Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Habhakuki 2:6-20

Habhakuki 2:6-20 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)

“Ko, vakatapwa vose havangazomuseki here nezvirahwe zvokumushora vachiti, “ ‘Ane nhamo anozviunganidzira zvakabiwa anozvipfumisa nepfuma yakapambwa! Zvicharamba zvakadai kusvikira riniko?’ Ko, vamakakwereta havangazosimuki pakarepo here? Havangazomuki vakakuvhundutsai here? Ipapo ndimi muchava vakapambwa. Nokuti makapamba ndudzi zhinji, vakasara vachakupambai, nokuda kweropa ravanhu ramakateura; makaparadza nyika namaguta pamwe chete navageremo. “Ane nhamo anovaka umambo hwake nepfuma yakabiwa, achivaka dendere rake pakakwirira, kuti anzvenge kuparadzwa! Makarangana kuparadza ndudzi dzakawanda, muchinyadzisa imba yenyu, uye muchiparadza upenyu hwenyu. Mabwe ari murusvingo achadanidzira, ipapo matanda edenga remba achadairira namaungira. “Ane nhamo anovaka guta nokudeura ropa uye anosimbisa guta nezvakaipa. Tarirai, hazvina kubva kuna Jehovha Wamasimba Ose here kuti vanhu vanoshandira zvinoparadzwa nomoto, uye kuti marudzi avanhu anongozvinetesa nezvisina maturo? Nokuti nyika yose ichazadzwa nokuziva kubwinya kwaJehovha, sezvakaita mvura kuzadza kwayakaita gungwa. “Ane nhamo anopa vavakidzani vake zvinodhaka, achizvidurura kubva mumatende ewaini kusvikira vadhakwa, kuti aone kushama kwavo. Muchazadzwa nenyadzi pachinzvimbo chokukudzwa. Nhasi ndimiwo! Chinwai kuti mudzedzereke! Mukombe unobva kuruoko rwaJehovha rworudyi uri kuuya kwamuri, kunyadziswa kuchafukidza kukudzwa kwenyu. Nokuti kuita nechisimba kwamakaitira Rebhanoni kuchakukundai, uye kuparadza kwamakaita mhuka kuchakutyisai. Nokuti makateura ropa ravanhu; makaparadza nyika namaguta navose vakanga vageremo! “Chifananidzo chakavezwa chinobatsireiko, zvachakangogadzirwa nomuvezi? Kana chifananidzo chakaumbwa, chinodzidzisa nhema? Nokuti uyo anochiita anovimba nechaakazviumbira; anoita zvifananidzo zvisingagoni kutaura. Ane nhamo anoti kudanda, ‘Rarama!’ Kana kubwe risingagoni kutaura, ‘Muka!’ Ko, zvingadzidzisa here? Tarira, chakafukidzwa negoridhe nesirivha; hachina mweya mukati macho napaduku. Asi Jehovha ari mutemberi yake tsvene; nyika yose ngairambe inyerere pamberi pake.”

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Habhakuki 2

Habhakuki 2:6-20 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)

