1
Isaya 54:17
Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Hakunenhumbi inoʋumbga kuzorwa newe iŋgaita cinhu; rurimi rumŋe norumŋe runokukwirira pakutoŋgwa, rucakundwa newe. Ndiyo nhaka yaʋaranda ʋaJehova, nokururama kwaʋo kunobva kwandiri — ndiɀo ɀinotaura Jehova.
Yenzanisa
Ongorora {{vhesi}}
2
Isaya 54:10
Nokuti makomo aŋgabva, neɀikomo ɀiŋgabviswa, asi ʋunyoro bgaŋgu haʋuŋgabvi kwauri, suŋgano yaŋgu yorugare haiŋgabviswi — ndiɀo ɀinotaura Jehova unenyasha newe.
3
Isaya 54:4
Usatya hako, nokuti hauŋganyadziswi; usakaŋganiswa, nokuti hauŋgaʋi nenyadzi; nokuti ucakaŋganwa kunyara kwoʋumhandara bgako, hauŋgazoraŋgariri kuɀidzwa kwoʋucirikadzi bgako.
4
Isaya 54:5
Nokuti Muiti wako ndiye murume wako, Jehova wehondo ndiro zita rake; Mutȿene waIsraeri ndiye Mudzikinuri wako, iye ucanzi Mŋari wenyika yose.
5
Isaya 54:2
Kurisa nɀimbo yetente rako, ŋgaʋatatanure miceka yoʋugaro bgako; usarega, asi ureɓese maɓote ako, usimbise mbambo dzako.
6
Isaya 54:13
Ʋana ʋako ʋose ʋacadzidziswa naJehova, rugare rwaʋana ʋako rucaʋa rukuru.
7
Isaya 54:8
Ndakakuʋanzira ciso caŋgu ŋguʋa ɗuku nehasha dzakapupuma; asi ndicakunzwira nyasha noʋunyoro ʋusiŋgaperi — ndiɀo ɀinotaura Mudzikinuri wako.
8
Isaya 54:7
Ndakakusiya ŋguʋa ɗuku, asi ndicakuʋuŋganidza ɀe nenyasha huru.
9
Isaya 54:9
Nokuti iɀi ɀakaita kwandiri semvura zhinji yaNoa; nokuti seɀandakapika kuti mvura zhinji yaNoa haiŋgazofukidzi ɀe nyika, saiɀoɀo ndakapika kuti handicazokutsamŋiri ɀe, kana kukutuka.
10
Isaya 54:12
Ndicaita shoŋgwe dzako namabge anoʋaima, namasuʋo ako namabge anopenya, nomuganho wako wose namabge anokosha.
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo