1
Habakuki 1:5
Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Tarirai pakati pamarudzi, muʋone, mushamiswe kwaɀo‐kwaɀo; nokuti ndinoɓate‐ɓasa pamazuʋa enyu, ramucaramba kutenda kunyaŋge muciɀiʋudzwa.
Yenzanisa
Ongorora {{vhesi}}
2
Habakuki 1:2
Haiwa, Jehova, ndicaɗana kuȿikira riniko, imi musiŋganzwi? Ndinoɗana kwamuri pamsoro pokuitirwa simba, asi hamundiponesi.
3
Habakuki 1:3
Munondiratidzireiko ɀakaipa, munotarireiko ɀisakarurama? Nokuti kuparadza nokuita nesimba ɀiri pamberi paŋgu; rukaʋe ruri’po, ʋuye kukakaʋara kunomuka.
4
Habakuki 1:4
Saka murairo haunesimba, ʋuye kururamisira ʋamŋe hakucaʋonekwi; nokuti ʋakashata ʋanokomba ʋakarurama; saka kururamisira ʋamŋe kunoŋgoʋonekwa kwakaminama.
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo