Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Jeremia 23:25-40

Jeremia 23:25-40 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)

“Ndakanzwa zvakataurwa navaprofita vanoprofita nhema muzita rangu. Vanoti, ‘Ndakarota! Ndakarota!’ Ko, izvi zvicharamba zviri mumwoyo yavaprofita venhema ava kusvikira rinhi ivo vanoprofita zvokunyengera kwendangariro dzavo? Vanofunga kuti zviroto zvavanoudzana zvichaita kuti vanhu vangu vakanganwe zita rangu sezvakaita madzibaba avo akakanganwa zita rangu nokuda kwokunamata Bhaari. Muprofita ane chiroto ngaataure kurota kwake, asi ane shoko rangu ngaataure nokutendeka. Nokuti mashanga ane basa rei pazviyo?” ndizvo zvinotaura Jehovha. “Shoko rangu harina kufanana nomoto here,” ndizvo zvinotaura Jehovha, “uye nenyundo inoputsanya dombo?” “Naizvozvo,” ndizvo zvinotaura Jehovha, “handina ukama navaprofita vanobirana mashoko anofungidzirwa kuti anobva kwandiri. Hongu,” ndizvo zvinotaura Jehovha, “handina ukama navaprofita vanoshandisa ndimi dzavo vachiti, ‘Jehovha ari kutaura.’ Zvirokwazvo handina ukama neavo vanoprofita zviroto zvenhema,” ndizvo zvinotaura Jehovha. “Vanovaudza uye vanotsausa vanhu vangu nenhema dzavo dzisina maturo, asi handina kuvatuma kana kuvagadza. Havambobatsiri vanhu ava napaduku pose,” ndizvo zvinotaura Jehovha. “Paunobvunzwa navanhu ava, vaprofita kana vaprista, vachiti, ‘Chirevo ichi chaJehovha ndecheiko?’ uti kwavari, ‘Chirevo cheiko? Ndichakurasai, ndizvo zvinotaura Jehovha.’ Kana muprofita kana muprista kana ani zvake achiti, ‘Ichi ndicho chirevo chaJehovha,’ ndicharanga munhu uyo nemhuri yake. Izvi ndizvo zvamunoramba muchitaura mumwe nomumwe wenyu kushamwari kana kuhama yake muchiti: ‘Mhinduro yaJehovha inoti kudiniko?’ kana kuti ‘Jehovha akataureiko?’ Hamufaniri kutaura ‘chirevo chaJehovha’ zvakare, nokuti shoko romunhu mumwe nomumwe richava chirevo chake, uye saizvozvo munominamisa mashoko aMwari mupenyu, Jehovha Wamasimba Ose, Mwari wedu. Izvi ndizvo zvamucharamba muchitaura kumuprofita muchiti: ‘Jehovha akakupindurei?’ kana kuti ‘Jehovha akataurei?’ Kunyange muchiti, ‘Ichi ndicho chirevo chaJehovha,’ izvi ndizvo zvinotaura Jehovha: Makashandisa mashoko anoti, ‘Ichi ndicho chirevo chaJehovha,’ kunyange ndakanga ndakuudzai kuti musati, ‘Ichi ndicho chirevo chaJehovha’. Naizvozvo, zvirokwazvo ndichakukanganwai uye ndichakurasai mubve pamberi pangu imi neguta randakakupai uye namadzibaba enyu. Ndichauyisa pamusoro penyu kunyadziswa kusingaperi, nyadzi dzisingaperi dzisingazokanganwiki.”

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Jeremia 23

Jeremia 23:25-40 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)

