Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Habakuki 3:13-19

Habakuki 3:13-19 SUB1949

Makaɓuɗa kuzoponesa ʋanhu ʋenyu, Kuzoponesa muzodziwa wenyu; Makakuʋadza musoro weimba yowakaipa, Mucifukura nheyo kuȿikira kumutsipa wayo. Sera. Makabvoʋora misoro yaʋarwi ʋake namapfumo ake; Ʋakaʋuya secampupuri kundiparadza; Kufara kwaʋo kwakaita sokwaʋanopedza ʋarombo pakaʋanda. Makatsika guŋgwa namabiza enyu, Iwo murwi wemvura zhinji. Ndakanzwa, muʋiri waŋgu ukaɗeɗera, Miromo yaŋgu yakaɗeɗera ndicinzwa inzwi; Kuʋora kwakapinda mumafupa aŋgu, ndikaɗeɗera pandakaŋga ndiri, Nokuti ndinofanira kumirira zuʋa renjodzi ndinyerere, Kana iye, unozorwa naʋanhu, aciʋawira. Nokuti kunyaŋge muʋonde ukasatuŋga maruʋa, Nemizambiriŋga ikashaiwa ɀiɓereko, Kunyaŋge kuɓereka kwomuorivi kukakona, Neminda ikasaɓereka ɀokudya; Kunyaŋge makwai akapera mucirugu, Neŋombe dzikashaikwa mumataŋga, Kunyaŋge ɀakaɗaro ndicafara kwaɀo munaJehova, Ndicaʋa nomufaro munaMŋari woruponeso rwaŋgu. Jehova Ishe isimba raŋgu, Unoita tsoka dzaŋgu dziʋe setsoka dzehadzi yenondo, Unondifambisa pamatunhu aŋgu akakwirira. Kumutuŋgamiriri wokuimba, nemiteŋgeranwa yaŋgu.

Verenga chikamu Habakuki 3