Isaya 54:14-17
Isaya 54:14-17 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Muchasimbiswa mukururama: Kumanikidzwa kuchava kure nemi: hapana chamuchazotya. Kutya kuchava kure nemi; hakuchazosviki pedyo nemi. Kana mumwe akakurwisa, handisini ndinenge ndazviita; ani naani anokurwisa achazvipira kwauri. “Tarira, ndini ndakasika mupfuri wesimbi anopfutidza mazimbe moto ugonganduma, uye anopfura munondo wakakodzera pabasa rawo. Uye ndini ndakasika muparadzi kuti aparadze; hapana munondo ucharwisana newe ukakunda, uye uchakonesa rurimi rumwe norumwe runokupomera mhosva. Iyi ndiyo nhaka yavaranda vaJehovha, uye uku ndiko kururamisirwa kwavo kunobva kwandiri,” ndizvo zvinotaura Jehovha.
Isaya 54:14-17 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Uchasimbiswa mukururama; uchava kure nokumanikidzwa, nokuti hauna chaungatya, uye kure nezvinotyisa, nokuti hakuna chingasvika kwauri. Tarira, kunyange vakakuvamba, hazvingabvi kwandiri; ani naani anokuvamba achaparadzwa nokuda kwako. Tarira, ndini ndakasika mupfuri anopfutidza moto wamazimbe, ndokuita nhumbi yakakwanira basa rake; ndakasika muparadzi, kuti aparadze. Hakuna nhumbi inoumbwa kuzorwa newe ingaita chinhu; rurimi rumwe norumwe runokukwirira pakutongwa ruchakundwa newe. Ndiyo nhaka yavaranda vaJehovha, nokururama kwavo kwandiri ndizvo zvinotaura Jehovha.”
Isaya 54:14-17 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Kururama ndokuchava hwaro zvokudzvanyirirwa zvichava kure newe nokuti unenge usisatye. Umbwende huchava kure newe nokuti haumboswedera pedyo newe. Chinzwa, kudenha vanhu vachakudenha, asi zvinenge zvisingabve kwandiri. Anenge adenhana newe uchamukandisa mapfumo pasi. Chinzwa unzwe, kana dziri mhizha dzezvoutare izvi dzinovhutira moto wemazimbe nemvuto dzichipfura zvombo zvokurwisa nazvo zvokushandisa mabasa akasiyana-siyana, ndini ndakadzisika ndiniwo ndakasika marudzi anoparadza acho. Hakuna chombo chokurwisa chichagadzirirwa iwewe chichakwanisa kuita basa racho, uye uchakonesa munhu wese anenge akukwirira dare. Iyoyi iyi ndiyo nhaka yevaranda vaTenzi uye ndokuvatsigira kwandinoita.” Ndizvo zviri kutaurwa naTenzi.
Isaya 54:14-17 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ucasimbiswa mukururama; ucaʋa kure nokumanikidzwa, nokuti hauna‐cauŋgatya, ʋuye kure neɀinotyisa, nokuti hakuna‐ciŋgaȿika kwauri. Tarira, kunyaŋge ʋakakuʋamba, haɀiŋgabvi kwandiri; aninani unokuʋamba ucaparadzwa nokuɗa kwako. Tarira, ndini ndakasika mupfuri unopfutidza mŋoto wamazimbe, ndokuita nhumbi yakakwanira ɓasa rake; ndakasika muparadzi, kuti aparadze. Hakunenhumbi inoʋumbga kuzorwa newe iŋgaita cinhu; rurimi rumŋe norumŋe runokukwirira pakutoŋgwa, rucakundwa newe. Ndiyo nhaka yaʋaranda ʋaJehova, nokururama kwaʋo kunobva kwandiri — ndiɀo ɀinotaura Jehova.
Isaya 54:14-17 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)