Ko ava vose havangaimbi rwiyo pamusoro pake, nokumudadira nechirabwe, vachiti, ‘Ane nhamo anowanza zvisati zviri zvake! Kusvikira riniko? Uye anozviremedza nezvikwereti!’ “Vachakurumai havangasimuki pakarepo, vanokumanikidzai havangamuki here, imi mukapambwa navo? Imi zvamakapamba marudzi mazhinji, vose vakasara vamarudzi avanhu vachakupambai imi, nemhaka yeropa ravanhu, uye nemhaka yokuti makaitira nyika simba, neguta navose vageremo. “Ane nhamo unozviwanira imba yake pfuma yakaipa, kuti aise dendere rake kwakakwirira, kuti arwirwe paruoko rwezvakaipa! Makaranganira imba yenyu zvinonyadza, zvamakaparadza marudzi mazhinji avanhu, mukatadzira mweya wenyu. Nokuti ibwe richadanidzira riri parusvingo, danda riri mudenga richapindura. “Ane nhamo anovaka musha neropa, anovamba guta nezvakaipa! Tarirai, hazvina kubva kuna Jehovha wehondo here kuti vanhu vabatire moto, uye kuti marudzi avanhu azvinetse nokuda kwezvisina maturo? Nokuti nyika yose ichazadzwa nokuziva kubwinya kwaJehovha, mvura sezvainofukidza pasi pegungwa. “Ane nhamo anopa wokwake zvinobata azvinwe, anovenganisiramo uturu hwenyu, muchimudhakisawo, kuti muone kushama kwavo! Mazvigutisa nezvinonyadzisa panzvimbo yezvinokudzwa; chinwai nemiwo, muve soasina kudzingiswa; mukombe worudyi rwaJehovha uchasvikira kwamuri, zvinonyadzisa zvakaipa zvichauya pamusoro pokukudzwa kwenyu. Nokuti zvakaipa zvakaitirwa Rebhanoni zvichakufukidzai imi, uye kuparadzwa kwezvipfuwo kwakazvityisa; nemhaka yeropa ravanhu, nemhaka yezvakaipa zvakaitirwa nyika, neguta, navose vageremo. “Mufananidzo wakavezwa unobatsireiko, zvawavezwa nomuvezi wawo; kana mufananidzo wakaumbwa, iwo mudzidzisi wenhema, iye wakauumba zvaanovimba nawo, zvaakaita zvifananidzo zvisingagoni kutaura? Ane nhamo anoti kudanda, ‘Muka! Kana kubwe risingagoni kutaura. Simuka! Zvinu izvi zvingadzidzisa here?’ Tarirai, zvakanamirwa nendarama nesirivha, asi hakuna mweya mukati mazvo napaduku. “Asi Jehovha ari mutemberi yake tsvene, nyika yose ngairambe inyerere pamberi pake.”

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Habhakuki 2

Habhakuki 2:6-20 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)

Vose ivava havazomuka here kumunyomba vachimushora vachimusveeredza vachiti, “Zvichamuwana zvake. Anounganidza zvisizvake, kusvikira rinhiko izvozvi? Zvichamuperera iye anotakurana nezvitsidzo zvakawanda!” Ivo vane ngava newe havazoerekana vakupandukira here kana kumukirwa navamwe, vangazokudederesa ukava nyama yamagora kwavari? Iwe zvawakapamba ndudzi zhinji kudaro, vanosara mumarudzi ose iwayo, vachakupambawo iyewe kutsividza ropa ravanhu noutsinye ihwohwo pasi pano, kumaguta nokuvanhu vose vageremo. Zvichamuwana munhu anowanira imba yake zvinhu nenzira yakaipa kuti azvivakire dendere rake pamusoro kuti arege kusvikwa nezvinokuvadza. Wakafumura imba yako nokuuraya vanhu vakawanda ukazvirasisa upenyu hwako nokuti ibwe richaridza mhere mumadziro uye kumapango uku nhungo dzigodairawo. Zvichamuwana zvake munhu anovaka guta neropa kana kutanga guta pahwaro hwouipi. Handiti zvinobva kuna TENZI wehondo nehondo here zvokuti vanhu vanoshingairira zvinhu zvinozopiswa zvazvo nomoto marudzi achizvinetesera pasina? Nokuti pasi pano pachazara noruzivo rwembiri yaTENZI, sokuzadza kunoita mvura gungwa. Zvichamuwana munhu anoraradzisa vamwe vake nomukombe wehasha dzake achivaita kuti vadhakwe kuti avaonerere. Uchazvimbirwa iwe nokushorwa panze pokuwana mbiri. Newewo inwa zvako udzadzarike! Uchasvika napauri mukombe uri murudyi rwaTENZI, mbiri yako ichakurirwa nenyadzi dzako. Utsinye hwawakaita kuRebhanoni huchakupfukira, kuparadza kwawakaita mhuka kuchakutyisa, pamusana pokudeura ropa ravanhu noutsinye hwawakaita pasi pano kumaguta nokuvagari vemo vose. Chifananidzo chokunamata, ndechebasa rei chaizvo, icho chakatoitwawo zvacho nomunhu; kana chifananidzo chokunamata chesimbi chinodzidzisa nhema? Nokuti anochigadzira wacho anovimba nezvaanenge aita, anoita zvifananidzo zvokunamata zvisingatauri. Zvichamuwana munhu anoti kuchimuti zvacho, “Domukaiwo nhai,” neanoti kudombo zvaro risingataure, “Dosimukai.” Zvingavewo here nechinhu chazvingagone kuzivisa munhu? Zvamunoona kuti chakanamirirwa ndarama kana sirivha uye machiri icho hamuna kana mweya unofema. Asi TENZI, ari muTemberi yake Inoera, pasi pose ngapati mwiro kunyarara pamberi pake.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Habhakuki 2

Habhakuki 2:6-20 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)

Ko aʋa ʋose haʋaŋgaimbi rwiyo pamsoro pake, nokumuɗaɗira necirabge, ʋaciti: Unenhamo unowanza ɀisati ɀiri ɀake! Kuȿikira riniko? Ʋuye unoɀiremedza noʋuɓatso! Ʋacakurumai haʋaŋga simuki pakarepo, ʋanokumanikidzai haʋaŋgamuki here, imi mukapambga naʋo? Imi ɀamakapamba marudzi mazhinji, ʋose ʋakasara ʋamarudzi aʋanhu ʋacakupambai imi, nemhaka yeropa raʋanhu, ʋuye nemhaka yokuti makaitira nyika simba, neguta naʋose ʋagere’mo. Unenhamo unoɀiwanira imba yake fuma yakaipa, kuti aise ɗendere rake kwakakwirira, kuti arwirwe paruʋoko rweɀakaipa! Makaraŋganira imba yenyu ɀinonyadza, ɀamakaparadza marudzi mazhinji aʋanhu, mukatadzira mŋeya wenyu. Nokuti ibge ricaɗanidzira riri paruȿiŋgo, ɗanda riri muɗeŋga ricapindura. Unenhamo unoʋaka musha neropa, unoʋamba guta neɀakaipa! Tarirai, haɀina‐kubva kunaJehova wehondo here kuti ʋanhu ʋaɓatire mŋoto, ʋuye kuti marudzi aʋanhu aɀinetse nokuɗa kweɀisinamaturo? Nokuti nyika yose icazadzwa nokuziʋa kubginya kwaJehova, mvura seɀainofukidza pasi peguŋgwa. Unenhamo unopa wokwake ɀinoɓata aɀinwe, unoveŋganisira’mo ʋuturu bgenyu, mucimudakisa ʋo, kuti muʋone kushama kwaʋo! Maɀigutisa neɀinonyadzisa panɀimbo yeɀinokudzwa; cinwai nemi ʋo, muʋe sousina‐kudziŋgiswa; mukombe worudyi rwaJehova ucaȿikira kwamuri, ɀinonyadzisa ɀakaipa ɀicaʋuya pamsoro pokukudzwa kwenyu. Nokuti ɀakaipa ɀakaitirwa Rebanoni ɀicakufukidzai imi, ʋuye kuparadzwa kweɀipfuwo kwakaɀityisa; nemhaka yeropa raʋanhu, nemhaka yeɀakaipa ɀakaitirwa nyika, neguta, naʋose ʋagere’mo. Mufananidzo wakaʋezwa unoɓatsireiko, ɀawaʋezwa nomuʋezi wawo; kana mufananidzo wakaʋumbga, iwo mudzidzisi wenhema, iye wakauʋumba ɀaanoʋimba nawo, ɀaakaita ɀifananidzo ɀisiŋgagoni kutaura? Unenhamo unoti kuɗanda: Muka! kana kubge risiŋgagoni kutaura: Simuka! Ɀinhu iɀi ɀiŋgadzidzisa here? Tarirai, ɀakanamirwa nendarama nesirveri, asi hakunomŋeya mukati maɀo napaɗuku. Asi Jehova uri mutembere yake tȿene, nyika yose ŋgairambe inyerere pamberi pake.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Habhakuki 2

Habhakuki 2:6-20 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)