1
Isaya 54:17
Shona Bible 1949, revised 2002
Hakuna nhumbi inoumbwa kuzorwa newe ingaita chinhu; rurimi rumwe norumwe runokukwirira pakutongwa ruchakundwa newe. Ndiyo nhaka yavaranda vaJehovha, nokururama kwavo kwandiri ndizvo zvinotaura Jehovha.”
Yenzanisa
Ongorora {{vhesi}}
2
Isaya 54:10
Nokuti makomo angabva, nezvikomo zvingabviswa, asi hunyoro hwangu haungabvi kwauri, sungano yangu yorugare haingabviswi ndizvo zvinotaura Jehovha ane nyasha newe.
3
Isaya 54:4
Usatya hako, nokuti haunganyadziswi; usakanganiswa, nokuti haungavi nenyadzi; nokuti uchakanganwa kunyara kwohumhandara hwako, haungazorangariri kuzvidzwa kwohuchirikadzi hwako.
4
Isaya 54:5
Nokuti Muiti wako ndiye murume wako, Jehovha wehondo ndiro zita rake; Mutsvene waIsiraeri ndiye Mudzikunuri wako, iye achanzi Mwari wenyika yose.
5
Isaya 54:2
Kurisa nzvimbo yetende rako, ngavatatanure micheka yougaro hwako; usarega, asi urebese mabote ako, usimbise mbambo dzako.
6
Isaya 54:13
Vana vako vose vachadzidziswa naJehovha, rugare rwavana vako ruchava rukuru.
7
Isaya 54:8
Ndakakuvanzira chiso changu nguva duku nehasha dzakapupuma; asi ndichakunzwira nyasha nohunyoro husingaperi ndizvo zvinotaura Mudzikinuri wako.
8
Isaya 54:7
Ndakakusiya nguva duku, asi ndichakuunganidzazve nenyasha huru.
9
Isaya 54:9
Nokuti izvi zvakaita kwandiri semvura zhinji yaNoa; nokuti sezvandakapika kuti mvura zhinji yaNoa haingazofukidzizve nyika, saizvozvo ndakapika kuti handichazokutsamwirazve, kana kukutuka.
10
Isaya 54:12
Ndichaita shongwe dzako namabwe anovaima, namasuo ako namabwe anopenya, nomuganho wako wose namabwe anokosha.
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo