Zvino rimwe zuva vanakomana vaMwari vakati vachindomira pamberi paJehovha, Satani akasvikawo pakati pavo.
Jehovha akati kuna Satani, “Wabvepiko?” Satani akapindura Jehovha, akati, “Ndabva pakupota-pota nenyika, napakufamba-famba pairi.”
Jehovha akati kuna Satani, “Wacherekedza muranda wangu Jobho here? Nokuti hakuna munhu akafanana naye panyika, munhu akakwana, akarurama, anotya Mwari, achinzvenga zvakaipa.”
Ipapo Satani akapindura Jehovha, akati, “Jobho anotya Mwari pasina here? Hamuna kumupoteredza here norumhanda, iye neimba yake, nezvose zvaanazvo, pamativi ose? Makaropafadza mabasa amaoko ake, uye pfuma yake yakawanda panyika.
“Asi tambanudzai henyu ruoko rwenyu, zvino, murove zvose zvaanazvo, ipapo iye achakushorai pachena.”
Jehovha akati kuna Satani, “Tarira, zvose zvaanazvo zviri paruoko rwako; asi usatambanudzira ruoko rwako kwaari.” Naizvozvo Satani akabva pamberi paJehovha.
Zvino rimwe zuva vanakomana vake navanasikana vake vakati vachidya nokunwa waini paimba yomukuru wavo, nhume ikasvika kuna Jobho, ikati, “Mombe dzakanga dzichirima, nembongoro dzichichera kurutivi rwadzo, vaSabea vakadziwira, ndokudzitora, navafudziwo vakavauraya neminondo inopinza; ini ndoga ndakapukunyuka, ndauya kuzokuudzai.”
Iye akati achitaura, mumwe akasvikawo, akati, “Moto waMwari wakabva kudenga, ukapisa makwai navafudzi, ukavapedza; ini ndoga ndapukunyuka, ndauya kuzokuudzai.”
Iye akati achitaura, mumwe akasvikawo, akati, “VaKaradhea vakaita mapoka matatu, vakawira ngamera, vakadzitora, navafudziwo vakavauraya neminondo inopinza; ini ndoga ndapukunyuka, ndauya kuzokuudzai.”
Iye akati achitaura, mumwe akasvikawo, akati, “Vanakomana venyu navanasikana venyu vakanga vachidya nokunwa waini mumba momukuru wavo, dutu guru ndokubva kurutivi rwerenje, ndokurova pamusoro pavana, vakafa; ini ndoga ndapukunyuka, ndauya kuzokuudzai.”
Ipapo Jobho akasimuka, akabvarura nguo yake, akaveura vhudzi rake akazviwisira pasi, akanamata, akati, “Ndakabuda mumimba mamai vangu ndiri mushwi, ndichadzokerapo ndiri muhwi; Jehovha akapa, Jehovha wakatora, zita raJehovha ngarikudzwe.” Pazvinhu izvi zvose Jobho haana kutadza, haana kuti Mwari akaita noupenzi.