Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Isaya 54

54
Jehovha ane rudo rukuru neZioni
1“Imba, iwe ngomwa, iwe usina kubereka; imba kwazvo, uimbise, iwe usina kumbosununguka; nokuti zvanzi naJehovha, ‘Vana voari oga vazhinji kukunda vana vomukadzi akawanikwa.’ 2Kurisa nzvimbo yetende rako, ngavatatanure micheka yougaro hwako; usarega, asi urebese mabote ako, usimbise mbambo dzako.
3“Nokuti uchapararira kuruoko rworudyi nokuruboshwe; marudzi avanhu achava avana vako, vachagarisa maguta aiva matongo navanhu. 4Usatya hako, nokuti haunganyadziswi; usakanganiswa, nokuti haungavi nenyadzi; nokuti uchakanganwa kunyara kwohumhandara hwako, haungazorangariri kuzvidzwa kwohuchirikadzi hwako. 5Nokuti Muiti wako ndiye murume wako, Jehovha wehondo ndiro zita rake; Mutsvene waIsiraeri ndiye Mudzikunuri wako, iye achanzi Mwari wenyika yose.
6“Nokuti Jehovha akakudana somukadzi, akasiyiwa ane shungu pamweya, somukadzi akawanikwa achiri muduku ndokuzorambwa ndizvo zvinotaura Mwari wako. 7Ndakakusiya nguva duku, asi ndichakuunganidzazve nenyasha huru. 8Ndakakuvanzira chiso changu nguva duku nehasha dzakapupuma; asi ndichakunzwira nyasha nohunyoro husingaperi ndizvo zvinotaura Mudzikinuri wako. 9Nokuti izvi zvakaita kwandiri semvura zhinji yaNoa; nokuti sezvandakapika kuti mvura zhinji yaNoa haingazofukidzizve nyika, saizvozvo ndakapika kuti handichazokutsamwirazve, kana kukutuka. 10Nokuti makomo angabva, nezvikomo zvingabviswa, asi hunyoro hwangu haungabvi kwauri, sungano yangu yorugare haingabviswi ndizvo zvinotaura Jehovha ane nyasha newe.
11“Haiwa, iwe mutambudziki, wakazununguswa nedutu remhepo, usinokunyaradzwa, tarira, ndichavakira mabwe ako namavara akanaka, ndichateya nheyo dzako namabwe esafiri. 12Ndichaita shongwe dzako namabwe anovaima, namasuo ako namabwe anopenya, nomuganho wako wose namabwe anokosha. 13Vana vako vose vachadzidziswa naJehovha, rugare rwavana vako ruchava rukuru. 14Uchasimbiswa mukururama; uchava kure nokumanikidzwa, nokuti hauna chaungatya, uye kure nezvinotyisa, nokuti hakuna chingasvika kwauri. 15Tarira, kunyange vakakuvamba, hazvingabvi kwandiri; ani naani anokuvamba achaparadzwa nokuda kwako. 16Tarira, ndini ndakasika mupfuri anopfutidza moto wamazimbe, ndokuita nhumbi yakakwanira basa rake; ndakasika muparadzi, kuti aparadze. 17Hakuna nhumbi inoumbwa kuzorwa newe ingaita chinhu; rurimi rumwe norumwe runokukwirira pakutongwa ruchakundwa newe. Ndiyo nhaka yavaranda vaJehovha, nokururama kwavo kwandiri ndizvo zvinotaura Jehovha.”

Zvasarudzwa nguva ino

Isaya 54: SNA2002

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda