Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Joshua 6:15-20

Joshua 6:15-20 SNA2002

Nomusi wechinomwe vakafumira mangwanani, vakapoteredza guta nomutoo iwoyo kanomwe; nomusi iwoyo bedzi vakapoteredza guta kanomwe. Zvino panguva yechinomwe, vapristi vakati vachiridza hwamanda, Joshua akati kuvanhu, “Danidzirai, nokuti Jehovha wakupai guta. Asi guta rinofanira kuyeriswa kuna Jehovha, iro nezvose zviri mukati maro; asi Rakabhi bedzi, chifeve chiya, ngaaregwe ari mupenyu, iye navose vari mumba make, nokuti wakavanza nhume dzatakatuma. Asi imi, chenjerai pazvinhu zvinoyera, kuti murege kutora chinhu chinoyera, mambochiyeresa; naizvozvo mungatukisa misasa yaIsiraeri mukaipinza mudambudziko. Asi sirivha yose, nendarama, nemidziyo yendarira, neyamatare zvitsvene kuna Jehovha; zvinofanira kuiswa muchivigiro chepfuma chaJehovha.” Naizvozvo vanhu vakadanidzira, navapristi vakaridza hwamanda; zvino vanhu vakati vachinzwa kurira kwehwamanda, vanhu vakadanidzira nokudanidzira kukuru, rusvingo ndokukoromoka chose, vanhu vakakwira vachipinda muguta, mumwe nomumwe pakaruramana naye, vakakunda guta.

Verenga chikamu Joshua 6