imi ʋaɗikanwa, muɀiʋake pakutenda kwenyu kutȿene‐tȿene, munyeŋgetere muMŋeya Mutȿene, muɀiceŋgete muruɗo rwaMŋari, mucitarira ŋgoni dzaShe weɗu, Jesu Kristu, muʋe noʋupenyu bgusiŋgaperi. Iʋai neŋgoni naʋamŋe ʋanenyunyuto, muʋaponese muciʋabvuta pamŋoto; ʋamŋe muʋe neŋgoni naʋo nokutya, muciʋeŋga kunyaŋge neŋguʋo yakaȿiɓiswa nenyama. Ɀino kunaiye unogona kukuceŋgetai, kuti murege kugumburwa, nokukuisai pamberi pokubginya kwake musinacamuŋgapomerwa, mucifara kwaɀo, kunaMŋari iye mumŋe, Muponesi weɗu, naJesu Kristu, Ishe weɗu, ŋgakuʋe kubginya, noʋumambo, nesimba, noʋushe, ŋguʋa isati yaʋa’po, naɀino, nokusiŋgaperi. Ameni.

Verenga chikamu Judasi 1