Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Isaya 54

54
Jehova unoruɗo rukuru neZioni.
1Imba, iwe ŋgomŋa, iwe usino‐kuɓereka; imba kwaɀo, uimbise, iwe usino‐kumbosurumuka; nokuti ɀanzi naJehova: Ʋana ʋouri‐oga ʋazhinji kukunda ʋana ʋomukadzi wakawanikwa. 2Kurisa nɀimbo yetente rako, ŋgaʋatatanure miceka yoʋugaro bgako; usarega, asi ureɓese maɓote ako, usimbise mbambo dzako. 3Nokuti ucapararira kuruʋoko rworudyi nokuruɓoshwe; marudzi aʋanhu acaʋa aʋana ʋako, ʋacagarisa maguta aiʋa matoŋgo naʋanhu. 4Usatya hako, nokuti hauŋganyadziswi; usakaŋganiswa, nokuti hauŋgaʋi nenyadzi; nokuti ucakaŋganwa kunyara kwoʋumhandara bgako, hauŋgazoraŋgariri kuɀidzwa kwoʋucirikadzi bgako. 5Nokuti Muiti wako ndiye murume wako, Jehova wehondo ndiro zita rake; Mutȿene waIsraeri ndiye Mudzikinuri wako, iye ucanzi Mŋari wenyika yose. 6Nokuti Jehova wakakuɗana somukadzi, wakasiyiwa uneshuŋgu pamŋeya, somukadzi wakawanikwa aciri muɗuku ndokuzorambga — ndiɀo ɀinotaura Mŋari wako. 7Ndakakusiya ŋguʋa ɗuku, asi ndicakuʋuŋganidza ɀe nenyasha huru. 8Ndakakuʋanzira ciso caŋgu ŋguʋa ɗuku nehasha dzakapupuma; asi ndicakunzwira nyasha noʋunyoro ʋusiŋgaperi — ndiɀo ɀinotaura Mudzikinuri wako. 9Nokuti iɀi ɀakaita kwandiri semvura zhinji yaNoa; nokuti seɀandakapika kuti mvura zhinji yaNoa haiŋgazofukidzi ɀe nyika, saiɀoɀo ndakapika kuti handicazokutsamŋiri ɀe, kana kukutuka. 10Nokuti makomo aŋgabva, neɀikomo ɀiŋgabviswa, asi ʋunyoro bgaŋgu haʋuŋgabvi kwauri, suŋgano yaŋgu yorugare haiŋgabviswi — ndiɀo ɀinotaura Jehova unenyasha newe.
11Haiwa, iwe mutambudziki, wakazunuŋguswa neɗutu remhepo, usino‐kunyaradzwa, tarira, ndicaʋakira mabge ako namaʋara akanaka, ndicateya nheyo dzako namabge esafiri. 12Ndicaita shoŋgwe dzako namabge anoʋaima, namasuʋo ako namabge anopenya, nomuganho wako wose namabge anokosha. 13Ʋana ʋako ʋose ʋacadzidziswa naJehova, rugare rwaʋana ʋako rucaʋa rukuru. 14Ucasimbiswa mukururama; ucaʋa kure nokumanikidzwa, nokuti hauna‐cauŋgatya, ʋuye kure neɀinotyisa, nokuti hakuna‐ciŋgaȿika kwauri. 15Tarira, kunyaŋge ʋakakuʋamba, haɀiŋgabvi kwandiri; aninani unokuʋamba ucaparadzwa nokuɗa kwako. 16Tarira, ndini ndakasika mupfuri unopfutidza mŋoto wamazimbe, ndokuita nhumbi yakakwanira ɓasa rake; ndakasika muparadzi, kuti aparadze. 17Hakunenhumbi inoʋumbga kuzorwa newe iŋgaita cinhu; rurimi rumŋe norumŋe runokukwirira pakutoŋgwa, rucakundwa newe. Ndiyo nhaka yaʋaranda ʋaJehova, nokururama kwaʋo kunobva kwandiri — ndiɀo ɀinotaura Jehova.

Zvasarudzwa nguva ino

Isaya 54: SUB1949

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda