Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Habhakuku 3

3
III: MUNAMATO WOKUKUMBIRA KUNUNURWA
1Munamato womuporofita Habhakuku wokuita neShigionoti#3:1 NeShigionoti: Izwi rechiHebheru risina anonyatsoziva zvarinoreva. Asi vamwe vanoti rinoreva chinhu chokuridza pakuimba. akati,
2TENZI ndakanzwa nezvenyu
uye basa renyu TENZI rinondityisa.
Rivandudzei mukati memakore
muite kuti rizivikanwe
mukati memakore,
kana mukushatirwa
rangarirai tsiye nyoro.
3Mwari akabva kuTemani
uye Anoera achibva kuGomo reParani,
mbiri yake yakakwidibira matenga
nyika ikazara nokurumbidzwa kwake.
Dzepfunde
4Kupenya kwake
kwakanga kuchiita sechiedza,
mirazvo ichipenya mumaoko make,
akahwandisa simba rake imomo.
5Mberi kwake denda rakanga rakatungamira;
zvirwere zvakatsikana tsoka naro.
6Akasimuka akapima nyika
akatarisa akadederesa marudzi,
makomo apakatikati
ndokuati mwarara,
makomo apasichigare
akati ndondondo kunyura pasi.
Maitiro ake aya
akanga akaita saapasichigare.
7Ndakaona misasa yamatendhe
yokuKushi yapinda nhamo,
machira okudzikatirisa
enyika yeMidhia odedera.
8Nhai TENZI,
makanga mashatirirwa nzizi here?
Kana kuti hasha dzenyu dzakavirukira
nzizi kana kuti makavirukira
gungwa nehasha,
pamakanga makatasva mabhiza enyu
muri mungoro dzenyu dzehondo dzokukurira?
9Makasunungura hara pauta hwenyu
mukaisa museve wenyu patambo yokukungisa
mukatsemura nyika nenzizi.
Dzepfunde
10Makomo akakuonai akazvongonyoka;
mvura ine hasha ikakukura
hwenje hukaunga;
masaisai akasimuka mudenga.
11Zuva nemwedzi
zvakati mbikiti kumira
panzvimbo pazvo
kuchiedza chemiseve yenyu
yaipembera kuenda
pakuvaima kwepfumo renyu.
12Makatara nhanho pasi pano makatsamwa
mukatsokodzera marudzi avanhu makashatirwa.
13Makabuda kundonunura vanhu venyu,
kuponesa muzodzwa wenyu.
Makapwanya musoro womuipi
mukamupfekenura kusiya ava musvo
kubvira kumakumbo kusvikira pamutsipa.
Dzepfunde
14Makabaya varwi vake#3:14 Varwi vake: chiHebheru chacho hachina anonyatsoziva.
musoro nemhayo dzenyu#3:14 Dzenyu: chiHebheru chinoti yake.
vakanga vauya sechamupupuri
kuzondimwararisa,
vachifara kwazvo sokunge
vanoda kuzhanya varombo muchivande.
15Makabvongodza gungwa
namabhiza enyu,
mvura yamafashafasha
ine simba.
16Ndinonzwa muviri wangu
uchigwagwadza,
miromo yangu ichidedereswa noruzha.
Ndatyorwa mapfupa ini,
kufamba ndava kungodhadharika.
Ndichamirira chinyararire
zuva renhamo
richawira vanhu vanotirwisa.
17Kunyange zvazvo mukuyu
ukarega kupfumvudza,
kunyange mugirepisi
ukashaya michero
kana pamuorivhi pakashaika michero
mindawo isina kubereka chokudya
zvipfuwo muzvirugu zvapera kufa
mumatanga musisina mombe,
18zvakadaro zvazvo
ndichafara muna TENZI.
Ndichafara naMwari muponesi wangu.
19TENZI, Mwari ndiye simba rangu.
Makumbo angu anoaita seemhara
achindifambisa panzvimbo dzangu dzokumusoro.
Izvi ndezvomuimbisi ane zvokuimbisa zvine
tambo dzokuridza.

Zvasarudzwa nguva ino

Habhakuku 3: SCLB

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda