Ndakazvinzwa zvinotaura vaporofita vachiporofita zvenhema muzita rangu vachiti, ‘Ndarotswa! Ndarotswa!’ Kusvikira riniko chaizvo mukati mavanhu muine vaporofita vanotaura zvenhema vachiporofita zvomusoro wavo, vanoda kuti vanhu vangu vakanganwe zita rangu pamusana pezviroto zvavo zvavanotaurirana sezvakazoita madzibaba avo vakakanganwa zita rangu voyeuka raBhaari. Regai muporofita ane chaarota arotomoke zvake, asi munhu ane shoko rangu ngaaritaure sezvazviri. Musvo wekoroni namashanga hapana maenzanisiro aungazviite? Ndizvo zvinotaura Tenzi. Izwi rangu harina kuita somoto here, ndizvo zviri kutaura Tenzi kana senyundo inopwanya-pwanya mabwe? Naizvozvo chionai zviri kunzi naTenzi handiwirirani navaporofita ivavo vanobirana mashoko avanoti anobva kwandiri. Chinzwai, ini handiwirirani navaporofita vanoshandisa rurimi rwavo vachiti, ‘Zvanzi naTenzi,’ kana kuti, ‘Ndizvo zvinotaura Tenzi.’ Chinzwai, ini handiwirirani navanoporofita vanotaura kurotswa kwenhema. Ndizvo zviri kutaura Tenzi. Vanozvitaura vachitungamirira vanhu vangu kusiri iko nenhema dzavo nokushaya hanya kwavo ini ndisina kumbovatuma kana kuvaudza kuti vaite. Naizvozvo hapana chavanombobatsira vanhu ava nacho. Ndizvo zvinotaura Tenzi.
“Kana mumwe munhu, muporofita kana mupristi, akubvunzai achiti, ‘Mutoro waTenzi ndoupi?’ Vataurirei kuti, ‘Iyemi ndimi mutoro wacho.’ Ini ndichakukandai kwakadaro, ndizvo zvinotaura Tenzi. Kana ari muporofita kana mupristi kunyange mumwe wavanhu ava anotaura achiti, ‘Mutoro waTenzi’ munhu iyeyo ndichamuranga iye nemba yake. Mose zvenyu muchazotaurirana mumwe nomumwe mugarisani nomugarisani wake, hama nehama muchiti, ‘Nhaimi, Tenzi akapa mhinduro yokuti kudii?’ kana kuti, ‘Tenzi ataurei?’ Asi regai kuzombodomazve mutoro waTenzi nokuti mutoro iwoyo ishoko rava kurehwa nomunhu wose. Zvino imi munominamisa mashoko aMwari mupenyu, Tenzi wehondo nehondo, Mwari wedu. Muporofita wacho iyeyo mubvunzei kuti, ‘Tenzi akapa mhinduro yokuti kudii?’ kana kuti, ‘Tenzi ataurei?’ Asi kana uchiti, ‘Mutoro waTenzi,’ zvanzi naTenzi, pamusana pokutaura kwako ikoko kwokuti, ‘Mutoro waTenzi,’ ini ndakambokutumira yambiro yokuti, rega zvokutaura uchiti, ‘Mutoro waTenzi,’ naizvozvo chinzwa, ndichakusumudza ndigokukanda kure neni, iyewe neguta randakapa iwe namadzibaba ako. Ndichakuita chiseko chenyika narini wose chinhu chinonyadzisa zvokugara zvakadaro zvisingazokanganwiki.”