Johani 19:1-18
Johani 19:1-18 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino Pirato akatora Jesu, akamurovesa. Varwi vakaruka ndaza yeminzwa, vakaiisa pamusoro wake, vakamupfekedza nguo tsvuku, vakauya kwaari, vachiti, “Kwaziwai, Mambo wavaJudha!” Vakamurova namaoko. Ipapo Pirato akabudazve, akati kwavari, “Tarirai, ndamubudisa kwamuri, muzive kuti handiwani mhosva kwaari.” Jesu akabuda, akadzikwa ndaza yeminzwa, ane nguo tsvuku. Pirato akati kwavari, “Tarirai munhu!” Zvino vapristi vakuru navatariri vakati vachimuona vakadanidzira, vachiti, “Roverai pamuchinjikwa, roverai pamuchinjikwa!” Pirato akati kwavari, “Chimutorai imi, mumuroverere pamuchinjikwa; nokuti ini handiwani mhosva kwaari.” VaJudha vakamupindura, vakati, “Isu tine murayiro, zvino nomurayiro wedu anofanira kufa, nokuti akazviita Mwanakomana waMwari.” Zvino Pirato akati anzwa shoko iri, akanyanya kutya. Akapindazve mumba momubati, akati kuna Jesu, “Uri wepiko?” Asi Jesu haana kumupindura. Ipapo Pirato akati kwaari, “Hautauri neni here? Hauzivisu kuti ndine simba rokukusunungura, nesimba rokukurovera pamuchinjikwa?” Jesu akamupindura, akati, “Haungatongovi nesimba pamusoro pangu, kana usina kuripiwa richibva kumusoro; naizvozvo akandiisa kwauri, ane zvivi zvinokunda zvako.” Zvino Pirato akatsvaka kumusunungura; asi vaJudha vakadanidzira, vachiti, “Kana mukasunungura munhu uyu, hamusi shamwari yaKesari; mumwe nomumwe, anozviita mambo, anoramba Kesari.” Zvino Pirato akati anzwa mashoko iwayo, akabudisa Jesu, akagara pachigaro chokutonga, panzvimbo yainzi “Pakarongwa naMabwe,” asi nechiHebheru “Gabhata.” Zvino wakanga uri musi wokugadzirira Pasika; yaiva nguva inenge yechitanhatu. Akati kuvaJudha, “Tarirai Mambo wenyu!” Ivo vakadanidzira, vachiti, “Bvisai, bvisai, mumurovere pamuchinjikwa!” Pirato akati kwavari, “Ndorovera Mambo wenyu pamuchinjikwa here?” Vapristi vakuru vakapindura, vachiti, “Hatina mambo, asi Kesari chete.” Ipapo akamuisa kwavari, kuti aroverwe pamuchinjikwa. Zvino vakaenda naJesu; akabuda, achitakura muchinjikwa wake, akaenda kunzvimbo yainzi, “Dehenya,” nechiHebheru ichinzi, “Gorogota,” pavakamurovera pamuchinjikwa, navamwe vaviri naye, mumwe kune rumwe rutivi, mumwe kune rumwe rutivi, Jesu pakati.
