Horwu runyoro rwaHezekia mambo waJudha, panguva yaakanga arwara, akaporazve pakurwara kwake. Ndakati, ndichapinda pamusuo eSheori achiri masikati pamazuva angu; Ndatorerwa makore angu akanga asara. Ndakati, handichazooni Jehovha, iye Jehovha, panyika yavapenyu; Handichazooni vanhu pamwechete navagere panyika. Ugaro hwangu hwaputswa, hwabviswa kwandiri setende romufudzi; Ndapeta upenyu hwangu, somuruki, uchandigura pachirukiso; Muchandigumisa kubvira mangwanani kusvikira madekwana. Ndakachema kusvikira kwaedza; unovhuna mapfupa angu ose seshumba; Muchandigumisa kubvira mangwanani kusvikira madekwana. Ndakarira senyenganyenga kana kondo; Ndakachema senjiva; meso angu akapera nokutarira kumusoro; Haiwa Jehovha, ndakamanikidzwa, ivai mumiriri wangu imi. Ndingatiiko? Ndiye akataura neni, ndiye akazviita; Ndichanatsa kufamba makore angu ose, nokuda kwokurwadziwa kwomwoyo wangu. Ishe, vanhu vanorarama nezvinhu izvozvi; Upenyu hwose hwomweya wangu huri mazviri; Naizvozvo ndiporesei, mundiraramise. Tarirai, kutambudzika kwangu kukuru kwakazondivigira rugare; Asi makarwira mweya wangu norudo pagomba rokuparadzwa; Nokuti makarasira zvivi zvangu zvose shure kwenyu. Nokuti Sheori harigoni kukuvongai, rufu harugoni kukurumbidzai; Vanoburukira kugomba havangagoni kutarira zvokwadi yenyu. Mupenyu, mupenyu, ndiye uchakuwongai, sezvandinoita nhasi; baba vachazivisa vana vavo zvokwadi yenyu. Jehovha akazvigadzira kundiponesa; Naizvozvo tichaimba nziyo dzangu nemitengeranwa Mazuva ose oupenyu hwedu mumba maJehovha.
Verenga chikamu Isaya 38
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Isaya 38:9-20
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo