Jobho 16:1-21
Jobho 16:1-21 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Ipapo Jobho akapindura akati: “Ndakanzwa zvinhu zvakawanda sezvizvi; mose muri vanyaradzi pasina! Ko, kutaura kwenyu kwamadzokorora kwenguva refu hakuperiwo here? Chii chinokurwadzai kuti murambe muchiita nharo? Neniwo ndaigona kutaura semi, dai imi manga muri pachinzvimbo changu; ndaigona kutaura mashoko okukupikisai uye ndigokudzungudzirai musoro wangu. Asi muromo wangu waizokukurudzirai: kunyaradza kunobva pamuromo wangu kwaizokuvigirai zororo. “Asi kana ndikataura, kurwadziwa kwangu hakuperi; uye kana ndikanyarara, iko hakubvi. Zvirokwazvo, imi Mwari, mandipedza simba; maparadza imba yangu yose. Makandisunga ini, uye chava chapupu; kuondoroka kunondiwira uye kunopupurira zvinondirwisa. Mwari anondirova uye anondibvambura mukutsamwa kwake, uye anondirumanyira meno ake; mudzivisi wangu anondidzvokorera meso ake anobaya. Vanhu vanoshamisa miromo yavo kuti vandiseke; vanondirova padama pakundimhura kwavo, uye vanobatana pamwe chete kuzondirwisa. Mwari akandidzorera mumaoko avanhu vakaipa, uye akandikanda mumaoko avakashata. Zvose zvakanga zvakanaka hazvo kwandiri, asi iye akandivhuna; akandibata napahuro akandipwanya-pwanya. Akandivavarira; vapfuri vake vemiseve vakandikomba. Anobaya itsvo dzangu asina tsitsi, uye anodururira nduru yangu pasi. Nguva nenguva anondirwisa; anondidzingirira somurwi. “Ndakasona nguo dzamasaga kuti ndifukidze ganda rangu, uye ndaviga huma yangu muguruva. Chiso changu chatsvuka nokuchema, rima guru rakomberedza meso angu; asi zvazvo maoko angu haana kuita chisimba, uye munyengetero wangu wakachena. “Iwe nyika, rega kufukidza ropa rangu; kuchema kwangu ngakurege kuwana zororo! Kunyange iko zvino chapupu changu chiri kudenga; murevereri wangu ari kumusoro. Murevereri wangu ndiye shamwari yangu, meso angu paanodurura misodzi kuna Mwari; anomira pachinzvimbo chomunhu achikumbira kuna Mwari, somunhu anokumbirira shamwari yake.
Jobho 16:1-21 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Ipapo Jobho akapindura, akati, “Ndatonzwa hangu mashoko mazhinji akadai; Imi mose muri vanyaradzi pasina. Ko mashoko asina maturo achapera here? Chinyiko chinokugombedzera kupindura? Neniwo ndaigona kutaura semi; Kana mweya yenyu yaiva panzvimbo yomweya wangu, Ndaigonawo kubatanidza mashoko pamusoro penyu, Ndaikudzungudzirai musoro wangu. Asi ndingadai ndaikusimbisai nomuromo wangu, Nokuvaraidza kwemiromo yangu kwaikuremudzai. Kunyange ndichitaura hangu, kuchema kwangu hakuremudzwi; Kunyange ndikarega hangu, ndinotapudzirwa neiko? Asi zvino iye andinetsa; Imi maparadza mhuri yangu yose. Imi makandibata nesimba, ndizvo zvinondipupurira; Kuonda kwangu kunondimukira, Kunondipupurira zvakaipa pachena. Iye akandibvarura pakutsamwa kwake, akandivenga; Akarumanya meno ake pamusoro pangu; Mudzivisi wangu anondiwetsera meso ake. Vakandishamisira miromo yavo; Vakandirova padama, vachindituka; Vanoungana kuzorwa neni. Mwari anondiisa kuna vasakarurama; Anondikanda pamaoko avakaipa. Ndakanga ndichizorora hangu, iye akandivhuna; Zvirokwazvo akandibata nomumutsipa, akandiputsanya; Akandiita chiposherwa chake. Miseve yake inondikomba kumativi ose; Anopamura itsvo dzangu, asinganzwiri nyasha; Anodururira nduru yangu pasi. Anondikoromora nokukoromora-koromora; Anomhanyira kwandiri semhare. Ndakasonera masaga paganda rangu, Ndakaradzika runyanga rwangu muguruva. Chiso changu chatsvuka nokuchema. Mumvuri worufu uri pamafungiro ameso angu. Kunyange maoko angu asingadi hawo kuparadza, Nokunyengetera kwangu kwakanaka hako. Iwe nyika, rega hako kufukidza ropa rangu; Kuchema kwangu ngakushaiwe nzvimbo yokuzorora. Nazvino, tarirai, chapupu changu chiri kudenga, Iye, anondipupurira zvakanaka, ari kumusoro. Shamwari dzangu dzinondishora, Asi ziso rangu rinodurura misodzi yangu pamberi paMwari. Kuti aruramisire munhu pamberi paMwari, NoMwanakomana womunhu pamberi powokwake.