Johani 19:1-18 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Ipapo Pirato akatora Jesu akaita kuti arohwe. Varwi vakaita korona yeminzwa vakaidzika pamusoro wake. Vakamupfekedza nguo dzepepuru vakaenda kwaari vaendazve vachiti, “Kwaziwai, mambo wavaJudha!” Uye vakamurova kumeso. Pirato akabuda akatizve kuvaJudha, “Tarirai, ndava kumuisa kwamuri kuti muzive kuti ndashaya mhosva paari.” Jesu akati abuda kunze akapfeka korona yeminzwa uye nenguo yepepuru, Pirato akati kwavari, “Hoyo munhu!” Vaprista vakuru navatariri vavo vakati vachimuona, vakadanidzira vachiti, “Ngaarovererwe! Ngaarovererwe!” Asi Pirato akapindura achiti, “Mutorei imi mumuroverere. Kana ndirini, handiwani mhosva paari.” VaJudha vakasimbirira vachiti, “Isu tino murayiro, nomurayiro iwoyo, anofanira kufa, nokuti anozviti Mwanakomana waMwari.” Pirato akati anzwa izvi akanyanyisa kutya, uye akadzokerazve mumuzinda. Akasvikobvunza Jesu achiti, “Unobvepiko iwe?” Asi Jesu haana kupindura. Pirato akati, “Haudi kutaura neni here? Hauzivi here kuti ndine simba rokukusunungura kana kukuroverera pamuchinjikwa?” Jesu akapindura akati, “Haungatongovi nesimba pamusoro pangu kana usina kuripiwa richibva kumusoro. Naizvozvo uyo andiisa kwauri ane mhosva yechivi chikuru.” Kubva ipapo zvichienda mberi, Pirato akaedza kusunungura Jesu, asi vaJudha vakaramba vachidanidzira vachiti, “Kana ukasunungura murume uyu, zvoreva kuti hausi shamwari yaKesari. Ani naani anozviti mambo anopikisana naKesari.” Pirato akati anzwa izvozvo, akabudisa Jesu kunze uye akagara pachigaro chokutonga panzvimbo inozivikanwa nokunzi: Pakarongwa Mabwe (nechiHebheru pachinzi Gabhata). Rakanga riri zuva rokugadzirira vhiki yePasika, awa inenge yechitanhatu. Pirato akati kuvaJudha, “Hoyu mambo wenyu.” Asi vakadanidzira vachiti, “Endai naye! Endai naye! Murovererei!” Pirato akati, “Ndoroverera mambo wenyu here?” Vaprista vakuru vakapindura vachiti, “Hatina mambo isu, asi Kesari.” Pakupedzisira Pirato akamuisa mumaoko avo kuti arovererwe. Saka varwi vakatora Jesu. Akatakura muchinjikwa wake, akabuda akaenda kunzvimbo yeDehenya (zvichireva kuti Gorogota muchiHebheru). Ipapo ndipo pavakamuroverera pamuchinjikwa navamwe vaviri, mumwe kuno rumwe rutivi nomumwe kuno rumwe rutivi, uye Jesu ari pakati.
Johani 19:1-18 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino Pirato akatora Jesu, akamurovesa. Varwi vakaruka ndaza yeminzwa, vakaiisa pamusoro wake, vakamupfekedza nguo tsvuku, vakauya kwaari, vachiti, “Kwaziwai, Mambo wavaJudha!” Vakamurova namaoko. Ipapo Pirato akabudazve, akati kwavari, “Tarirai, ndamubudisa kwamuri, muzive kuti handiwani mhosva kwaari.” Jesu akabuda, akadzikwa ndaza yeminzwa, ane nguo tsvuku. Pirato akati kwavari, “Tarirai munhu!” Zvino vapristi vakuru navatariri vakati vachimuona vakadanidzira, vachiti, “Roverai pamuchinjikwa, roverai pamuchinjikwa!” Pirato akati kwavari, “Chimutorai imi, mumuroverere pamuchinjikwa; nokuti ini handiwani mhosva kwaari.” VaJudha vakamupindura, vakati, “Isu tine murayiro, zvino nomurayiro wedu anofanira kufa, nokuti akazviita Mwanakomana waMwari.” Zvino Pirato akati anzwa shoko iri, akanyanya kutya. Akapindazve mumba momubati, akati kuna Jesu, “Uri wepiko?” Asi Jesu haana kumupindura. Ipapo Pirato akati kwaari, “Hautauri neni here? Hauzivisu kuti ndine simba rokukusunungura, nesimba rokukurovera pamuchinjikwa?” Jesu akamupindura, akati, “Haungatongovi nesimba pamusoro pangu, kana usina