Joshuwa 1
1
I: KUKURIRWA KWENYIKA YAKATSIDZIRWA
A: KUGADZIRIRA
Mwari anotaurira Joshuwa kutora nyika yeKanani
1Kuzoti Mosesi muranda waTenzi afa, iye Tenzi akataurira Joshuwa mwanakomana waNuni mubatsiri waMosesi achiti, 2“Muranda wangu Mosesi akafa saka iwe, chisimuka uyambuke Jorodhani urwu, iwe navanhu ava vose, muende munyika yandiri kupa vaIsiraeri ivava. 3Pose zvapo pamuchatsika norutsoka rwenyu, ndinokupai sokutsidza kwandakaita kuna Mosesi. 4Kubvira kurenje kusvikira kuRebhanoni uku, kubvirawo kurwizi rukuru rwaYufuratesi nenyika yose yavaHiti kusvikira kugungwa guru#1:4 Gungwa guru rokumadokero: Ndiro Medhiterenieni. rokumadokero, ndiyo ichava nyika yenyu. 5Hakuna achagona kumirisana newe, mazuva oupenyu hwako hwose. Ndichava newe sezvandaingoita naMosesi. Handimbokusiyi uri woga, kana kukurega uchikundikana. 6Shinga, utsunge mwoyo nokuti ndiwe uchaita kuti vanhu ava vagare nhaka yenyika yandakatsidza kumadzibaba avo kuvapa. 7Chako iwe chete kushinga mwoyo nokuva nomwoyo wechivindi chaiwo, uchenjerere kuita zvose maererano nomutemo wawakaudzwa naMosesi muranda wangu. Usawane chimwe chaunotsaudzira pauri uchienda uku kana uku, kuti unyatsobudirira kwose kwaunoenda. 8Bhuku romutemo iri ngarirege zvaro kumbobva pamuromo pako, ufungisise zviri mariri siku nesikati, kuti unyatsoita maererano nezvose zvakanyorwamo, ndopazvichakufambira zvakanaka ugonyatsobudirirawo. 9Handiti ndakuudza kuti shinga utsunge mwoyo. Usambotya zvako, kana kuzeza nokuti Tenzi, Mwari wako achava newe kwose kwauchaenda.”
Joshuwa anoudza vanhu zvokuita
10Joshuwa akataurira vatungamiriri vavanhu achiti, 11“Endai mutevedze nomumatendhe muchiudza vanhu kuti, ‘Gadzirirai mbuva yenyu nokuti mushure memazuva matatu muchayambuka Jorodhani muchindotora nyika yamuri kupiwa naTenzi, Mwari wenyu kuti ive yenyu.’ ” 12Joshuwa akataurira vedzinza rokwaRubheni neraGadhi nechikamu chepakati napakati chevedzinza rokwaManase achiti, 13“Yeukai zvamakaudzwa naMosesi, muranda waTenzi achiti, ‘Tenzi, Mwari wenyu ari kukupaiwo pokugara uye kuti ari kukupai nyika iyi. 14Madzimai nepwere dzenyu vachasara pamwechete nemombe dzenyu munyika ino yamakapiwa naMosesi kumabvazuva kwaJorodhani. Asi varwi venyu vose vachayambuka, vakapakata zvombo zvokurwa, vatungamire mberi kwehama dzenyu, muvabatsire, 15kudzamara Tenzi apawo hama dzenyu pokugara, sezvaakakuitiraiwo imi, vandotorawo nyika yavari kupiwa naTenzi Mwari wenyu. Ndopamungazodzokawo zvenyu mogara munyika yenhaka yenyu yamakapiwa naMosesi muranda waTenzi, kumhiri kwaJorodhani kunobuda nezuva moiita yenyu.’ ” 16Ivo vakati kuna Joshuwa, “Zvose zvamatiudza, ndozvatichaita, kwose kwamunotituma tinoenda. 17Sokuteerera kwataingoita Mosesi pazvinhu zvose, ndokuteerera kwatichakuitaiwo. Chete, dai Tenzi, Mwari wenyu angovawo nemi sezvaiita naMosesi! 18Ani naani zvake anopanduka achiramba zvamunenge mareva, kana asingateereri zvamunomuudza, chingave chii zvacho chamunenge mamutemera kuita, ngaaurayiwe. Chenyu imi rambai makashinga, makatsunga mwoyo.”
Zvasarudzwa nguva ino
Joshuwa 1: SCLB
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.