Habhakuki 3:13-19
Habhakuki 3:13-19 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Makauya kuzonunura vanhu venyu, kuzoponesa muzodziwa wenyu. Makaparadza mutungamiri wenyika yavakaipa, mukamufukura kubva kumusoro kusvika kutsoka. Sera Nepfumo rake chairo makabaya musoro wake, pakauya varwi vake sechamupupuri kuzotiparadzira, vachifara savanoda kuparadza vanotambudzika vakanga vakavanda. Makatsika-tsika gungwa namabhiza enyu, mukabvongodza mvura zhinji. Ndakazvinzwa, hana yangu ikarova, miromo yangu yakadedera pandakanzwa maungira; kuora kwakapinda mumapfupa angu, makumbo angu akadedera. Asi ndichamirira hangu zuva renjodzi kuti riuye pamusoro porudzi ruchatirwisa. Kunyange dai muonde ukasatunga maruva, uye mizambiringa ikashayiwa zvibereko, kunyange kubereka kwomuorivhi kukakona, uye minda ikasabereka zvokudya, kunyange dai kukasava namakwai muchirugu uye mombe dzikashayikwa mumatanga, kunyange zvakadaro, ndichafara muna Jehovha, ndichava nomufaro muna Mwari Muponesi wangu. Ishe Jehovha ndiye simba rangu; anoita kuti tsoka dzangu dziite setsoka dzenondo, anondifambisa pamatunhu akakwirira.
Habhakuki 3:13-19 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Makabuda kuzoponesa vanhu venyu, Kuzoponesa muzodziwa wenyu; Makakuvadza musoro weimba yowakaipa, Muchifukura nheyo kusvikira kumutsipa wayo. Makabvoora misoro yavarwi vake namapfumo ake; Vakauya sechamupupuri kundiparadza; Kufara kwavo kwakaita sokwavanopedza varombo pakavanda. Makatsika gungwa namabhiza enyu, Iwo murwi wemvura zhinji.” “Ndakanzwa, muviri wangu ukadedera, Miromo yangu yakadedera ndichinzwa izwi; Kuora kwakapinda mumapfupa angu, ndikadedera pandakanga ndiri, Nokuti ndinofanira kumirira zuva renjodzi ndinyerere, Kana iye, anozorwa navanhu, achivawira. Nokuti kunyange muonde ukasatunga maruva, Nemizambiringa ikashaiwa zvibereko, Kunyange kubereka kwomuorivhi kukakona, Neminda ikasabereka zvokudya; Kunyange makwai akapera muchirugu, Nemombe dzikashaikwa mumatanga, Kunyange zvakadaro ndichafara kwazvo muna Jehovha, Ndichava nomufaro muna Mwari woruponeso rwangu. Jehovha Ishe isimba rangu, Anoita tsoka dzangu dzive setsoka dzehadzi yenondo, Anondifambisa pamatunhu angu akakwirira. Kumutungamiriri wokuimba, nemitengeranwa yangu.”
Habhakuki 3:13-19 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Makabuda kundonunura vanhu venyu, kuponesa muzodzwa wenyu. Makapwanya musoro womuipi mukamupfekenura kusiya ava musvo kubvira kumakumbo kusvikira pamutsipa. Dzepfunde Makabaya varwi vake musoro nemhayo dzenyu vakanga vauya sechamupupuri kuzondimwararisa, vachifara kwazvo sokunge vanoda kuzhanya varombo muchivande. Makabvongodza gungwa namabhiza enyu, mvura yamafashafasha ine simba. Ndinonzwa muviri wangu uchigwagwadza, miromo yangu ichidedereswa noruzha. Ndatyorwa mapfupa ini, kufamba ndava kungodhadharika. Ndichamirira chinyararire zuva renhamo richawira vanhu vanotirwisa. Kunyange zvazvo mukuyu ukarega kupfumvudza, kunyange mugirepisi ukashaya michero kana pamuorivhi pakashaika michero mindawo isina kubereka chokudya zvipfuwo muzvirugu zvapera kufa mumatanga musisina mombe, zvakadaro zvazvo ndichafara muna TENZI. Ndichafara naMwari muponesi wangu. TENZI, Mwari ndiye simba rangu. Makumbo angu anoaita seemhara achindifambisa panzvimbo dzangu dzokumusoro. Izvi ndezvomuimbisi ane zvokuimbisa zvine tambo dzokuridza.
Habhakuki 3:13-19 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Makaɓuɗa kuzoponesa ʋanhu ʋenyu, Kuzoponesa muzodziwa wenyu; Makakuʋadza musoro weimba yowakaipa, Mucifukura nheyo kuȿikira kumutsipa wayo. Sera. Makabvoʋora misoro yaʋarwi ʋake namapfumo ake; Ʋakaʋuya secampupuri kundiparadza; Kufara kwaʋo kwakaita sokwaʋanopedza ʋarombo pakaʋanda. Makatsika guŋgwa namabiza enyu, Iwo murwi wemvura zhinji. Ndakanzwa, muʋiri waŋgu ukaɗeɗera, Miromo yaŋgu yakaɗeɗera ndicinzwa inzwi; Kuʋora kwakapinda mumafupa aŋgu, ndikaɗeɗera pandakaŋga ndiri, Nokuti ndinofanira kumirira zuʋa renjodzi ndinyerere, Kana iye, unozorwa naʋanhu, aciʋawira. Nokuti kunyaŋge muʋonde ukasatuŋga maruʋa, Nemizambiriŋga ikashaiwa ɀiɓereko, Kunyaŋge kuɓereka kwomuorivi kukakona, Neminda ikasaɓereka ɀokudya; Kunyaŋge makwai akapera mucirugu, Neŋombe dzikashaikwa mumataŋga, Kunyaŋge ɀakaɗaro ndicafara kwaɀo munaJehova, Ndicaʋa nomufaro munaMŋari woruponeso rwaŋgu. Jehova Ishe isimba raŋgu, Unoita tsoka dzaŋgu dziʋe setsoka dzehadzi yenondo, Unondifambisa pamatunhu aŋgu akakwirira. Kumutuŋgamiriri wokuimba, nemiteŋgeranwa yaŋgu.
Habhakuki 3:13-19 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)