kuripiwa richibva kumusoro; naizvozvo akandiisa kwauri, ane zvivi zvinokunda zvako.” Zvino Pirato akatsvaka kumusunungura; asi vaJudha vakadanidzira, vachiti, “Kana mukasunungura munhu uyu, hamusi shamwari yaKesari; mumwe nomumwe, anozviita mambo, anoramba Kesari.” Zvino Pirato akati anzwa mashoko iwayo, akabudisa Jesu, akagara pachigaro chokutonga, panzvimbo yainzi “Pakarongwa naMabwe,” asi nechiHebheru “Gabhata.” Zvino wakanga uri musi wokugadzirira Pasika; yaiva nguva inenge yechitanhatu. Akati kuvaJudha, “Tarirai Mambo wenyu!” Ivo vakadanidzira, vachiti, “Bvisai, bvisai, mumurovere pamuchinjikwa!” Pirato akati kwavari, “Ndorovera Mambo wenyu pamuchinjikwa here?” Vapristi vakuru vakapindura, vachiti, “Hatina mambo, asi Kesari chete.” Ipapo akamuisa kwavari, kuti aroverwe pamuchinjikwa. Zvino vakaenda naJesu; akabuda, achitakura muchinjikwa wake, akaenda kunzvimbo yainzi, “Dehenya,” nechiHebheru ichinzi, “Gorogota,” pavakamurovera pamuchinjikwa, navamwe vaviri naye, mumwe kune rumwe rutivi, mumwe kune rumwe rutivi, Jesu pakati.
Johani 19:1-18 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Pirato akatora Jesu, akati arohwe zvakanyanya. Masoja akaruka chiremba cheminzwa akachiisa mumusoro make. Akamupfekedza gemenzi roruvara rwohute. Vaipota vachiuya kwaari vachimukwazisa vachiti, “Kwaziwaika Mambo wavaJudha!” Vachimurova nembama. Pirato akabudazve akati kwavari, “Chinzwai, ndavakumuburitsa kwamuri kuti muzive kuti ini ndashaya mhosva yaanayo.” Saizvozvo Jesu akabuda akapfeka chiremba cheminzwa negemenzi roruvara rwohute. Pirato ndokuti kwavari, “Chitarisai muone munhu uya.” Vapristi vakuru namapurisa pavakamuona vakabva vadaidzira vachiti, “Ngaarovererwe pamuchinjikwa. Ngaarovererwe pamuchinjikwa.” Pirato akati kwavari, “Chimutoraika iyemi mundomuroverera pamuchinjikwa nokuti ini ndashaya mhosva yaanayo.” VaJudha vakamupindura kuti, “Isu tine mutemo, maererano nomutemo iwoyo anofanira kuti afe nokuti akazviita Mwanakomana waMwari.” Pirato paakanzwa mazwi aya akabva anyanya kutya. Akapindazve mumuzinda akati kuna Jesu, “Iwe unobva kupi iwe.” Asi Jesu haana kupindura. Naizvozvo Pirato akati kwaari, “Hausikuda kutaura neni here? Hauzivi here kuti ndine simba rokukusunungura nesimba rokukuroverera pamuchinjikwa?” Jesu akamupindura achiti, “Hamungavi nesimba pandiri kana musina kutoripiwa richibva kumusoro. Nezvo anditurira kwamuri anechitadzo chikuru kupfuura imi.” Nezvizvi Pirato akatsvaka nzira yokumusunungura nayo. Asi vaJudha vakadaidzira vachiti, “Kana mukasunungura munhu uyu, hamusi shamwari yaSiza, nokuti munhu wose anozviita mambo ari kupandukira Siza.” Pirato paakanzwa mazwi aya akaburitsa Jesu panze iye ndokugara pachigaro chokutongera panzvimbo inonzi, “Chirongwanamafendefa.” Kana kuti, “Gabhata.” NechiHebheru. Zvino iri rakanga riri zuva rokugadzirira Pasika yakanga yenge awa yegumi nechipiri masikati. Akati kuvaJudha, “Hoyu mambo wenyu.” Vakadaidzira vachiti, “Ngaapfuudzwe, ngaapfuudzwe ngaarovererwe pamuchinjikwa.” Pirato akavati, “Ko ndoroverera mambo wenyu pamuchinjikwa here?” Vapristi vakuru vakapindura vachiti, “Hatina mumwe mambo isu asi Siza oga.” Ipapo Pirato akamuisa mumaoko avo kuti arovererwe pamuchinjikwa. Saizvozvo vakatora Jesu akabuda akaenda akatakura muchinjikwa wake kunzvimbo inonzi, “Dehenya,” kana kuti, “Gorogota.” MuchiHebheru. Ndipo pavakamuroverera pamuchinjikwa ipapo aina vamwe vaviri vachiti mumwe uku mumwe uku iye ari pakati.