Jobho 16:1-21 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Jobhu akazopindura achiti, “Ndakanzwa zvinhu zvizhinji zvakadaro, muri vanyaradzi vasina maturo, mose zvenyu. Ko iwo mwando pakutaura uchapera here? Chiri kukurwadzai chii kurambotaura kudaro? Ndaigonawo kutaura sezvamunoita. Dai murimi izvozvi ndingadai ndichivirikidzanisa mazwi pamuri, ndichikudzungudzirai musoro. Ndingadai ndichikusimbaradzai namazwi omuromo wangu ndichikunyaradzai zvisina mugumo. Kana ndikataura, kurwadziwa kwangu hakumiri. Ndikati ndinyarare kurwadziwa hakundisiye. “Chokwadi chokwadi zvino, Mwari mandisakadza, makandiparadzira mhuri yangu yose. Makaita kuti ndiperezeke muviri kuonda kwangu ndicho chapupu changu chinonongedza kwandiri mhosva yangu. Mwari akandibvambura-bvambura aine hasha, akandivenga, akandichenamira meno muvengi wangu akandidzvondorera maziso vanondishamira muromo kwazvo vachindituka, vachindipamhadza padama, vose vachindimukira. Mwari akandiisa kuvanhu vasina kururama akandikanda mumaoko avaipi. Ndakanga ndigere zvangu zvakanaka akandibvambura. Akandibata pamutsipa akandipwanya-pwanya ini ndini waanangana naye. Anondibaya mativi ose nemiseve yake anondifushunurira pasi nduru zvisina tsitsi. Anondirova andirovazve, anomhanya kwandiri sezvinoita gamba rokurwa. Ndasonera ganda rangu hembe dzamasaga. Mbiri yangu ndakairega ichiti warara zvayo pasi. Uso hwangu hwatsvuka ropa. Pamaziso angu pane mumvuri worufu. Asi maoko angu akachena uye kunamata kwangu ndekwepachokwadi. “Iwe nyika rega kufushira ropa rangu kuchema kwangu ngakurege kugara pasi. Nazvino chapupu changu chiri kudenga uye anonditsigira ari kumusoro. Shamwari dzangu dzinonditarisa dzichishora, meso angu achamokotekera Mwari misodzi. Dai waro paine angareverere munhu pana Mwari, sezvingaitwe pakati pomunhu nomumwe wake?
Jobho 16:1-21 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ipapo Jobo wakapindura, akati: Ndatonzwa haŋgu mashoko mazhinji akaɗai; Imi mose muri ʋanyaradzi pasina. Ko mashoko asinamaturo acapera here? Cinyiko cinokugombedzera kupindura? Neni ʋo ndaigona kutaura semi; Kana mŋeya yenyu yaiʋa panɀimbo yomŋeya waŋgu, Ndaigona ʋo kuɓatanidza mashoko pamsoro penyu, Ndaikudzuŋgudzirai musoro waŋgu. Asi ndiŋgaɗai ndaikusimbisai nomuromo waŋgu, Nokuʋaraidza kwemiromo yaŋgu kwaikuremudzai. Kunyaŋge ndicitaura haŋgu, kucema kwaŋgu hakuremudzwi; Kunyaŋge ndikarega haŋgu, ndinotapudzirwa neiko? Asi ɀino iye wandinetsa; Imi maparadza imba yaŋgu yose. Imi makandiɓata nesimba, ndiɀo ɀinondipupurira; Kuwonda kwaŋgu kunondimukira, Kunondipupurira ɀakaipa pacena. Iye wakandibvarura pakutsamŋa kwake, akandiʋeŋga; Wakarumanya meno ake pamsoro paŋgu; Mudziʋisi waŋgu unondiwetsera meso ake. Ʋakandishamisira miromo yaʋo; Ʋakandiroʋa paɗama, ʋacindituka; Ʋanoʋuŋgana kuzorwa neni. Mŋari unondiisa kunaʋasakarurama; Unondikanda pamaʋoko aʋakaipa. Ndakaŋga ndicizorora haŋgu, iye akandivuna; Ɀirokwaɀo wakandiɓata nomumutsipa, akandiputsanya; Wakandiita ciposherwa cake. Miseʋe yake inondikomba kumatiʋi ose; Unopamura itȿo dzaŋgu, asiŋganzwiri nyasha; Unoɗururira nduru yaŋgu pasi. Unondikoromora nokukoromorakoromora; Unomhanyira kwandiri semhare. Ndakasonera magumbu paganda raŋgu, Ndakaradzika runyaŋga rwaŋgu muguruʋa. Ciso caŋgu catȿuka nokucema. Mumvuri worufu uri pamafuŋgiro ameso aŋgu. Kunyaŋge maʋoko aŋgu asiŋgaɗi hawo kuparadza, Nokunyeŋgetera kwaŋgu kwakanaka hako. Iwe nyika, rega hako kufukidza ropa raŋgu; Kucema kwaŋgu ŋgakushaiwe nɀimbo yokuzorora. Naɀino, tarirai, capupu caŋgu ciri kuɗeŋga, Iye, unondipupurira ɀakanaka, uri kumsoro. Shamŋari dzaŋgu dzinondishoʋora, Asi ziso raŋgu rinoɗurura misodzi yaŋgu pamberi paMŋari. Kuti aruramisire munhu pamberi paMŋari, Nomŋanakomana womunhu pamberi powokwake.
Jobho 16:1-21 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)