Uchasimbiswa mukururama; uchava kure nokumanikidzwa, nokuti hauna chaungatya, uye kure nezvinotyisa, nokuti hakuna chingasvika kwauri. Tarira, kunyange vakakuvamba, hazvingabvi kwandiri; ani naani anokuvamba achaparadzwa nokuda kwako. Tarira, ndini ndakasika mupfuri anopfutidza moto wamazimbe, ndokuita nhumbi yakakwanira basa rake; ndakasika muparadzi, kuti aparadze. Hakuna nhumbi inoumbwa kuzorwa newe ingaita chinhu; rurimi rumwe norumwe runokukwirira pakutongwa ruchakundwa newe. Ndiyo nhaka yavaranda vaJehovha, nokururama kwavo kwandiri ndizvo zvinotaura Jehovha.”
Verenga chikamu Isaya 54
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Isaya 54:14-17
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo