Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Judhasi 1:1-25

Judhasi 1:1-25 SNA2002

Judhasi, muranda waJesu Kristu, munun'una waJakobho, kuna vakadanwa, vakadikanwa muna Mwari Baba, vakachengetererwa Jesu Kristu: Ngoni, norugare, norudo ngazviwanzwe kwamuri. Vadikanwi, ndakati ndichishingaira zvikuru kukunyorerai pamusoro pokuponeswa kwedu tose, ndakaona kuti ndinofanira kukunyorerai, ndichikurayirai kuti murwire kwazvo kutenda kwakapiwa vatsvene kamwe. Nokuti kuna vamwe varume vakapinda pakavanda, vakagara vaisirwa kare kutongwa uku, vanhu vasingadi Mwari, vanoshandura nyasha dzaMwari wedu vachidziita utere, vachiramba Tenzi uyu mumwechete, Ishe wedu Jesu Kristu. Zvino ndinoda kukuyeuchidzai, kunyange maizviziva henyu kamwe kare zvose, kuti Ishe, akati amborwira vanhu munyika yeIjipiti, akazoparadza avo vakanga vasingatendi. Navatumwa, vasina kuchengeta ukuru hwavo, asi vakasiya pavaifanira kugara, wakavachengeta muzvisungo zvisingaperi pasi perima guru kusvikira pakutongwa kwezuva guru; seSodhoma neGomora, namaguta akapoteredza, akazvipa kwazvo saizvo kuupombwe nokutevera imwe nyama, akaitwa chiratidzo, akarohwa nomoto usingaperi. Kunyange zvakadaro, vanhu ava pakurota kwavo vanosvibisa nyama yavo saizvozvo, vachiramba ukuru, nokutuka avo vanokubwinya. Asi Mikaeri, mutumwa mukuru, nguva yaakarwa naDhiabhori, akaita nharo naye pamusoro pomuviri waMosesi, akatya kumupa mhosva namashoko okutuka, asi akati, “Ishe ngaakurayire.” Asi vanhu ava vanotuka zvavasingazivi; napazvinhu izvo, zvavanonzwisisa kubva pakuberekwa kwavo, semhuka dzisingazivi, vanoparadzwa pazviri. Vane nhamo, nokuti vakafamba nenzira yaKaini, vakapengera kutsauka kwaBharami nokuda kwomubayiro, vakaparadzwa nokukakavara kwaKora. Vanhu ava mabwe akavanzika pamitambo yenyu yorudo, kana vodya nemi vasingatyi, vafudzi vanongozvifudza ivo; makore asina mvura, anotinhwa nemhepo; miti yechando isina zvibereko, yakafa kaviri, yakadzurwa nemidzi; mafungu egungwa anopenga, anopupuma nyadzi dzawo; nyeredzi dzinofamba-famba, vakachengetererwa kusviba kwerima nokusingaperi. Enoki, wechinomwe kubva kuna Adhamu, wakaporofitira ivava, achiti, “Tarira, Ishe akawuya navatsvene vake vane zviuru zvamazana, kuti atonge vose, nokurova vose vasingadi Mwari pamusoro pamabasa avo ose okusada Mwari, avakaita nokusada kwavo Mwari, napamusoro pamashoko ose makukutu akataurwa navatadzi vasingadi Mwari.” Ivo vanyunyuti vasingatendi nezvavanazvo, vanofamba nokuchiva kwavo; (miromo yavo inotaura mashoko okuzvikudza), vachikudza vanhu nokuda kwokufumiswa. Asi imi vadikanwi, rangarirai mashoko akambotaurwa navapostori vaIshe wedu, Jesu Kristu; kuti vakakuudzai kuti, “Nenguva yokupedzisira vaseki vachavako, vanofamba nokuchiva kwavo vasingadi Mwari.” Ndivo vanoparadzanisa, ndovenyama, vasina Mweya. Asi imi vadikanwi, muzvivake mukutenda kwenyu kutsvene-tsvene, munyengetere muMweya Mutsvene, muzvichengete murudo rwaMwari, muchitarira ngoni dzaIshe wedu, Jesu Kristu, muve noupenyu husingaperi. Ivai nengoni navamwe vane nyunyuto, muvaponese muchivabvuta pamoto; vamwe muve nengoni navo nokutya, muchivenga kunyange nenguo yakasvibiswa nenyama. Zvino kuna iye anogona kukuchengetai, kuti murege kugumburwa, nokukuisai pamberi pokubwinya kwake musina chamungapomerwa, muchifara kwazvo, kuna Mwari iye mumwe, Muponesi wedu, naJesu Kristu, Ishe wedu, ngakuve kubwinya, noumambo, nesimba, noushe, nguva isati yavapo, nazvino nokusingaperi. Ameni.

Verenga chikamu Judhasi 1