Joshua 1:7-8
Joshua 1:7-8 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Simba ushinge kwazvo. Chenjerera kuti uteerere mirayiro yose yawakapiwa naMozisi muranda wangu; usatsaukira kurudyi kana kuruboshwe, kuti ubudirire kwose kwose kwaunoenda. Bhuku iri romurayiro harifaniri kubva pamuromo wako; fungisisa pamusoro paro usiku namasikati, kuti uchenjerere kuita zvose zvakanyorwa mariri uye ipapo uchabudirira kwazvo.
Joshua 1:7-8 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Asi usimbe nokutsunga mwoyo kwazvo, kuti uchenjere kuita murayiro wose wandakaraira Mosesi muranda wangu; usatsauka kwauri, kana kurudyi kana kuruboshwe, kuti uve nomufaro pose paunoenda, Bhuku iyi yomurayiro haifaniri kubva pamuromo wako, asi unofanira kuirangarira masikati nousiku, kuti uchenjere kuita zvose zvakanyorwamo; nokuti nokudaro uchazviwanira mufaro panzira yako nokubata nokuchenjera.
Joshua 1:7-8 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Chako iwe chete kushinga mwoyo nokuva nomwoyo wechivindi chaiwo, uchenjerere kuita zvose maererano nomutemo wawakaudzwa naMosesi muranda wangu. Usawane chimwe chaunotsaudzira pauri uchienda uku kana uku, kuti unyatsobudirira kwose kwaunoenda. Bhuku romutemo iri ngarirege zvaro kumbobva pamuromo pako, ufungisise zviri mariri siku nesikati, kuti unyatsoita maererano nezvose zvakanyorwamo, ndopazvichakufambira zvakanaka ugonyatsobudirirawo.
Joshua 1:7-8 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Asi usimbe nokutsuŋga mŋoyo kwaɀo, kuti ucenjere kuita murairo wose wandakaraira Mosesi muranda waŋgu; usatsauka kwauri, kana kurudyi kana kuruɓoshwe, kuti uʋe nomufaro pose paunoenda. Buku iyi yomurairo haifaniri kubva pamuromo wako, asi unofanira kuiraŋgarira masikati noʋusiku, kuti ucenjere kuita ɀose ɀakanyorwa’mo; nokuti nokuɗaro ucaɀiwanira mufaro panzira yako nokuɓata nokucenjera.
Joshua 1:7-8 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)