Habakuki 1
1
ƲaKardea ishamhu yaJehova. Muprofita unokumbirira ʋaJuda.
1Cireʋo caMŋari cakaʋonekwa nomuprofita Habakuki.
2Haiwa, Jehova, ndicaɗana kuȿikira riniko, imi musiŋganzwi? Ndinoɗana kwamuri pamsoro pokuitirwa simba, asi hamundiponesi. 3Munondiratidzireiko ɀakaipa, munotarireiko ɀisakarurama? Nokuti kuparadza nokuita nesimba ɀiri pamberi paŋgu; rukaʋe ruri’po, ʋuye kukakaʋara kunomuka. 4Saka murairo haunesimba, ʋuye kururamisira ʋamŋe hakucaʋonekwi; nokuti ʋakashata ʋanokomba ʋakarurama; saka kururamisira ʋamŋe kunoŋgoʋonekwa kwakaminama. 5Tarirai pakati pamarudzi, muʋone, mushamiswe kwaɀo‐kwaɀo; nokuti ndinoɓate‐ɓasa pamazuʋa enyu, ramucaramba kutenda kunyaŋge muciɀiʋudzwa. 6Nokuti tarirai, ndinomutsa ʋaKardea, rudzi runehasha runopeŋga, ʋanofamba panyika pose, kuti ʋaɀitorere ʋugaro ʋusati ʋuri bgaʋo. 7Ʋanotyisa nokukarudza; kutoŋga kwaʋo nokukudzwa kwaʋo kunobva kwaʋari ʋamene. 8Mabiza aʋo ʋo anomhanya acipfuʋura iŋgwe, anehasha kupfuʋura mapere amaɗekwana; ʋataȿi ʋaʋo ʋamabiza ʋanomhanya ʋaciuruka, ɀirokwaɀo ʋataȿi ʋaʋo ʋamabiza ʋanoʋuya ʋacibva kure, ʋanobururuka segondo rinokurumidzira kudya. 9Ʋanoʋuya ʋose kuzoita nesimba; ɀiso ɀaʋo ɀakatarira mberi; ʋanoʋuŋganidza ʋatapxa sejeca. 10Ɀirokwaɀo ʋanoɗaɗira madzimambo, macinda anosekwa naʋo; ʋanoseka nhare dzose, nokuti ʋanodzitutira guruʋa ndokudzikunda. 11Ipapo ʋanopfuʋura semhepo, ndokuenda, asi ʋanemhoȿa, iʋo ʋanoita simba raʋo mŋari waʋo. 12Imi Jehova, Mŋari waŋgu, Mutȿene waŋgu, hamuzakaʋa’po kubva pakutaŋga‐taŋga here? Isu hatiŋgafi. Jehova, imi makatema kuti ʋatoŋge, nemi ɗombo, makaʋaisa’po kuti ʋaraŋge. 13Imi, munameso akaiȿo‐naka, asiŋgaɗi kutarira ɀakaipa, musiŋgaɗi kuʋona ɀisakarurama, munotaririreiko ʋanonyeŋgera, mucinyarara kana wakashata acimedza wakamupfuʋura nokururama; 14muciita ʋanhu sehoʋe dzeguŋgwa, seɀinokambaira, ɀisinomuɓati? 15Ʋanoʋaredza ʋose neciredzo caʋo, ʋanoʋaɓata mumumbure waʋo, ʋaciʋaʋuŋganidzira murutaʋa rwaʋo; naiɀoɀo ʋanofara kwaɀo ʋanomufaro. 16Naiɀoɀo ʋanoɓayira mumbure waʋo, nokupisira rutaʋa rwaʋo ɀinonhuwira, nokuti mugoʋe waʋo wakakora naɀo, ɀokudya ɀaʋo ɀawanda. 17Ɀino ʋaŋgaɗurura ɀiri mumumbure waʋo, ʋakaramba ʋaciʋuraya marudzi aʋanhu here?
Zvasarudzwa nguva ino
Habakuki 1: SUB1949
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© British and Foreign Bible Society 1949, 2018