Ndakanzwa zvakarehwa navaporofita, vanoporofita nhema muzita rangu, vachiti, ‘Ndarota hope, ndarota hope.’ Ko izvi zvichavapo pamwoyo yavaporofita vanoporofita nhema kusvikira rini, ivo vaporofita vezvinonyengera zvemwoyo yavo? Ivo, vanofunga kukanganisa vanhu vangu zita rangu nokurota kwavo, kwavanoudza mumwe nomumwe hama yake, madzibaba avo sezvavakakanganwa zita rangu nokunamata Bhaari. Muporofita, wakarota, ngaaudze kurota kwake; uneshoko rangu, ngaataure shoko rangu nokutendeka. Mashanga nezviyo zvakaenzana pai? Ndizvo zvinotaura Jehovha. “Shoko rangu harina kufanana nomoto here? Ndizvo zvinotaura Jehovha; uye senyundo inoputsanya dombo here? Naizvozvo, tarirai, ndizvo zvinotaura Jehovha, handina hukama navaporofita, vanoba mashoko angu mumwe nomumwe kunowokwake. Tarirai, ndizvo zvinotaura Jehovha, handina hukama navaporofita, vanoreva namarimi avo, vachiti, ‘Ndiye unodaro.’ Tarirai, ndizvo zvinotaura Jehovha, handina hukama navanoporofita kurota kwavo kwenhema, vachiudza vamwe, vachirashisa vanhu vangu nenhema dzavo uye nokuzvirumbidza kwavo kusina maturo; kunyange zvakadaro handina kuvatuma, kana kuvaraira; uye havatongobatsiri vanhu ava, ndizvo zvinotaura Jehovha. “Zvino kana vanhu ava, kana muporofita kana mupristi, vakakubvunza, vachiti, ‘Chirevo chaJehovha ndechipiko?’ Ipapo uti kwavari, ‘Chirevo chei!’ Ini ndichakurasai, ndizvo zvinotaura Jehovha. Kana ari muporofita, kana mupristi, kana vanhu, kana vachiti, ‘Chirevo chaJehovha; ndicharova munhu uyo neimba yake.’ Ndizvo zvamunofanira kuti, mumwe nomumwe kunowokwake, nomumwe nomumwe kuhama yake, ‘Jehovha wakapindurei? Jehovha wakataurei?’ Musazoti chirevo chaJehovha; nokuti shoko romunhu mumwe nomumwe ndicho chirevo chake; nokuti makakanganisa mashoko aMwari mupenyu, aJehovha wehondo, Mwari wedu. “Uti kumuporofita, ‘Jehovha wakakupindurei? Jehovha wakataurei?’ Asi kana mukati, ‘Chirevo chaJehovha;’ zvanzi naJehovha, ‘Zvamunoreva shoko iri, muchiti, chirevo chaJehovha,’ ini zvandakatuma shoko kwamuri ndichiti, ‘Musati, chirevo chaJehovha;’ naizvozvo tarirai, ndichakukanganwai chose, ndichakurashai kure neni, imi, neguta randakakupai imi namadzibaba enyu; ndichauyisa pamusoro penyu kushoorwa kusingaperi, nokunyadziswa kusingaperi, zvisingazokanganikwi.”

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Jeremia 23

Jeremia 23:25-40 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)

Ndakazvinzwa zvinotaura vaporofita vachiporofita zvenhema muzita rangu vachiti, ‘Ndarotswa! Ndarotswa!’ Kusvikira riniko chaizvo mukati mavanhu muine vaporofita vanotaura zvenhema vachiporofita zvomusoro wavo, vanoda kuti vanhu vangu vakanganwe zita rangu pamusana pezviroto zvavo zvavanotaurirana sezvakazoita madzibaba avo vakakanganwa zita rangu voyeuka raBhaari. Regai muporofita ane chaarota arotomoke zvake, asi munhu ane shoko rangu ngaaritaure sezvazviri. Musvo wekoroni namashanga hapana maenzanisiro aungazviite? Ndizvo zvinotaura Tenzi. Izwi rangu harina kuita somoto here, ndizvo zviri kutaura Tenzi kana senyundo inopwanya-pwanya mabwe? Naizvozvo chionai zviri kunzi naTenzi handiwirirani navaporofita ivavo vanobirana mashoko avanoti anobva kwandiri. Chinzwai, ini handiwirirani navaporofita vanoshandisa rurimi rwavo vachiti, ‘Zvanzi naTenzi,’ kana kuti, ‘Ndizvo zvinotaura Tenzi.’ Chinzwai, ini handiwirirani navanoporofita vanotaura kurotswa kwenhema. Ndizvo zviri kutaura Tenzi. Vanozvitaura vachitungamirira vanhu vangu kusiri iko nenhema dzavo nokushaya hanya kwavo ini ndisina kumbovatuma kana kuvaudza kuti vaite. Naizvozvo hapana chavanombobatsira vanhu ava nacho. Ndizvo zvinotaura Tenzi. “Kana mumwe munhu, muporofita kana mupristi, akubvunzai achiti, ‘Mutoro waTenzi ndoupi?’ Vataurirei kuti, ‘Iyemi ndimi mutoro wacho.’ Ini ndichakukandai kwakadaro, ndizvo zvinotaura Tenzi. Kana ari muporofita kana mupristi kunyange mumwe wavanhu ava anotaura achiti, ‘Mutoro waTenzi’ munhu iyeyo ndichamuranga iye nemba yake. Mose zvenyu muchazotaurirana mumwe nomumwe mugarisani nomugarisani wake, hama nehama muchiti, ‘Nhaimi, Tenzi akapa mhinduro yokuti kudii?’ kana kuti, ‘Tenzi ataurei?’ Asi regai kuzombodomazve mutoro waTenzi nokuti mutoro iwoyo ishoko rava kurehwa nomunhu wose. Zvino imi munominamisa mashoko aMwari mupenyu, Tenzi wehondo nehondo, Mwari wedu. Muporofita wacho iyeyo mubvunzei kuti, ‘Tenzi akapa mhinduro yokuti kudii?’ kana kuti, ‘Tenzi ataurei?’ Asi kana uchiti, ‘Mutoro waTenzi,’ zvanzi naTenzi, pamusana pokutaura kwako ikoko kwokuti, ‘Mutoro waTenzi,’ ini ndakambokutumira yambiro yokuti, rega zvokutaura uchiti, ‘Mutoro waTenzi,’ naizvozvo chinzwa, ndichakusumudza ndigokukanda kure neni, iyewe neguta randakapa iwe namadzibaba ako. Ndichakuita chiseko chenyika narini wose chinhu chinonyadzisa zvokugara zvakadaro zvisingazokanganwiki.”

