Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Isaya 54:14-17

Isaya 54:14-17 SCLB

Kururama ndokuchava hwaro zvokudzvanyirirwa zvichava kure newe nokuti unenge usisatye. Umbwende huchava kure newe nokuti haumboswedera pedyo newe. Chinzwa, kudenha vanhu vachakudenha, asi zvinenge zvisingabve kwandiri. Anenge adenhana newe uchamukandisa mapfumo pasi. Chinzwa unzwe, kana dziri mhizha dzezvoutare izvi dzinovhutira moto wemazimbe nemvuto dzichipfura zvombo zvokurwisa nazvo zvokushandisa mabasa akasiyana-siyana, ndini ndakadzisika ndiniwo ndakasika marudzi anoparadza acho. Hakuna chombo chokurwisa chichagadzirirwa iwewe chichakwanisa kuita basa racho, uye uchakonesa munhu wese anenge akukwirira dare. Iyoyi iyi ndiyo nhaka yevaranda vaTenzi uye ndokuvatsigira kwandinoita.” Ndizvo zviri kutaurwa naTenzi.

Verenga chikamu Isaya 54