Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Johani 19:1-18

Johani 19:1-18 SNA2002

Zvino Pirato akatora Jesu, akamurovesa. Varwi vakaruka ndaza yeminzwa, vakaiisa pamusoro wake, vakamupfekedza nguo tsvuku, vakauya kwaari, vachiti, “Kwaziwai, Mambo wavaJudha!” Vakamurova namaoko. Ipapo Pirato akabudazve, akati kwavari, “Tarirai, ndamubudisa kwamuri, muzive kuti handiwani mhosva kwaari.” Jesu akabuda, akadzikwa ndaza yeminzwa, ane nguo tsvuku. Pirato akati kwavari, “Tarirai munhu!” Zvino vapristi vakuru navatariri vakati vachimuona vakadanidzira, vachiti, “Roverai pamuchinjikwa, roverai pamuchinjikwa!” Pirato akati kwavari, “Chimutorai imi, mumuroverere pamuchinjikwa; nokuti ini handiwani mhosva kwaari.” VaJudha vakamupindura, vakati, “Isu tine murayiro, zvino nomurayiro wedu anofanira kufa, nokuti akazviita Mwanakomana waMwari.” Zvino Pirato akati anzwa shoko iri, akanyanya kutya. Akapindazve mumba momubati, akati kuna Jesu, “Uri wepiko?” Asi Jesu haana kumupindura. Ipapo Pirato akati kwaari, “Hautauri neni here? Hauzivisu kuti ndine simba rokukusunungura, nesimba rokukurovera pamuchinjikwa?” Jesu akamupindura, akati, “Haungatongovi nesimba pamusoro pangu, kana usina kuripiwa richibva kumusoro; naizvozvo akandiisa kwauri, ane zvivi zvinokunda zvako.” Zvino Pirato akatsvaka kumusunungura; asi vaJudha vakadanidzira, vachiti, “Kana mukasunungura munhu uyu, hamusi shamwari yaKesari; mumwe nomumwe, anozviita mambo, anoramba Kesari.” Zvino Pirato akati anzwa mashoko iwayo, akabudisa Jesu, akagara pachigaro chokutonga, panzvimbo yainzi “Pakarongwa naMabwe,” asi nechiHebheru “Gabhata.” Zvino wakanga uri musi wokugadzirira Pasika; yaiva nguva inenge yechitanhatu. Akati kuvaJudha, “Tarirai Mambo wenyu!” Ivo vakadanidzira, vachiti, “Bvisai, bvisai, mumurovere pamuchinjikwa!” Pirato akati kwavari, “Ndorovera Mambo wenyu pamuchinjikwa here?” Vapristi vakuru vakapindura, vachiti, “Hatina mambo, asi Kesari chete.” Ipapo akamuisa kwavari, kuti aroverwe pamuchinjikwa. Zvino vakaenda naJesu; akabuda, achitakura muchinjikwa wake, akaenda kunzvimbo yainzi, “Dehenya,” nechiHebheru ichinzi, “Gorogota,” pavakamurovera pamuchinjikwa, navamwe vaviri naye, mumwe kune rumwe rutivi, mumwe kune rumwe rutivi, Jesu pakati.

Verenga chikamu Johani 19