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Jeremia 23

Jeremia 23:25-40 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)

Ndakanzwa ɀakarebga naʋaprofita, ʋanoprofita nhema muzita raŋgu, ʋaciti: Ndarota hope, ndarota hope. Ko iɀi ɀicaʋa’po pamŋoyo yaʋaprofita ʋanoprofita nhema kuȿikira rini, iʋo ʋaprofita ʋeɀinonyeŋgera ɀemŋoyo yaʋo? Iʋo, ʋanofuŋga kukaŋganwisa ʋanhu ʋaŋgu zita raŋgu nokurota kwaʋo, kwaʋanoʋudza mumŋe nomumŋe hama yake, madziɓaɓa aʋo seɀaʋakakaŋganwa zita raŋgu no kunamata Baari. Muprofita, wakarota, ŋgaaʋudze kurota kwake; uneshoko raŋgu, ŋgaataure shoko raŋgu nokutendeka. Mashaŋga neɀiyo ɀakaenzana pai? ndiɀo ɀinotaura Jehova. Shoko raŋgu harina‐kufanana nomŋoto here? ndiɀo ɀinotaura Jehova; ʋuye senyundo inoputsanya ɗombo here? Naiɀoɀo, tarirai, — ndiɀo ɀinotaura Jehova — handinoʋukama naʋaprofita, ʋanoɓa mashoko aŋgu mumŋe nomumŋe kunowokwake. Tarirai, — ndiɀo ɀinotaura Jehova — handinoʋukama naʋaprofita, ʋanoreʋa namarimi aʋo, ʋaciti: Ndiye unoɗaro. Tarirai, — ndiɀo ɀinotaura Jehova — handinoʋukama naʋanoprofita kurota kwaʋo kwenhema, ʋaciʋudza ʋamŋe, ʋacirashisa ʋanhu ʋaŋgu nenhema dzaʋo ʋuye nokuɀirumbidza kwaʋo kusinamaturo; kunyaŋge ɀakaɗaro handina‐kuʋatuma, kana kuʋaraira; ʋuye haʋatoŋgoɓatsiri ʋanhu aʋa — ndiɀo ɀinotaura Jehova. Ɀino kana ʋanhu aʋa, kana muprofita kana muprista, ʋakakubvunza, ʋaciti: Cireʋo caJehova ndecipiko? Ipapo uti kwaʋari: Cireʋo cei! Ini ndicakurashai — ndiɀo ɀinotaura Jehova. Kana ari muprofita, kana muprista, kana ʋanhu, kana ʋaciti: Cireʋo caJehova; ndicaroʋa munhu uyo neimba yake. Ndiɀo ɀamunofanira kuti, mumŋe nomumŋe kunowokwake, nomumŋe nomumŋe kuhama yake: Jehova wakapindurei? Jehova wakataurei? Musazoti cireʋo caJehova; nokuti shoko romunhu mumŋe nomumŋe ndico cireʋo cake; nokuti makakaŋganisa mashoko aMŋari mupenyu, aJehova wehondo, Mŋari weɗu. Uti kumuprofita: Jehova wakakupindurei? Jehova wakataurei? Asi kana mukati: Cireʋo caJehova; ɀanzi naJehova: Ɀamunoreʋa shoko iri, muciti, cireʋo caJehova, ini ɀandakatuma shoko kwamuri ndiciti: Musati: Cireʋo caJehova; naiɀoɀo tarirai, ndicakukaŋganwai cose, ndicakurashai kure neni, imi, neguta randakakupai imi namadziɓaɓa enyu; ndicaʋuyisa pamsoro penyu kushoʋorwa kusiŋgaperi, nokunyadziswa kusiŋgaperi, ɀisiŋgazokaŋganikwi.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Jeremia 23

Jeremia 23:25-40 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)