Jobho 1:6-22
Jobho 1:6-22 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Zvino rimwe zuva vatumwa vakauya kuzomira pamberi paJehovha, naSataniwo akasvika pamwe chete navo. Jehovha akati kuna Satani, “Wabvepiko?” Satani akapindura Jehovha akati, “Ndabva pakupota-pota nenyika napakukwidza nokudzika mairi.” Ipapo Jehovha akati kuna Satani, “Warangarira muranda wangu Jobho here? Hakuna munhu akafanana naye panyika, haana chaanopomerwa uye akarurama, munhu anotya Mwari uye anonzvenga chakaipa.” Satani akati, “Ko, Jobho anongotya Mwari pasina here? Ko, hamuna kumupoteredza noruzhowa iye neimba yake nezvose zvaanazvo here? Makaropafadza basa ramaoko ake, uye pfuma yake yakatekeshera munyika yose. Asi tambanudzai henyu ruoko rwenyu murove zvose zvaanazvo, zvirokwazvo achakutukai pachena.” Jehovha akati kuna Satani, “Saka zvakanaka, zvose zvaanazvo zviri mumaoko ako, asi iye usamubata.” Ipapo Satani akabva pamberi paJehovha. Rimwe zuva vanakomana vaJobho navanasikana vake vakati vachidya uye vachinwa waini vari paimba yomukoma wavo mukuru, nhume yakasvika kuna Jobho ikati, “Nzombe dzanga dzichirima uye mbongoro dzanga dzichifura nechapedyo, vaSebhia vakarwisa vakazvitora vakaenda nazvo. Vauraya varanda nomunondo ini ndoga ndini ndapunyuka kuti ndizokuzivisai!” Achiri kutaura kudaro, imwe nhume yakasvika ikati, “Moto waMwari waburuka kudenga ukapisa makwai navaranda, uye ini ndoga ndini ndapunyuka kuti ndizokuzivisai!” Achiri kutaura kudaro, imwe nhume yakasvika ikati, “VaKaradhea vaita mapoka matatu okupamba vakatora ngamera dzenyu vakaenda nadzo. Vauraya varanda venyu nomunondo, uye ini ndoga ndini ndapunyuka kuti ndizokuzivisai!” Achiri kutaura kudaro, imwezve nhume yakasvika ikati, “Vanakomana venyu navanasikana venyu vanga vachidya nokunwa waini vari mumba momukoma wavo mukuru, pakarepo mhepo huru yavhuvhuta ichibva kugwenga ikarova makona mana eimba. Yawira pamusoro pavo uye vafa, uye ini ndoga ndini ndasara kuti ndizokuzivisai!” Ipapo Jobho akasimuka ndokubvarura nguo dzake akaveura musoro wake. Ipapo akawira pasi akanamata achiti: “Ndakabuda mudumbu ramai vangu ndiri mushwi, uye ndichadzokera ndiri mushwi. Jehovha akapa uye Jehovha akatora, Zita raJehovha ngarirumbidzwe.” Pazvinhu izvi zvose, Jobho haana kutadza kana kupa Mwari mhosva.
Jobho 1:6-22 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino rimwe zuva vanakomana vaMwari vakati vachindomira pamberi paJehovha, Satani akasvikawo pakati pavo. Jehovha akati kuna Satani, “Wabvepiko?” Satani akapindura Jehovha, akati, “Ndabva pakupota-pota nenyika, napakufamba-famba pairi.” Jehovha akati kuna Satani, “Wacherekedza muranda wangu Jobho here? Nokuti hakuna munhu akafanana naye panyika, munhu akakwana, akarurama, anotya Mwari, achinzvenga zvakaipa.” Ipapo Satani akapindura Jehovha, akati, “Jobho anotya Mwari pasina here? Hamuna kumupoteredza here norumhanda, iye neimba yake, nezvose zvaanazvo, pamativi ose? Makaropafadza mabasa amaoko ake, uye pfuma yake yakawanda panyika. “Asi tambanudzai henyu ruoko rwenyu, zvino, murove zvose zvaanazvo, ipapo iye achakushorai pachena.” Jehovha akati kuna Satani, “Tarira, zvose zvaanazvo zviri paruoko rwako; asi usatambanudzira ruoko rwako kwaari.” Naizvozvo Satani akabva pamberi paJehovha. Zvino rimwe zuva vanakomana vake navanasikana vake vakati vachidya nokunwa waini paimba yomukuru wavo, nhume ikasvika kuna Jobho, ikati, “Mombe dzakanga dzichirima, nembongoro dzichichera kurutivi rwadzo, vaSabea vakadziwira, ndokudzitora, navafudziwo vakavauraya neminondo inopinza; ini ndoga ndakapukunyuka, ndauya kuzokuudzai.” Iye akati achitaura, mumwe akasvikawo, akati, “Moto waMwari wakabva kudenga, ukapisa makwai navafudzi, ukavapedza; ini ndoga ndapukunyuka, ndauya kuzokuudzai.” Iye akati achitaura, mumwe akasvikawo, akati, “VaKaradhea vakaita mapoka matatu, vakawira ngamera, vakadzitora, navafudziwo vakavauraya neminondo inopinza; ini ndoga ndapukunyuka, ndauya kuzokuudzai.” Iye akati achitaura, mumwe akasvikawo, akati, “Vanakomana venyu navanasikana venyu vakanga vachidya nokunwa waini mumba momukuru wavo, dutu guru ndokubva kurutivi rwerenje, ndokurova pamusoro pavana, vakafa; ini ndoga ndapukunyuka, ndauya kuzokuudzai.” Ipapo Jobho akasimuka, akabvarura nguo yake, akaveura vhudzi rake akazviwisira pasi, akanamata, akati, “Ndakabuda mumimba mamai vangu ndiri mushwi, ndichadzokerapo ndiri muhwi; Jehovha akapa, Jehovha wakatora, zita raJehovha ngarikudzwe.” Pazvinhu izvi zvose Jobho haana kutadza, haana kuti Mwari akaita noupenzi.
Jobho 1:6-22 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Zvino nerimwe zuva zvakazoitika kuti vana vaMwari vakauya kuzozviratidza pana Tenzi. Satani akauyawo ari mukati mavo. Tenzi akati kuna Satani, “Uri kubvepi?” Satani akapindura Tenzi achiti, “Ndanga ndichingodzengerera zvangu nenyika ndichifamba-famba mairi.” Tenzi akati kuna Satani, “Wati wambofungisisa here nezvomuranda wangu Jobhu kuti hakuna akafanana naye panyika. Munhu akarurama, ari pachokwadi anotya Mwari uye anonzvenga uipi.” Satani akapindura Tenzi achiti, “Iye Jobhu anotya Mwari mahara here? Handiti makamutenderedza norumhanda iye nemba yake uye zvose zvaanazvo kumativi ose? Makakomborera basa raanoita namaoko ake. Makaita kuti zvinhu zvake zviwande panyika. Ingotambanudzai ruoko rwenyu mungobata chete zvose zvaanazvo muone kuti haakushonhei here pameso penyu chaipo” Tenzi akati kuna Satani, “Zvakanaka, zvose zvaanazvo zvava mumaoko mako, asi iye pachake usambomubatabata zvako.” Saizvozvo Satani akabva abva zvake panaMwari. Rimwe zuva zvakaitika kuti vanakomana navanasikana vake vakanga vari pakudya zvavo nokunwa waini mumba yomukomana wavo mukuru, kwakauya nhume kuna Jobhu ichiti, “Nzombe dzanga dzichirima, madhongi achifura zvawo pedyo nadzo. VaSebhiya vauya vakazvitora vakauraya vashandi namapakatwa, ini ndoga ndini ndapunyuka kuzokutaurirai.” Achiri kutaura kudaro, kwakasvika mumwe achitiwo, “Moto waMwari waburuka kudenga ukapisa hwai navashandi ukavaroromesa. Ini ndoga ndini ndapunyuka kuzokutaurirai.” Achiri kutaurawo kudaro, kwakauyazve mumwe achiti, “VaKaradhiya vaita mapoka matatu ndokubva vaita chivhundumukira pangamera vakaenda nadzo. Vauraya vashandi namapakatwa. Ini ndoga ndini ndangopunyuka kuzokutaurirai.” Achiri mukutaura mumwezve ndiye vhu, akati, “Vana venyu vanga vachidya nokunwa zvavo waini mumba yomukoma wavo mukuru. Kwabva dutu guru ravhuvhuta nokugwenga rikarova imba iyoyo kumativi mana ikakoromokera pavadiki ivava vakafa. Ini ndoga ndini ndapunyuka kuzokutaurirai.” Ipapo Jobhu akasimuka akabvarura gemenzi rake. Akaveura musoro wake ndokuti pasi zvambarara achinamata. Akati: “Ndakabuda mudumbu ramai vangu ndisina chandakapfeka ndichadzokerazve ndisina chandakapfeka; Tenzi ndiye akapa; Tenzi ndiye atora. Zita raTenzi ngarirumbidzwe.” Munaizvozvi zvose Jobhu haana chaakakanganisa kana kupa Mwari mhosva.
Jobho 1:6-22 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino rimŋe zuʋa ʋanakomana ʋaMŋari ʋakati ʋacindomira pamberi paJehova, Satani akaȿika ʋo pakati paʋo. Jehova akati kunaSatani: Wabvepiko? Satani akapindura Jehova, akati: Ndabva pakupota‐pota nenyika, napakufamba‐famba pairi. Jehova akati kunaSatani: Wacerekedza muranda waŋgu Jobo here? Nokuti hakunomunhu wakafanana naye panyika, munhu wakakwana, wakarurama, unotya Mŋari, acinɀeŋga ɀakaipa. Ipapo Satani akapindura Jehova, akati: Jobo unotya Mŋari pasina here? Hamuna‐kumupoteredza here norumhanda, iye neimba yake, neɀose ɀaanaɀo, pamatiʋi ose? Makaropafadza maɓasa amaʋoko ake, ʋuye fuma yake yakawanda panyika. Asi tambanudzai henyu ruʋoko rwenyu ɀino, muroʋe ɀose ɀaanaɀo, ipapo iye ucakushoʋorai pacena. Jehova akati kunaSatani: Tarira, ɀose ɀaanaɀo ɀiri paruʋoko rwako; asi usatambanudzira ruʋoko rwako kwaari. Naiɀoɀo Satani akabva pamberi paJehova. Ɀino rimŋe zuʋa ʋanakomana ʋake naʋanasikana ʋake ʋakati ʋacidya nokunwa waini paimba yomukuru waʋo, nhume ikaȿika kunaJobo, ikati: Ŋombe dzakaŋga dzicirima, nemboŋgoro dzicicera kurutiʋi rwadzo, ʋaSabea ʋakadziwira, ndokudzitora, naʋafudzi ʋo ʋakaʋaʋuraya neminondo inopinza; ini ndoga ndapukunyuka, ndaʋuya kuzokuʋudzai. Iye wakati acataura, mumŋe akaȿika ʋo, akati: Mŋoto waMŋari wakabva kuɗeŋga, ukapisa makwai naʋafudzi, ukaʋapedza; ini ndoga ndapukunyuka, ndaʋuya kuzokuʋudzai. Iye wakati acataura, mumŋe akaȿika ʋo, akati: ƲaKardea ʋakaita mapoka matatu, ʋakawira makamera, ʋakaatora, naʋafudzi ʋo ʋakaʋaʋuraya neminondo inopinza; ini ndoga ndapukunyuka, ndaʋuya kuzokuʋudzai. Iye wakati acataura, mumŋe akaȿika ʋo, akati: Ʋanakomana ʋenyu naʋanasikana ʋenyu ʋakaŋga ʋacidya nokunwa waini mumba momukuru waʋo, ɗutu guru ndokubva kurutiʋi rwerenje, ndokuroʋa pamakona manna eimba, iyo ikawira pamsoro paʋana, ʋakafa; ini ndoga ndapukunyuka, ndaʋuya kuzokuʋudzai. Ipapo Jobo akasimuka, akabvarura ŋguʋo yake, akaʋeʋura musoro wake, akaɀiwisira pasi, akanamata, akati: Ndakaɓuɗa mumimba mamai ʋaŋgu ndiri mushwi, ndicadzokera’po ndiri mushwi; Jehova wakapa, Jehova wakatora, zita raJehova ŋgarikudzwe. Paɀinhu iɀi ɀose Jobo haana‐kutadza, haana‐kuti Mŋari wakaita noʋupenzi.
Jobho 1:6-22 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)