Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Johane 19:1-18

Johane 19:1-18 SUB1949

Ɀino Pirato wakatora Jesu, akamuroʋesa. Ʋarwi ʋakaruka korona yeminzwa, ʋakaiisa pamusoro wake, ʋakamupfekedza ŋguʋo tȿuku, ʋakaʋuya kwaari, ʋaciti: Kwaziwai, Mambo waʋaJuda! Ʋakamuroʋa namaʋoko. Ipapo Pirato akaɓuɗa ɀe, akati kwaʋari: Tarirai, ndamuɓuɗisira kwamuri, muziʋe kuti handiwani mhoȿa kwaari. Jesu akaɓuɗa, akadzika korona yeminzwa, aneŋguʋo tȿuku. Pirato akati kwaʋari: Tarirai munhu! Ɀino ʋaprista ʋakuru naʋatariri ʋakati ʋacimuʋona, ʋakaɗanidzira, ʋaciti: Roʋerai pamucinjikwa, roʋerai pamucinjikwa! Pirato akati kwaʋari: Cimutorai imi, mumuroʋerei pamucinjikwa; nokuti ini handiwani mhoȿa kwaari. ƲaJuda ʋakamupindura, ʋakati: Isu tinomurairo, ɀino nomurairo weɗu unofanira kufa, nokuti wakaɀiita Mŋanakomana waMŋari. Ɀino Pirato wakati anzwa shoko iri, akanyanya kutya. Akapinda ɀe mumba momuɓati, akati kunaJesu: Uri wepiko? Asi Jesu haana‐kumupindura. Ipapo Pirato akati kwaari: Hautauri neni here? Hauziʋi su kuti ndinesimba rokukusunuŋgura, nesimba rokukuroʋera pamucinjikwa? Jesu akamupindura, akati: Hauŋgatoŋgoʋi nesimba pamsoro paŋgu, kana usina‐kuripiwa ricibʋa kumsoro; naiɀoɀo wakandiisa kwauri, uneɀiʋi ɀinokunda ɀako. Ɀino Pirato akatȿaka kumusunuŋgura; asi ʋaJuda ʋakaɗanidzira, ʋaciti: Kana mukasunuŋgura munhu uyu, hamuzi shamŋari yaKesari; mumŋe nomumŋe, unoɀiita mambo, unoramba Kesari. Ɀino Pirato wakati anzwa mashoko iwayo, akaɓuɗisa Jesu, akagara pacigaro cokutoŋga, panɀimbo yainzi Pakaroŋgwa naMabge, asi neciHeberu Gabata. Ɀino wakaŋga uri musi woKugadzirira paseka; yaiʋa nguʋa ineŋge yecitanhatu. Akati kuʋaJuda: Tarirai Mambo wenyu! Iʋo ʋakaɗanidzira, ʋaciti: Bvisai, bvisai, mumuroʋere pamucinjikwa! Pirato akati kwaʋari: Ndoroʋera Mambo wenyu pamucinjikwa here? Ʋaprista ʋakuru ʋakapindura, ʋaciti: Hatinamambo, asi Kesari cete. Ipapo akamuisa kwaʋari, kuti aroʋerwe pamucinjikwa. Ɀino ʋakaenda naJesu; akaɓuɗa, acitakura mucinjikwa wake, akaenda kunɀimbo yainzi, Ƌehenya, neciHeberu icinzi Gorgota, paʋakamuroʋera pamucinjikwa, naʋamŋe ʋaʋiri naye, mumŋe kunorumŋe rutiʋi, mumŋe kunorumŋe rutiʋi, Jesu pakati.

Verenga chikamu Johane 19