Isaya 53
53
Kutambudzika kwoMuranda waJehova panɀimbo yeɗu.
1Ndianiko wakatenda ɀatakaparidzirwa? Ruʋoko rwaJehova rwakaratidzwa kunani? 2Nokuti wakamera pamberi pake seɓukira nyoro, somudzi unoɓuɗa pavu rakawoma; haanecimiro kana ʋumambo; kana ticimuʋona, hakunokunaka kuti timuɗe. 3Wakaɀidzwa, nokurashwa naʋanhu, munhu wokurwadziwa, wakaziʋa ʋurwere, somunhu unoʋanzirwa naʋanhu ɀiso ɀaʋo; wakaɀidzwa, nesu hatina‐kumukudza.
4Ɀirokwaɀo, wakatakura matenda eɗu, nokusimudza kurwadziwa kweɗu; asi isu takati wakatambudzwa, wakarobga naMŋari nokumanikidzwa. 5Asi wakakuʋadzwa nokuɗa kwokuɗarika kweɗu, wakarwadziwa nokuɗa kweɀakaipa ɀeɗu; kurobga kwakatiʋigira rugare kwakaŋga kuri pamsoro pake, takaporeswa namaʋaŋga ake. 6Isu tose takaŋga takarashika samakwai, takatsauka mumŋe nomumŋe nenzira yake; asi Jehova wakaisa pamsoro pake kuipa kweɗu tose.
7Wakamanikidzwa, kunyaŋge ɀakaɗaro wakaɀininipisa, akasashamisa muromo wake; segwaiana rinoiswa kundoɓayiwa, ʋuye segwai risiŋgacemi pamberi paʋaʋeʋuri ʋaro, saiɀoɀo haana‐kushamisa muromo wake. 8Wakabviswa pakumanikidzwa nokutoŋgwa; kana ʋari ʋezero rake, ndianiko pakati paʋo wakaraŋgarira kuti wakagurwa akabviswa panyika yaʋapenyu? Wakarobga nokuɗa kwokuɗarika kwaʋanhu ʋaŋgu. 9Ʋakamupa bgiro bgake pamŋe cete naʋakaipa, akaʋa nomufumi pakufa kwake, kunyaŋge asina‐kuita cisakarurama, kunyeŋgera kusina‐kuwanikwa mumuromo make.
10Asi kwaiʋa kuɗa kwaJehova kuti arwadziwe; wakamurwarisa; kana mŋeya wake waʋuya necipiriso ceɀiʋi, ucaʋona ɀiɓereko ɀake, ucawedzera mazuʋa ake, ɀinoɗikanwa naJehova ɀicafambiswa ɀakanaka noruʋoko rwake. 11Ucaʋona ɀaakatamburira nomŋeya wake, akagutiswa; nokuziʋa kwake muranda waŋgu wakarurama ucaruramisira ʋazhinji; ucatakura ɀakaipa ɀaʋo. 12Saka ndicamuganhurira mugoʋe pamŋe cete naʋakuru, ucagoʋerana ɀakapambga naʋanesimba; nokuti wakaɗurura mŋeya wake pakufa, akaʋereŋgwa pamŋe cete naʋaɗariki; kunyaŋge ɀakaɗaro wakatakura ɀiʋi ɀaʋazhinji, akanyeŋgeterera ʋaɗariki.
Zvasarudzwa nguva ino
Isaya 53: SUB1949
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© British and Foreign Bible Society 1949, 2018