Ipapo Jobho akapindura akati: “Ndakanzwa zvinhu zvakawanda sezvizvi; mose muri vanyaradzi pasina! Ko, kutaura kwenyu kwamadzokorora kwenguva refu hakuperiwo here? Chii chinokurwadzai kuti murambe muchiita nharo? Neniwo ndaigona kutaura semi, dai imi manga muri pachinzvimbo changu; ndaigona kutaura mashoko okukupikisai uye ndigokudzungudzirai musoro wangu. Asi muromo wangu waizokukurudzirai: kunyaradza kunobva pamuromo wangu kwaizokuvigirai zororo. “Asi kana ndikataura, kurwadziwa kwangu hakuperi; uye kana ndikanyarara, iko hakubvi. Zvirokwazvo, imi Mwari, mandipedza simba; maparadza imba yangu yose. Makandisunga ini, uye chava chapupu; kuondoroka kunondiwira uye kunopupurira zvinondirwisa. Mwari anondirova uye anondibvambura mukutsamwa kwake, uye anondirumanyira meno ake; mudzivisi wangu anondidzvokorera meso ake anobaya. Vanhu vanoshamisa miromo yavo kuti vandiseke; vanondirova padama pakundimhura kwavo, uye vanobatana pamwe chete kuzondirwisa. Mwari akandidzorera mumaoko avanhu vakaipa, uye akandikanda mumaoko avakashata. Zvose zvakanga zvakanaka hazvo kwandiri, asi iye akandivhuna; akandibata napahuro akandipwanya-pwanya. Akandivavarira; vapfuri vake vemiseve vakandikomba. Anobaya itsvo dzangu asina tsitsi, uye anodururira nduru yangu pasi. Nguva nenguva anondirwisa; anondidzingirira somurwi. “Ndakasona nguo dzamasaga kuti ndifukidze ganda rangu, uye ndaviga huma yangu muguruva. Chiso changu chatsvuka nokuchema, rima guru rakomberedza meso angu; asi zvazvo maoko angu haana kuita chisimba, uye munyengetero wangu wakachena. “Iwe nyika, rega kufukidza ropa rangu; kuchema kwangu ngakurege kuwana zororo! Kunyange iko zvino chapupu changu chiri kudenga; murevereri wangu ari kumusoro. Murevereri wangu ndiye shamwari yangu, meso angu paanodurura misodzi kuna Mwari; anomira pachinzvimbo chomunhu achikumbira kuna Mwari, somunhu anokumbirira shamwari yake.
Verenga chikamu Jobho 16
Terera ku Jobho 16
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Jobho 16:1-21
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo