Ɀino rimŋe zuʋa ʋanakomana ʋaMŋari ʋakati ʋacindomira pamberi paJehova, Satani akaȿika ʋo pakati paʋo. Jehova akati kunaSatani: Wabvepiko? Satani akapindura Jehova, akati: Ndabva pakupota‐pota nenyika, napakufamba‐famba pairi. Jehova akati kunaSatani: Wacerekedza muranda waŋgu Jobo here? Nokuti hakunomunhu wakafanana naye panyika, munhu wakakwana, wakarurama, unotya Mŋari, acinɀeŋga ɀakaipa. Ipapo Satani akapindura Jehova, akati: Jobo unotya Mŋari pasina here? Hamuna‐kumupoteredza here norumhanda, iye neimba yake, neɀose ɀaanaɀo, pamatiʋi ose? Makaropafadza maɓasa amaʋoko ake, ʋuye fuma yake yakawanda panyika. Asi tambanudzai henyu ruʋoko rwenyu ɀino, muroʋe ɀose ɀaanaɀo, ipapo iye ucakushoʋorai pacena. Jehova akati kunaSatani: Tarira, ɀose ɀaanaɀo ɀiri paruʋoko rwako; asi usatambanudzira ruʋoko rwako kwaari. Naiɀoɀo Satani akabva pamberi paJehova.
Ɀino rimŋe zuʋa ʋanakomana ʋake naʋanasikana ʋake ʋakati ʋacidya nokunwa waini paimba yomukuru waʋo, nhume ikaȿika kunaJobo, ikati: Ŋombe dzakaŋga dzicirima, nemboŋgoro dzicicera kurutiʋi rwadzo, ʋaSabea ʋakadziwira, ndokudzitora, naʋafudzi ʋo ʋakaʋaʋuraya neminondo inopinza; ini ndoga ndapukunyuka, ndaʋuya kuzokuʋudzai. Iye wakati acataura, mumŋe akaȿika ʋo, akati: Mŋoto waMŋari wakabva kuɗeŋga, ukapisa makwai naʋafudzi, ukaʋapedza; ini ndoga ndapukunyuka, ndaʋuya kuzokuʋudzai. Iye wakati acataura, mumŋe akaȿika ʋo, akati: ƲaKardea ʋakaita mapoka matatu, ʋakawira makamera, ʋakaatora, naʋafudzi ʋo ʋakaʋaʋuraya neminondo inopinza; ini ndoga ndapukunyuka, ndaʋuya kuzokuʋudzai. Iye wakati acataura, mumŋe akaȿika ʋo, akati: Ʋanakomana ʋenyu naʋanasikana ʋenyu ʋakaŋga ʋacidya nokunwa waini mumba momukuru waʋo, ɗutu guru ndokubva kurutiʋi rwerenje, ndokuroʋa pamakona manna eimba, iyo ikawira pamsoro paʋana, ʋakafa; ini ndoga ndapukunyuka, ndaʋuya kuzokuʋudzai. Ipapo Jobo akasimuka, akabvarura ŋguʋo yake, akaʋeʋura musoro wake, akaɀiwisira pasi, akanamata, akati: Ndakaɓuɗa mumimba mamai ʋaŋgu ndiri mushwi, ndicadzokera’po ndiri mushwi; Jehova wakapa, Jehova wakatora, zita raJehova ŋgarikudzwe. Paɀinhu iɀi ɀose Jobo haana‐kutadza, haana‐kuti Mŋari wakaita noʋupenzi.