Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Jobhu 1:6-22

Jobhu 1:6-22 SCLBD

Zvino nerimwe zuva zvakazoitika kuti vana vaMwari vakauya kuzozviratidza pana Tenzi. Satani akauyawo ari mukati mavo. Tenzi akati kuna Satani, “Uri kubvepi?” Satani akapindura Tenzi achiti, “Ndanga ndichingodzengerera zvangu nenyika ndichifamba-famba mairi.” Tenzi akati kuna Satani, “Wati wambofungisisa here nezvomuranda wangu Jobhu kuti hakuna akafanana naye panyika. Munhu akarurama, ari pachokwadi anotya Mwari uye anonzvenga uipi.” Satani akapindura Tenzi achiti, “Iye Jobhu anotya Mwari mahara here? Handiti makamutenderedza norumhanda iye nemba yake uye zvose zvaanazvo kumativi ose? Makakomborera basa raanoita namaoko ake. Makaita kuti zvinhu zvake zviwande panyika. Ingotambanudzai ruoko rwenyu mungobata chete zvose zvaanazvo muone kuti haakushonhei here pameso penyu chaipo” Tenzi akati kuna Satani, “Zvakanaka, zvose zvaanazvo zvava mumaoko mako, asi iye pachake usambomubatabata zvako.” Saizvozvo Satani akabva abva zvake panaMwari. Rimwe zuva zvakaitika kuti vanakomana navanasikana vake vakanga vari pakudya zvavo nokunwa waini mumba yomukomana wavo mukuru, kwakauya nhume kuna Jobhu ichiti, “Nzombe dzanga dzichirima, madhongi achifura zvawo pedyo nadzo. VaSebhiya vauya vakazvitora vakauraya vashandi namapakatwa, ini ndoga ndini ndapunyuka kuzokutaurirai.” Achiri kutaura kudaro, kwakasvika mumwe achitiwo, “Moto waMwari waburuka kudenga ukapisa hwai navashandi ukavaroromesa. Ini ndoga ndini ndapunyuka kuzokutaurirai.” Achiri kutaurawo kudaro, kwakauyazve mumwe achiti, “VaKaradhiya vaita mapoka matatu ndokubva vaita chivhundumukira pangamera vakaenda nadzo. Vauraya vashandi namapakatwa. Ini ndoga ndini ndangopunyuka kuzokutaurirai.” Achiri mukutaura mumwezve ndiye vhu, akati, “Vana venyu vanga vachidya nokunwa zvavo waini mumba yomukoma wavo mukuru. Kwabva dutu guru ravhuvhuta nokugwenga rikarova imba iyoyo kumativi mana ikakoromokera pavadiki ivava vakafa. Ini ndoga ndini ndapunyuka kuzokutaurirai.” Ipapo Jobhu akasimuka akabvarura gemenzi rake. Akaveura musoro wake ndokuti pasi zvambarara achinamata. Akati: “Ndakabuda mudumbu ramai vangu ndisina chandakapfeka ndichadzokerazve ndisina chandakapfeka; Tenzi ndiye akapa; Tenzi ndiye atora. Zita raTenzi ngarirumbidzwe.” Munaizvozvi zvose Jobhu haana chaakakanganisa kana kupa Mwari mhosva.

Verenga chikamu Jobhu 1