Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Isaya 38

38
Kurwara kwamambo Hezekiya nokupora kwake
(2 Madzi 20:1–11; 2 Nhor 32:24–26)
1Mumazuva iwayo Hezekiya akarwara zvokuti upenyu pakanga pasisina. Muporofita Isaya mwanakomana waAmozi akaenda kwaari akamuti, “Zvanzi naTenzi, chirongai zvomusha wenyu nokuti mava kuzofa, zvoupenyu kwamuri hapasisina.”
2Ipapo Hezekiya akatendeukira kumadziro ndokunamata kuna Tenzi 3achiti, “Ndakutetererai zvangu Tenzi! Dai mangoyeukawo waro kuwadzana kwandakaita nemi mumafambiro angu ndakatendeseka nomwoyo wose ndichiita zvakarurama zvamunoda.”
Hezekiya akaungudza achichema zvikuru kwazvo, 4ndokubva izwi raTenzi rauya kuna Isaya richiti, 5“Enda kuna Hezekiya undoti, zvanzi naTenzi, Mwari watateguru wako Dhavhidhi, ndanzwa munamato wako ndikaona misodzi yako. Chiteerera unzwe, ndichawedzera upenyu hwako namakore gumi namashanu. 6Ndichanunura iwe neguta iro rino iri mumaoko mamambo weAsiria. Ndichadzivirira guta rino iri.”
7“Chiratidzo chamunoitirwa naTenzi
chamuchaziva nacho kuti Tenzi achaita
zvaakuvimbisai ndechichi.
8Chinzwa, ndichaitisa kuti mumvuri wechiringazuva
chiya chakavakwa naAhazi udzokere
shure nhano gumi zuva rorereka.”
Saizvozvowo zuva rakadzokera shure nhano
gumi pachiringazuva chacho dzarakanga rambofamba.
Rumbo rwokutenda
9Zvakanyorwa naHezekiya mambo wokwaJudha mushure mokunge amborwara apora paurwere hwake ndezvizvi:
10Ndakazviti,
inga ndava kupfuura ini
ndichiri kuzvinzwa kudai.
Changu ini chandatemerwawo zvangu
chava chokundozaririrwa munzvimbo yavachakabvu
upenyu hwangu hwose.
11Ndakazviti,
handichazoona Tenzi,
Tenzi, ndiri munyika yavapenyu.
Ziso rangu harichazoona munhu zvakare
ndiri mukati mavanhu vayo nyika.
12Musasa wandiri wapazwa
ukabviswa pandiri
setendhe yomufudzi.
Upenyu hwangu hwapetwa-petwa
sezvinoita muruki
akandidimura kubva pachirukiso
kubvira kwachena kusvikira usiku
munondipedzisa.
13Ndinochemera rubatsiro
kusvikira kuedze.
Anondityora mapfupa angu ose
sezvinoita mhondoro
kubvira kwachena kusvikira usiku.#38:13 Usiku: ChiHebheru chendima iyi hachinyatsonzwisisika.
14Sekanyenganyenga kana kuti senhapata
ndinorira,
ndinowuwura senjiva.
Maziso angu aneta
kutarisa mudenga.
Tenzi,
ndaona nhamo ini,
ivai imi wokundichengeta!
15Asi chandingataurewo chii
nokuti iye ndiye ataura kwandiri,
uye iye pachake ndiye azviita.
Ndichananavara kufamba
upenyu hwangu hwose,#38:15 Hwose: Mubhaibhiri rechiSiria munoti, “Hope dzangu dzose dzanditiza.”
zvichikonzerwa nokushungurudzwa mwoyo
kwandiri kuita.
16Tenzi,
wandichararamira ndimi,
mweya wangu unoraramira imi moga.#38:16 Moga: Ndima iyoyi yakaturikirwa kuchitevedzwa zviri muchiGiriki.
Ndiporesei mundiraramise.
17Ehe,
kushungurudzwa kwazvo mwoyo
kwandanga ndinako,
kwanga kuri kuti
zvindinakirewo paupenyu.
Asi pamusana porudo rwenyu
makandiraramisa
mugomba rokuparadzwa
nokuti makakanda zvitadzo zvangu zvose
shure kwenyu.
18Chandinodariro ndechokuti,
nzvimbo yavachakabvu haikutendei,
rufu harukurumbidzei,
vanoenda kugomba
havangakwanise kuva nechitarisiro
chokutendeka kwenyu.
19Mupenyu, mupenyu chete ndiye anokutendai
sezvandiri kuita nhasi uno.
Madzibaba vanotaurira vana vavo
nezvokutendeseka kwenyu.
20Tenzi akandinunura
nezvo tichiridza zvokuimbisa
mazuva ose oupenyu hwedu
pamba yaTenzi.
21Ipapo Isaya akanga ati, ngavatore chambwa chemakuyu vachinamire pamota kuti ipore. 22Hezekia akanga atobvunzawo kuti, “Chiratidzo chokuti ndichazoenda kuimba yaTenzi ndechipiko?”

Zvasarudzwa nguva ino

Isaya 38: SCLB

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda