Judha 1
1
1Ndini Judha muranda waJesu Kristu munun'una waJakobho ndinokunyorerai imi makadaidzwa, vapamwoyo paMwari Baba imi makachengeterwa#1:1 Makachengeterwa: Apa panogonawo kunzi vakachengetwa naJesu Kristu. Jesu Kristu. 2Dai mangoramba muchingoitirwa tsitsi muchidiwa zvikuru kwazvo.
Vadzidzisi venhema
3Vadikanwi pandaiva neshungu dzokukunyorerai nezvoruponeso rwedu tose, ndakaona chiri chinhu chinofanira kuitwa chokuti ndikunyorerei ndichikukumbirai kuti murwirewo chitendero chakapiwa chakamwe kuvatsvene. 4Pana vamwe vanhu vakapinda pakati penyu zvomuchivande. Vanhu ivavo vakatemerwa kare kare kurangwa kwavo ikoko. Vanhu vasiri vatendi vaMwari vanosandura nyasha dzaMwari wedu kuti vawane maitiro ounzenza vachiramba Changamire naTenzi wedu mumwechete, Jesu Kristu.
5Zvino ndinoda kukuyeuchidzai, kunyange makambonyatsozviziva kwazvo kuti iye akambonunura rumwe rudzi kubva kunyika yeIjipiti akazoparadza vakanga vasingatendi. 6Uye vatumwa vaya vakasiya chinzvimbo chavo choukuru ukuru vakasiya nzvimbo yavo chaiyo vakasungwa nengetani dzinogara nokusingaperi munzvimbo yerima kusvikira pakutongwa kwezuva guru. 7Sezvakangoita Sodhomu neGomora namaguta akaatenderedza, akaita zvimwechetezvo kuita upombwe vakaitawo zvisina maturo vakave muenzaniso nokurangwa kwavakaitwa nokurohwa nemoto usingaperi.
Kuipa komukanwa mavo
8Nenzira imwecheteyo, vanhu ava, mune zvavanorotswa, vanon'oresa miviri yavo vachiramba kuteerera vakuru nokushonha vaya vembiri. 9Kunyange Mikaeri mutumwa mukuru paaikakavadzana naDhiabhori, pavaiitirana nharo kuti ndiani achatora chitunha chaMosesi, haana kutaura namazwi okushora achimupa mhosva asi akati, “Tenzi ndiye achakupa mhosva.” 10Asi vanhu ava vanoshora zvose zvavasinganzwisisi uye vanoparadzwa nezvinhu zvavanonzwa mavari sezvinongoita mhuka dzisingafungi.
11Hameno zvavo! Vakatevera gwara raKaini vakazvipinza mukukanganisa kwaBhiriamu pamusana pokuda kuzvipfumisa vachizoparadzwa mukupanduka kwaKora. 12Vanhu ivava munzwa mundove pamabiko enyu orudo vanosasana pamwechete zvisina nyadzi. Chavo kuzvifunga ivo pachavo. Makore zvawo asina mvura anongopeperetswa nemhepo, miti yokupera kwamatsutso isina muchero yakafa kaviri, yakadzipurwa. 13Mafungu egungwa asina pawo vanopupuma furu renyadzi dzavo, inyenyedzi dzinodzungaira dzamisirwa nokusingaperi, nyika yerima iri pasi penyika.
14Ndivava vakaporofitwa naInoki muchizvarwa chechinomwe kubva kuna Adhamu achiti, “Hoyo Tenzi ari kuuya achiperekedzwa nezviuru zvavatsvene vake 15kuzotonga vanhu vose nokuzopa mhosva vasiri vatendi vaMwari, mhosva yezviito zvavo zvose zvisina Mwari zvavakaita namaitiro asina Mwari nemhosva dzose dzehasha dzaiitwa kwaari navasiri vatendi. 16Vanhu ivava vanhu vokunyunyuta vasingagutsikani, vanoita zvinoda havi dzavo, vanamupoperi vokuzvikudza, vanorumbidza vanhu zvokuvabata kumeso vachida zvavanoda kuwana.”
Yambiro
17Asi munofanira kuyeuka hama dzangu zvakafanotaurwa navapositori vaTenzi wedu Jesu Kristu. 18Vakati kwamuri: “Mumazuva okupedzisira kuchava navadadi vanotevedza mapangiro avo asina zvaMwari.” 19Vanhu ivavo imharadzi dzavanhu, vanhu venyika vasina Mweya.
Chitendero norudo nechitarisiro nokunamata
20Asi imi hama dzangu ibvai mazvivaka pachitendero chenyu chinoera kwazvo kwazvo. Namatai muina Mweya Mutsvene. 21Rambai muchingodana naMwari. Rambai makangotarisira kuti Tenzi Jesu Kristu achakuitirai nyasha dzinokusvitsai kuupenyu husingaperi.
22Itirai ngoni vanokahadzika 23mununure vamwe vavo nokuvabura muchoto. Vamwe vaitirei zvenyu tsitsi asi muchivatya, muchitovenga kunyange hanzu dzavo dzakaita mavara mavara nokutadza, dzakasvibiswa nemiviri yavo.
Munamato wokurumbidza
24Zvino kuna iye anokwanisa kukuchengetedzai musina kuputsika achikusvitsai musina chinoshoreka muchifara paari mumbiri yake 25kuna iye Mwari mumwechete Mununuri wedu nokuna Jesu Kristu Tenzi wedu ngakuve nembiri, noukuru, nesimba nechiremera sezvakanga zviripo nakare kose, zviripo iye zvino uye nokusingaperi. Ameni.
Zvasarudzwa nguva ino
Judha 1: SCLBD
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.