Johani 19:1-18 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino Pirato wakatora Jesu, akamuroʋesa. Ʋarwi ʋakaruka korona yeminzwa, ʋakaiisa pamusoro wake, ʋakamupfekedza ŋguʋo tȿuku, ʋakaʋuya kwaari, ʋaciti: Kwaziwai, Mambo waʋaJuda! Ʋakamuroʋa namaʋoko. Ipapo Pirato akaɓuɗa ɀe, akati kwaʋari: Tarirai, ndamuɓuɗisira kwamuri, muziʋe kuti handiwani mhoȿa kwaari. Jesu akaɓuɗa, akadzika korona yeminzwa, aneŋguʋo tȿuku. Pirato akati kwaʋari: Tarirai munhu! Ɀino ʋaprista ʋakuru naʋatariri ʋakati ʋacimuʋona, ʋakaɗanidzira, ʋaciti: Roʋerai pamucinjikwa, roʋerai pamucinjikwa! Pirato akati kwaʋari: Cimutorai imi, mumuroʋerei pamucinjikwa; nokuti ini handiwani mhoȿa kwaari. ƲaJuda ʋakamupindura, ʋakati: Isu tinomurairo, ɀino nomurairo weɗu unofanira kufa, nokuti wakaɀiita Mŋanakomana waMŋari. Ɀino Pirato wakati anzwa shoko iri, akanyanya kutya. Akapinda ɀe mumba momuɓati, akati kunaJesu: Uri wepiko? Asi Jesu haana‐kumupindura. Ipapo Pirato akati kwaari: Hautauri neni here? Hauziʋi su kuti ndinesimba rokukusunuŋgura, nesimba rokukuroʋera pamucinjikwa? Jesu akamupindura, akati: Hauŋgatoŋgoʋi nesimba pamsoro paŋgu, kana usina‐kuripiwa ricibʋa kumsoro; naiɀoɀo wakandiisa kwauri, uneɀiʋi ɀinokunda ɀako. Ɀino Pirato akatȿaka kumusunuŋgura; asi ʋaJuda ʋakaɗanidzira, ʋaciti: Kana mukasunuŋgura munhu uyu, hamuzi shamŋari yaKesari; mumŋe nomumŋe, unoɀiita mambo, unoramba Kesari. Ɀino Pirato wakati anzwa mashoko iwayo, akaɓuɗisa Jesu, akagara pacigaro cokutoŋga, panɀimbo yainzi Pakaroŋgwa naMabge, asi neciHeberu Gabata. Ɀino wakaŋga uri musi woKugadzirira paseka; yaiʋa nguʋa ineŋge yecitanhatu. Akati kuʋaJuda: Tarirai Mambo wenyu! Iʋo ʋakaɗanidzira, ʋaciti: Bvisai, bvisai, mumuroʋere pamucinjikwa! Pirato akati kwaʋari: Ndoroʋera Mambo wenyu pamucinjikwa here? Ʋaprista ʋakuru ʋakapindura, ʋaciti: Hatinamambo, asi Kesari cete. Ipapo akamuisa kwaʋari, kuti aroʋerwe pamucinjikwa. Ɀino ʋakaenda naJesu; akaɓuɗa, acitakura mucinjikwa wake, akaenda kunɀimbo yainzi, Ƌehenya, neciHeberu icinzi Gorgota, paʋakamuroʋera pamucinjikwa, naʋamŋe ʋaʋiri naye, mumŋe kunorumŋe rutiʋi, mumŋe kunorumŋe rutiʋi, Jesu pakati.
Johani 19:1-18 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)