Zvakanyorwa naHezekiya mambo wokwaJudha mushure mokunge amborwara apora paurwere hwake ndezvizvi: Ndakazviti, inga ndava kupfuura ini ndichiri kuzvinzwa kudai. Changu ini chandatemerwawo zvangu chava chokundozaririrwa munzvimbo yavachakabvu upenyu hwangu hwose. Ndakazviti, handichazoona Tenzi, Tenzi, ndiri munyika yavapenyu. Ziso rangu harichazoona munhu zvakare ndiri mukati mavanhu vayo nyika. Musasa wandiri wapazwa ukabviswa pandiri setendhe yomufudzi. Upenyu hwangu hwapetwa-petwa sezvinoita muruki akandidimura kubva pachirukiso kubvira kwachena kusvikira usiku munondipedzisa. Ndinochemera rubatsiro kusvikira kuedze. Anondityora mapfupa angu ose sezvinoita mhondoro kubvira kwachena kusvikira usiku. Sekanyenganyenga kana kuti senhapata ndinorira, ndinowuwura senjiva. Maziso angu aneta kutarisa mudenga. Tenzi, ndaona nhamo ini, ivai imi wokundichengeta! Asi chandingataurewo chii nokuti iye ndiye ataura kwandiri, uye iye pachake ndiye azviita. Ndichananavara kufamba upenyu hwangu hwose, zvichikonzerwa nokushungurudzwa mwoyo kwandiri kuita. Tenzi, wandichararamira ndimi, mweya wangu unoraramira imi moga. Ndiporesei mundiraramise. Ehe, kushungurudzwa kwazvo mwoyo kwandanga ndinako, kwanga kuri kuti zvindinakirewo paupenyu. Asi pamusana porudo rwenyu makandiraramisa mugomba rokuparadzwa nokuti makakanda zvitadzo zvangu zvose shure kwenyu. Chandinodariro ndechokuti, nzvimbo yavachakabvu haikutendei, rufu harukurumbidzei, vanoenda kugomba havangakwanise kuva nechitarisiro chokutendeka kwenyu. Mupenyu, mupenyu chete ndiye anokutendai sezvandiri kuita nhasi uno. Madzibaba vanotaurira vana vavo nezvokutendeseka kwenyu. Tenzi akandinunura nezvo tichiridza zvokuimbisa mazuva ose oupenyu hwedu pamba yaTenzi.
Verenga chikamu Isaya 38
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Isaya 38:9-20
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo