Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Habhakuki 2:6-20

Habhakuki 2:6-20 BDSC

“Ko, vakatapwa vose havangazomuseki here nezvirahwe zvokumushora vachiti, “ ‘Ane nhamo anozviunganidzira zvakabiwa anozvipfumisa nepfuma yakapambwa! Zvicharamba zvakadai kusvikira riniko?’ Ko, vamakakwereta havangazosimuki pakarepo here? Havangazomuki vakakuvhundutsai here? Ipapo ndimi muchava vakapambwa. Nokuti makapamba ndudzi zhinji, vakasara vachakupambai, nokuda kweropa ravanhu ramakateura; makaparadza nyika namaguta pamwe chete navageremo. “Ane nhamo anovaka umambo hwake nepfuma yakabiwa, achivaka dendere rake pakakwirira, kuti anzvenge kuparadzwa! Makarangana kuparadza ndudzi dzakawanda, muchinyadzisa imba yenyu, uye muchiparadza upenyu hwenyu. Mabwe ari murusvingo achadanidzira, ipapo matanda edenga remba achadairira namaungira. “Ane nhamo anovaka guta nokudeura ropa uye anosimbisa guta nezvakaipa. Tarirai, hazvina kubva kuna Jehovha Wamasimba Ose here kuti vanhu vanoshandira zvinoparadzwa nomoto, uye kuti marudzi avanhu anongozvinetesa nezvisina maturo? Nokuti nyika yose ichazadzwa nokuziva kubwinya kwaJehovha, sezvakaita mvura kuzadza kwayakaita gungwa. “Ane nhamo anopa vavakidzani vake zvinodhaka, achizvidurura kubva mumatende ewaini kusvikira vadhakwa, kuti aone kushama kwavo. Muchazadzwa nenyadzi pachinzvimbo chokukudzwa. Nhasi ndimiwo! Chinwai kuti mudzedzereke! Mukombe unobva kuruoko rwaJehovha rworudyi uri kuuya kwamuri, kunyadziswa kuchafukidza kukudzwa kwenyu. Nokuti kuita nechisimba kwamakaitira Rebhanoni kuchakukundai, uye kuparadza kwamakaita mhuka kuchakutyisai. Nokuti makateura ropa ravanhu; makaparadza nyika namaguta navose vakanga vageremo! “Chifananidzo chakavezwa chinobatsireiko, zvachakangogadzirwa nomuvezi? Kana chifananidzo chakaumbwa, chinodzidzisa nhema? Nokuti uyo anochiita anovimba nechaakazviumbira; anoita zvifananidzo zvisingagoni kutaura. Ane nhamo anoti kudanda, ‘Rarama!’ Kana kubwe risingagoni kutaura, ‘Muka!’ Ko, zvingadzidzisa here? Tarira, chakafukidzwa negoridhe nesirivha; hachina mweya mukati macho napaduku. Asi Jehovha ari mutemberi yake tsvene; nyika yose ngairambe inyerere pamberi pake.”