Nomusi wecinomŋe ʋakafumira maŋgwanani, ʋakapoteredza guta nomutoʋo iwoyo kanomŋe; nomusi iwoyo ɓedzi ʋakapoteredza guta kanomŋe. Ɀino paŋguʋa yecinomŋe, ʋaprista ʋakati ʋaciridza hwamanda, Joshua akati kuʋanhu: Ƌanidzirai, nokuti Jehova wakupai guta. Asi guta rinofanira kuyeriswa kunaJehova, iro neɀose ɀiri mukati maro; asi Rakabi ɓedzi, cifeʋe ciya, ŋgaaregwe ari mupenyu, iye naʋose ʋari mumba make, nokuti wakaʋanza nhume dzatakatuma. Asi imi, cenjerai paɀinhu ɀinoyera, kuti murege kutora cinhu cinoyera, mambociyerisa; naiɀoɀo muŋgatukisa misasa yaIsraeri mukaipinza muɗambudziko. Asi sirveri yose, nendarama, nemidziyo yendarira, neyamatare ɀitȿene kunaJehova; ɀinofanira kuiswa muciʋigiro cefuma caJehova. Naiɀoɀo ʋanhu ʋakaɗanidzira, naʋaprista ʋakaridza hwamanda; ɀino ʋanhu ʋakati ʋacinzwa kurira kwehwamanda, ʋanhu ʋakaɗanidzira nokuɗanidzira kukuru, ruȿiŋgo ndokukoromoka cose, ʋanhu ʋakakwira ʋacipinda muguta, mumŋe nomumŋe pakaruramana naye, ʋakakunda guta.
Verenga chikamu Joshua 6
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Joshua 6:15-20
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo