Joshua 6:15-20
Joshua 6:15-20 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Pazuva rechinomwe, vakamuka mambakwedza vakafamba vachipoteredza guta kanomwe nenzira imwe chete, asi musi uyu vakapoterera guta kanomwe. Panguva yechinomwe, vaprista pavakaridza hwamanda, Joshua akarayira vanhu achiti, “Danidzirai! Nokuti Jehovha akupai guta! Guta nezvose zviri mariri rinofanira kupiwa kuna Jehovha. Asi Rahabhi chifeve bedzi navose vaainavo mumba make ndivo vachasiyiwa, nokuti akavanza vasori vatakatuma. Asi imi musaswedera pazvinhu zvakatukwa, kuti murege kuzviunzira kuparara, nokutora kana chimwe chazvo. Dzimwe nguva mungaunza kuparara pamusasa weIsraeri mukaipinza padambudziko. Sirivha yose negoridhe nemidziyo yendarira neyesimbi zvakatsaurirwa Jehovha uye zvinofanira kuiswa munochengeterwa pfuma yake.” Hwamanda padzakarira, vanhu vakadanidzira, uye pakurira kwehwamanda, vanhu pavakadanidzira zvikuru, rusvingo rwakakoromoka; naizvozvo murume mumwe nomumwe akamhanya achipinda napakanga pakanangana naye, vachibva vatora guta.
Joshua 6:15-20 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Nomusi wechinomwe vakafumira mangwanani, vakapoteredza guta nomutoo iwoyo kanomwe; nomusi iwoyo bedzi vakapoteredza guta kanomwe. Zvino panguva yechinomwe, vapristi vakati vachiridza hwamanda, Joshua akati kuvanhu, “Danidzirai, nokuti Jehovha wakupai guta. Asi guta rinofanira kuyeriswa kuna Jehovha, iro nezvose zviri mukati maro; asi Rakabhi bedzi, chifeve chiya, ngaaregwe ari mupenyu, iye navose vari mumba make, nokuti wakavanza nhume dzatakatuma. Asi imi, chenjerai pazvinhu zvinoyera, kuti murege kutora chinhu chinoyera, mambochiyeresa; naizvozvo mungatukisa misasa yaIsiraeri mukaipinza mudambudziko. Asi sirivha yose, nendarama, nemidziyo yendarira, neyamatare zvitsvene kuna Jehovha; zvinofanira kuiswa muchivigiro chepfuma chaJehovha.” Naizvozvo vanhu vakadanidzira, navapristi vakaridza hwamanda; zvino vanhu vakati vachinzwa kurira kwehwamanda, vanhu vakadanidzira nokudanidzira kukuru, rusvingo ndokukoromoka chose, vanhu vakakwira vachipinda muguta, mumwe nomumwe pakaruramana naye, vakakunda guta.
Joshua 6:15-20 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Pazuva rechinomwe vakamuka mambakwedza, vakafamba vachitenderera guta irori sezvavaichiita zvimwechetezvo kanomwe. Asi musi iwoyu chete ndiwo wavakatenderera guta iri kanomwe. Vakati zvino vatenderera kechinomwe, vapristi varidzawo hwamanda, Joshuwa akati kuvanhu “Daidzirai nokuti Tenzi aisa guta irori mumaoko enyu. Guta rose nezvose zviri mariri zvaturirwa kuna Tenzi kuti zviparadzwe kuna Tenzi kusiya chete Rahabhu, pfambi iya pamwechete navose vaanavo mumba make, ndivo vachararama nokuti akahwandisa vasori vaya vatakatuma. Asi siyanai zvenyu nezvinhu zvaturirwa kuparadzirwa Mwari imi mambozviturira kuparadzirwa Mwari mungadaro mukatora chinhu chipi nechipi chakadai, gungano ravaIsiraeri rikavawo chinhu chakaturirwa kuparadzirwa Mwari, mutiunzire nhamo. Asi sirivha yose yomo nendarama, nemidziyo yendarira neyesimbi zvava zvinhu zvinoera zvaTenzi, ngazviiswe munochengeterwa upfumi hwaTenzi.” Saka vanhu vakazhambarara, iyo hwamanda yichiridzwa. Vanhu pavakangonzwa kurira kwehwamanda vakazhambarara zvikuru, rusvingo rukakoromokera pasi rukati warara, vanhu vose vakati karakata kupinda muguta nepakanangana naye, vakabva vakurira guta irori.
Joshua 6:15-20 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Nomusi wecinomŋe ʋakafumira maŋgwanani, ʋakapoteredza guta nomutoʋo iwoyo kanomŋe; nomusi iwoyo ɓedzi ʋakapoteredza guta kanomŋe. Ɀino paŋguʋa yecinomŋe, ʋaprista ʋakati ʋaciridza hwamanda, Joshua akati kuʋanhu: Ƌanidzirai, nokuti Jehova wakupai guta. Asi guta rinofanira kuyeriswa kunaJehova, iro neɀose ɀiri mukati maro; asi Rakabi ɓedzi, cifeʋe ciya, ŋgaaregwe ari mupenyu, iye naʋose ʋari mumba make, nokuti wakaʋanza nhume dzatakatuma. Asi imi, cenjerai paɀinhu ɀinoyera, kuti murege kutora cinhu cinoyera, mambociyerisa; naiɀoɀo muŋgatukisa misasa yaIsraeri mukaipinza muɗambudziko. Asi sirveri yose, nendarama, nemidziyo yendarira, neyamatare ɀitȿene kunaJehova; ɀinofanira kuiswa muciʋigiro cefuma caJehova. Naiɀoɀo ʋanhu ʋakaɗanidzira, naʋaprista ʋakaridza hwamanda; ɀino ʋanhu ʋakati ʋacinzwa kurira kwehwamanda, ʋanhu ʋakaɗanidzira nokuɗanidzira kukuru, ruȿiŋgo ndokukoromoka cose, ʋanhu ʋakakwira ʋacipinda muguta, mumŋe nomumŋe pakaruramana naye, ʋakakunda guta.
Joshua 6:15-20 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)