Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Judha 1:1-25

Judha 1:1-25 SCLBD

Ndini Judha muranda waJesu Kristu munun'una waJakobho ndinokunyorerai imi makadaidzwa, vapamwoyo paMwari Baba imi makachengeterwa Jesu Kristu. Dai mangoramba muchingoitirwa tsitsi muchidiwa zvikuru kwazvo. Vadikanwi pandaiva neshungu dzokukunyorerai nezvoruponeso rwedu tose, ndakaona chiri chinhu chinofanira kuitwa chokuti ndikunyorerei ndichikukumbirai kuti murwirewo chitendero chakapiwa chakamwe kuvatsvene. Pana vamwe vanhu vakapinda pakati penyu zvomuchivande. Vanhu ivavo vakatemerwa kare kare kurangwa kwavo ikoko. Vanhu vasiri vatendi vaMwari vanosandura nyasha dzaMwari wedu kuti vawane maitiro ounzenza vachiramba Changamire naTenzi wedu mumwechete, Jesu Kristu. Zvino ndinoda kukuyeuchidzai, kunyange makambonyatsozviziva kwazvo kuti iye akambonunura rumwe rudzi kubva kunyika yeIjipiti akazoparadza vakanga vasingatendi. Uye vatumwa vaya vakasiya chinzvimbo chavo choukuru ukuru vakasiya nzvimbo yavo chaiyo vakasungwa nengetani dzinogara nokusingaperi munzvimbo yerima kusvikira pakutongwa kwezuva guru. Sezvakangoita Sodhomu neGomora namaguta akaatenderedza, akaita zvimwechetezvo kuita upombwe vakaitawo zvisina maturo vakave muenzaniso nokurangwa kwavakaitwa nokurohwa nemoto usingaperi. Nenzira imwecheteyo, vanhu ava, mune zvavanorotswa, vanon'oresa miviri yavo vachiramba kuteerera vakuru nokushonha vaya vembiri. Kunyange Mikaeri mutumwa mukuru paaikakavadzana naDhiabhori, pavaiitirana nharo kuti ndiani achatora chitunha chaMosesi, haana kutaura namazwi okushora achimupa mhosva asi akati, “Tenzi ndiye achakupa mhosva.” Asi vanhu ava vanoshora zvose zvavasinganzwisisi uye vanoparadzwa nezvinhu zvavanonzwa mavari sezvinongoita mhuka dzisingafungi. Hameno zvavo! Vakatevera gwara raKaini vakazvipinza mukukanganisa kwaBhiriamu pamusana pokuda kuzvipfumisa vachizoparadzwa mukupanduka kwaKora. Vanhu ivava munzwa mundove pamabiko enyu orudo vanosasana pamwechete zvisina nyadzi. Chavo kuzvifunga ivo pachavo. Makore zvawo asina mvura anongopeperetswa nemhepo, miti yokupera kwamatsutso isina muchero yakafa kaviri, yakadzipurwa. Mafungu egungwa asina pawo vanopupuma furu renyadzi dzavo, inyenyedzi dzinodzungaira dzamisirwa nokusingaperi, nyika yerima iri pasi penyika. Ndivava vakaporofitwa naInoki muchizvarwa chechinomwe kubva kuna Adhamu achiti, “Hoyo Tenzi ari kuuya achiperekedzwa nezviuru zvavatsvene vake kuzotonga vanhu vose nokuzopa mhosva vasiri vatendi vaMwari, mhosva yezviito zvavo zvose zvisina Mwari zvavakaita namaitiro asina Mwari nemhosva dzose dzehasha dzaiitwa kwaari navasiri vatendi. Vanhu ivava vanhu vokunyunyuta vasingagutsikani, vanoita zvinoda havi dzavo, vanamupoperi vokuzvikudza, vanorumbidza vanhu zvokuvabata kumeso vachida zvavanoda kuwana.” Asi munofanira kuyeuka hama dzangu zvakafanotaurwa navapositori vaTenzi wedu Jesu Kristu. Vakati kwamuri: “Mumazuva okupedzisira kuchava navadadi vanotevedza mapangiro avo asina zvaMwari.” Vanhu ivavo imharadzi dzavanhu, vanhu venyika vasina Mweya. Asi imi hama dzangu ibvai mazvivaka pachitendero chenyu chinoera kwazvo kwazvo. Namatai muina Mweya Mutsvene. Rambai muchingodana naMwari. Rambai makangotarisira kuti Tenzi Jesu Kristu achakuitirai nyasha dzinokusvitsai kuupenyu husingaperi. Itirai ngoni vanokahadzika mununure vamwe vavo nokuvabura muchoto. Vamwe vaitirei zvenyu tsitsi asi muchivatya, muchitovenga kunyange hanzu dzavo dzakaita mavara mavara nokutadza, dzakasvibiswa nemiviri yavo. Zvino kuna iye anokwanisa kukuchengetedzai musina kuputsika achikusvitsai musina chinoshoreka muchifara paari mumbiri yake kuna iye Mwari mumwechete Mununuri wedu nokuna Jesu Kristu Tenzi wedu ngakuve nembiri, noukuru, nesimba nechiremera sezvakanga zviripo nakare kose, zviripo iye zvino uye nokusingaperi. Ameni.

Verenga chikamu Judha 1