Pirato akatora Jesu, akati arohwe zvakanyanya. Masoja akaruka chiremba cheminzwa akachiisa mumusoro make. Akamupfekedza gemenzi roruvara rwohute. Vaipota vachiuya kwaari vachimukwazisa vachiti, “Kwaziwaika Mambo wavaJudha!” Vachimurova nembama.
Pirato akabudazve akati kwavari, “Chinzwai, ndavakumuburitsa kwamuri kuti muzive kuti ini ndashaya mhosva yaanayo.” Saizvozvo Jesu akabuda akapfeka chiremba cheminzwa negemenzi roruvara rwohute. Pirato ndokuti kwavari, “Chitarisai muone munhu uya.”
Vapristi vakuru namapurisa pavakamuona vakabva vadaidzira vachiti, “Ngaarovererwe pamuchinjikwa. Ngaarovererwe pamuchinjikwa.” Pirato akati kwavari, “Chimutoraika iyemi mundomuroverera pamuchinjikwa nokuti ini ndashaya mhosva yaanayo.” VaJudha vakamupindura kuti, “Isu tine mutemo, maererano nomutemo iwoyo anofanira kuti afe nokuti akazviita Mwanakomana waMwari.”
Pirato paakanzwa mazwi aya akabva anyanya kutya. Akapindazve mumuzinda akati kuna Jesu, “Iwe unobva kupi iwe.” Asi Jesu haana kupindura. Naizvozvo Pirato akati kwaari, “Hausikuda kutaura neni here? Hauzivi here kuti ndine simba rokukusunungura nesimba rokukuroverera pamuchinjikwa?” Jesu akamupindura achiti, “Hamungavi nesimba pandiri kana musina kutoripiwa richibva kumusoro. Nezvo anditurira kwamuri anechitadzo chikuru kupfuura imi.”
Nezvizvi Pirato akatsvaka nzira yokumusunungura nayo. Asi vaJudha vakadaidzira vachiti, “Kana mukasunungura munhu uyu, hamusi shamwari yaSiza, nokuti munhu wose anozviita mambo ari kupandukira Siza.” Pirato paakanzwa mazwi aya akaburitsa Jesu panze iye ndokugara pachigaro chokutongera panzvimbo inonzi, “Chirongwanamafendefa.” Kana kuti, “Gabhata.” NechiHebheru. Zvino iri rakanga riri zuva rokugadzirira Pasika yakanga yenge awa yegumi nechipiri masikati. Akati kuvaJudha, “Hoyu mambo wenyu.” Vakadaidzira vachiti, “Ngaapfuudzwe, ngaapfuudzwe ngaarovererwe pamuchinjikwa.” Pirato akavati, “Ko ndoroverera mambo wenyu pamuchinjikwa here?” Vapristi vakuru vakapindura vachiti, “Hatina mumwe mambo isu asi Siza oga.” Ipapo Pirato akamuisa mumaoko avo kuti arovererwe pamuchinjikwa.
Saizvozvo vakatora Jesu akabuda akaenda akatakura muchinjikwa wake kunzvimbo inonzi, “Dehenya,” kana kuti, “Gorogota.” MuchiHebheru. Ndipo pavakamuroverera pamuchinjikwa ipapo aina vamwe vaviri vachiti mumwe uku mumwe uku iye ari pakati.