Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Isaya 38:9-20

Isaya 38:9-20 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)

Chinyorwa chaHezekia mambo weJudha mushure mokurwara nokupora kwake: Ndakati, “Mazuva oupenyu hwangu achangotanga ndingafanira kupinda mumasuo orufu here? Ndigotorerwa makore angu asara here?” Ndakati, “Handichazoonizve Jehovha, iye Jehovha, munyika yavapenyu; handichazotarisizve kuvanhu kana kuva naavo vagere munyika ino zvino. Setende romufudzi, imba yangu yakoromorwa uye yatorwa. Somuruki ndapeta upenyu hwangu, uye iye andigura kubva pachirukiso; masikati namadekwana makaita kuti ndigume. Ndakamirira nomwoyo murefu kusvikira mambakwedza, asi iye akavhuna mapfupa angu ose kufanana nezvinoitwa neshumba; masikati namadekwana makaita kuti ndigume. Ndakarira senyenganyenga kana kondo. Ndakachema sokuchema kunoita njiva. Meso angu akaneta nokutarisa kudenga. Haiwa Jehovha, ndine nhamo, uyai mundinunure!” Asi ndingati kudiniko? Iye ataura neni, uye iye ndiye aita izvi. Ndichafamba nokuzvininipisa pamakore angu ose, nokuda kwokurwadziwa kwomwoyo wangu. Ishe, vanhu vanorarama nezvinhu zvakadai; uye mweya wangu unowana upenyu mazviriwo. Makandiporesa mukandiraramisa. Zvirokwazvo kutambudzika kwangu kukuru kwakandivigira rugare. Murudo rwenyu makandirwira pagomba rokuparadzwa; makaisa zvivi zvangu zvose shure kwenyu, Nokuti guva haringagoni kukurumbidzai, rufu harugoni kukurumbidzai nenziyo; vanodzika kugomba havangagoni kutarisira kutendeka kwenyu. Vapenyu, ivo vapenyu, ndivo vanokurumbidzai, sezvandiri kuita iye nhasi; madzibaba anoudza vana vavo nezvokutendeka kwenyu. Jehovha achandiponesa, uye tichaimba nemitengeranwa, mazuva ose oupenyu hwedu mutemberi yaJehovha.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Isaya 38

Isaya 38:9-20 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)

Horwu runyoro rwaHezekia mambo waJudha, panguva yaakanga arwara, akaporazve pakurwara kwake. Ndakati, ndichapinda pamusuo eSheori achiri masikati pamazuva angu; Ndatorerwa makore angu akanga asara. Ndakati, handichazooni Jehovha, iye Jehovha, panyika yavapenyu; Handichazooni vanhu pamwechete navagere panyika. Ugaro hwangu hwaputswa, hwabviswa kwandiri setende romufudzi; Ndapeta upenyu hwangu, somuruki, uchandigura pachirukiso; Muchandigumisa kubvira mangwanani kusvikira madekwana. Ndakachema kusvikira kwaedza; unovhuna mapfupa angu ose seshumba; Muchandigumisa kubvira mangwanani kusvikira madekwana. Ndakarira senyenganyenga kana kondo; Ndakachema senjiva; meso angu akapera nokutarira kumusoro; Haiwa Jehovha, ndakamanikidzwa, ivai mumiriri wangu imi. Ndingatiiko? Ndiye akataura neni, ndiye akazviita; Ndichanatsa kufamba makore angu ose, nokuda kwokurwadziwa kwomwoyo wangu. Ishe, vanhu vanorarama nezvinhu izvozvi; Upenyu hwose hwomweya wangu huri mazviri; Naizvozvo ndiporesei, mundiraramise. Tarirai, kutambudzika kwangu kukuru kwakazondivigira rugare; Asi makarwira mweya wangu norudo pagomba rokuparadzwa; Nokuti makarasira zvivi zvangu zvose shure kwenyu. Nokuti Sheori harigoni kukuvongai, rufu harugoni kukurumbidzai; Vanoburukira kugomba havangagoni kutarira zvokwadi yenyu. Mupenyu, mupenyu, ndiye uchakuwongai, sezvandinoita nhasi; baba vachazivisa vana vavo zvokwadi yenyu. Jehovha akazvigadzira kundiponesa; Naizvozvo tichaimba nziyo dzangu nemitengeranwa Mazuva ose oupenyu hwedu mumba maJehovha.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Isaya 38

Isaya 38:9-20 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)

Zvakanyorwa naHezekiya mambo wokwaJudha mushure mokunge amborwara apora paurwere hwake ndezvizvi: Ndakazviti, inga ndava kupfuura ini ndichiri kuzvinzwa kudai. Changu ini chandatemerwawo zvangu chava chokundozaririrwa munzvimbo yavachakabvu upenyu hwangu hwose. Ndakazviti, handichazoona Tenzi, Tenzi, ndiri munyika yavapenyu. Ziso rangu harichazoona munhu zvakare ndiri mukati mavanhu vayo nyika. Musasa wandiri wapazwa ukabviswa pandiri setendhe yomufudzi. Upenyu hwangu hwapetwa-petwa sezvinoita muruki akandidimura kubva pachirukiso kubvira kwachena kusvikira usiku munondipedzisa. Ndinochemera rubatsiro kusvikira kuedze. Anondityora mapfupa angu ose sezvinoita mhondoro kubvira kwachena kusvikira usiku. Sekanyenganyenga kana kuti senhapata ndinorira, ndinowuwura senjiva. Maziso angu aneta kutarisa mudenga. Tenzi, ndaona nhamo ini, ivai imi wokundichengeta! Asi chandingataurewo chii nokuti iye ndiye ataura kwandiri, uye iye pachake ndiye azviita. Ndichananavara kufamba upenyu hwangu hwose, zvichikonzerwa nokushungurudzwa mwoyo kwandiri kuita. Tenzi, wandichararamira ndimi, mweya wangu unoraramira imi moga. Ndiporesei mundiraramise. Ehe, kushungurudzwa kwazvo mwoyo kwandanga ndinako, kwanga kuri kuti zvindinakirewo paupenyu. Asi pamusana porudo rwenyu makandiraramisa mugomba rokuparadzwa nokuti makakanda zvitadzo zvangu zvose shure kwenyu. Chandinodariro ndechokuti, nzvimbo yavachakabvu haikutendei, rufu harukurumbidzei, vanoenda kugomba havangakwanise kuva nechitarisiro chokutendeka kwenyu. Mupenyu, mupenyu chete ndiye anokutendai sezvandiri kuita nhasi uno. Madzibaba vanotaurira vana vavo nezvokutendeseka kwenyu. Tenzi akandinunura nezvo tichiridza zvokuimbisa mazuva ose oupenyu hwedu pamba yaTenzi.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Isaya 38

Isaya 38:9-20 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)

Horwu runyoro rwaHezekia mambo waJuda, paŋguʋa yaakaŋga arwara, akapora ɀe pakurwara kwake. Ndakati: Ndicapinda pamasuʋo eSheori aciri masikati pamazuʋa aŋgu; Ndatorerwa makore aŋgu akaŋga asara. Ndakati: Handicazoʋoni Jehova, iye Jehova, panyika yaʋapenyu; Handicazoʋoni ʋanhu pamŋe cete naʋagere panyika. Ʋugaro bgaŋgu bgaputswa, bgabviswa kwandiri setente romufudzi; Ndapeta ʋupenyu bgaŋgu, somuruki; ucandigura pacirukiso; Mucandigumisa kubvira maŋgwanani kuȿikira maɗekwana. Ndakaɀinyaradza kuȿikira kwaedza; unovuna mafupa aŋgu ose seshumba; Mucandigumisa kubvira maŋgwanani kuȿikira maɗekwana. Ndakarira senyeŋganyeŋga kana kondo; Ndakacema senjiʋa; meso aŋgu akapera nokutarira kumsoro; Haiwa Jehova, ndakamanikidzwa, iʋai mumiriri waŋgu imi. Ndiŋgatiyiko? Ndiye wakataura neni, ndiye wakaɀiita; Ndicanatsa kufamba makore aŋgu ose, nokuɗa kwokurwadziwa kwomŋoyo waŋgu. Ishe, ʋanhu ʋanorarama neɀinhu iɀoɀi; Ʋupenyu bgose bgomŋeya waŋgu ʋuri maɀiri; Naiɀoɀo ndiporesei, mundiraramise. Tarirai, kutambudzika kwaŋgu kukuru kwakazondiʋigira rugare; Asi makarwira mŋeya waŋgu noruɗo pagomba rokuparadzwa; Nokuti makarashira ɀiʋi ɀaŋgu ɀose shure kwenyu. Nokuti Sheori harigoni kukuʋoŋgai, rufu harugoni kukurumbidzai; Ʋanoɓurukira kugomba haʋaŋgagoni kutarira ɀokwaɗi yenyu. Mupenyu, mupenyu, ndiye ucakuʋoŋgai, seɀandinoita nhasi; Ƃaɓa ʋacaziʋisa ʋana ʋaʋo ɀokwaɗi yenyu. Jehova wakaɀigadzira kundiponesa; Naiɀoɀo ticaimba nziyo dzaŋgu nemiteŋgeranwa Mazuʋa ose oʋupenyu bgeɗu mumba maJehova.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Isaya 38

Isaya 38:9-20 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)