Jobhu akazopindura achiti, “Ndakanzwa zvinhu zvizhinji zvakadaro, muri vanyaradzi vasina maturo, mose zvenyu. Ko iwo mwando pakutaura uchapera here? Chiri kukurwadzai chii kurambotaura kudaro? Ndaigonawo kutaura sezvamunoita. Dai murimi izvozvi ndingadai ndichivirikidzanisa mazwi pamuri, ndichikudzungudzirai musoro. Ndingadai ndichikusimbaradzai namazwi omuromo wangu ndichikunyaradzai zvisina mugumo. Kana ndikataura, kurwadziwa kwangu hakumiri. Ndikati ndinyarare kurwadziwa hakundisiye. “Chokwadi chokwadi zvino, Mwari mandisakadza, makandiparadzira mhuri yangu yose. Makaita kuti ndiperezeke muviri kuonda kwangu ndicho chapupu changu chinonongedza kwandiri mhosva yangu. Mwari akandibvambura-bvambura aine hasha, akandivenga, akandichenamira meno muvengi wangu akandidzvondorera maziso vanondishamira muromo kwazvo vachindituka, vachindipamhadza padama, vose vachindimukira. Mwari akandiisa kuvanhu vasina kururama akandikanda mumaoko avaipi. Ndakanga ndigere zvangu zvakanaka akandibvambura. Akandibata pamutsipa akandipwanya-pwanya ini ndini waanangana naye. Anondibaya mativi ose nemiseve yake anondifushunurira pasi nduru zvisina tsitsi. Anondirova andirovazve, anomhanya kwandiri sezvinoita gamba rokurwa. Ndasonera ganda rangu hembe dzamasaga. Mbiri yangu ndakairega ichiti warara zvayo pasi. Uso hwangu hwatsvuka ropa. Pamaziso angu pane mumvuri worufu. Asi maoko angu akachena uye kunamata kwangu ndekwepachokwadi. “Iwe nyika rega kufushira ropa rangu kuchema kwangu ngakurege kugara pasi. Nazvino chapupu changu chiri kudenga uye anonditsigira ari kumusoro. Shamwari dzangu dzinonditarisa dzichishora, meso angu achamokotekera Mwari misodzi. Dai waro paine angareverere munhu pana Mwari, sezvingaitwe pakati pomunhu nomumwe wake?
Verenga chikamu Jobhu 16
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Jobhu 16:1-21
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo