Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Habakuki 2

2
Jehova unopindura.
1Ndicandomira panɀimbo yaŋgu yokutaririra, ndicaɀiisa parutura rwaŋgu, ndicatarira ndiʋone ɀaacataura neni, ʋuye ɀandiŋgapindura pamsoro pokucema kwaŋgu. 2Jehova akandipindura, akati: Nyora ɀawaratidzwa, ɀiʋonekwe kwaɀo pamahwendefa, kuti ɀigone kurabga nounomhanya. 3Nokuti ɀakaratidzwa iɀi ndeɀeŋguʋa yakatarwa, ɀoʋaʋarira kuguma, haɀiŋgareʋi nhema; kunyaŋge ɀikanonoka, uɀimirire, nokuti ɀicaʋuya ɀirokwaɀo, haɀiŋgaiti ŋguʋa huru. 4Tarirai, mŋeya waʋo unamanyawi, hauna‐kururama mukati maʋo; asi wakarurama ucararama nokutenda kwake. 5Ʋuye ɀe, ɀirokwaɀo, waini inonyeŋgera, murume unoɀikudza, usiŋgagari kumba kwake, wakashamisa kukara kwake seSheori, wakafanana norufu; haaŋgaguti, asi unoɀiʋuŋganidzira marudzi ose, unoɀikokerera marudzi ose aʋanhu. 6Ko aʋa ʋose haʋaŋgaimbi rwiyo pamsoro pake, nokumuɗaɗira necirabge, ʋaciti: Unenhamo unowanza ɀisati ɀiri ɀake! Kuȿikira riniko? Ʋuye unoɀiremedza noʋuɓatso! 7Ʋacakurumai haʋaŋga simuki pakarepo, ʋanokumanikidzai haʋaŋgamuki here, imi mukapambga naʋo? 8Imi ɀamakapamba marudzi mazhinji, ʋose ʋakasara ʋamarudzi aʋanhu ʋacakupambai imi, nemhaka yeropa raʋanhu, ʋuye nemhaka yokuti makaitira nyika simba, neguta naʋose ʋagere’mo.
9Unenhamo unoɀiwanira imba yake fuma yakaipa, kuti aise ɗendere rake kwakakwirira, kuti arwirwe paruʋoko rweɀakaipa! 10Makaraŋganira imba yenyu ɀinonyadza, ɀamakaparadza marudzi mazhinji aʋanhu, mukatadzira mŋeya wenyu. 11Nokuti ibge ricaɗanidzira riri paruȿiŋgo, ɗanda riri muɗeŋga ricapindura.
12Unenhamo unoʋaka musha neropa, unoʋamba guta neɀakaipa! 13Tarirai, haɀina‐kubva kunaJehova wehondo here kuti ʋanhu ʋaɓatire mŋoto, ʋuye kuti marudzi aʋanhu aɀinetse nokuɗa kweɀisinamaturo? 14Nokuti nyika yose icazadzwa nokuziʋa kubginya kwaJehova, mvura seɀainofukidza pasi peguŋgwa.
15Unenhamo unopa wokwake ɀinoɓata aɀinwe, unoveŋganisira’mo ʋuturu bgenyu, mucimudakisa ʋo, kuti muʋone kushama kwaʋo! 16Maɀigutisa neɀinonyadzisa panɀimbo yeɀinokudzwa; cinwai nemi ʋo, muʋe sousina‐kudziŋgiswa; mukombe worudyi rwaJehova ucaȿikira kwamuri, ɀinonyadzisa ɀakaipa ɀicaʋuya pamsoro pokukudzwa kwenyu. 17Nokuti ɀakaipa ɀakaitirwa Rebanoni ɀicakufukidzai imi, ʋuye kuparadzwa kweɀipfuwo kwakaɀityisa; nemhaka yeropa raʋanhu, nemhaka yeɀakaipa ɀakaitirwa nyika, neguta, naʋose ʋagere’mo.
18Mufananidzo wakaʋezwa unoɓatsireiko, ɀawaʋezwa nomuʋezi wawo; kana mufananidzo wakaʋumbga, iwo mudzidzisi wenhema, iye wakauʋumba ɀaanoʋimba nawo, ɀaakaita ɀifananidzo ɀisiŋgagoni kutaura? 19Unenhamo unoti kuɗanda: Muka! kana kubge risiŋgagoni kutaura: Simuka! Ɀinhu iɀi ɀiŋgadzidzisa here? Tarirai, ɀakanamirwa nendarama nesirveri, asi hakunomŋeya mukati maɀo napaɗuku. 20Asi Jehova uri mutembere yake tȿene, nyika yose ŋgairambe inyerere pamberi pake.

Zvasarudzwa nguva ino

Habakuki 2: SUB1949

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda