Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Habhakuku 2:6-20

Habhakuku 2:6-20 SCLB

Vose ivava havazomuka here kumunyomba vachimushora vachimusveeredza vachiti, “Zvichamuwana zvake. Anounganidza zvisizvake, kusvikira rinhiko izvozvi? Zvichamuperera iye anotakurana nezvitsidzo zvakawanda!” Ivo vane ngava newe havazoerekana vakupandukira here kana kumukirwa navamwe, vangazokudederesa ukava nyama yamagora kwavari? Iwe zvawakapamba ndudzi zhinji kudaro, vanosara mumarudzi ose iwayo, vachakupambawo iyewe kutsividza ropa ravanhu noutsinye ihwohwo pasi pano, kumaguta nokuvanhu vose vageremo. Zvichamuwana munhu anowanira imba yake zvinhu nenzira yakaipa kuti azvivakire dendere rake pamusoro kuti arege kusvikwa nezvinokuvadza. Wakafumura imba yako nokuuraya vanhu vakawanda ukazvirasisa upenyu hwako nokuti ibwe richaridza mhere mumadziro uye kumapango uku nhungo dzigodairawo. Zvichamuwana zvake munhu anovaka guta neropa kana kutanga guta pahwaro hwouipi. Handiti zvinobva kuna TENZI wehondo nehondo here zvokuti vanhu vanoshingairira zvinhu zvinozopiswa zvazvo nomoto marudzi achizvinetesera pasina? Nokuti pasi pano pachazara noruzivo rwembiri yaTENZI, sokuzadza kunoita mvura gungwa. Zvichamuwana munhu anoraradzisa vamwe vake nomukombe wehasha dzake achivaita kuti vadhakwe kuti avaonerere. Uchazvimbirwa iwe nokushorwa panze pokuwana mbiri. Newewo inwa zvako udzadzarike! Uchasvika napauri mukombe uri murudyi rwaTENZI, mbiri yako ichakurirwa nenyadzi dzako. Utsinye hwawakaita kuRebhanoni huchakupfukira, kuparadza kwawakaita mhuka kuchakutyisa, pamusana pokudeura ropa ravanhu noutsinye hwawakaita pasi pano kumaguta nokuvagari vemo vose. Chifananidzo chokunamata, ndechebasa rei chaizvo, icho chakatoitwawo zvacho nomunhu; kana chifananidzo chokunamata chesimbi chinodzidzisa nhema? Nokuti anochigadzira wacho anovimba nezvaanenge aita, anoita zvifananidzo zvokunamata zvisingatauri. Zvichamuwana munhu anoti kuchimuti zvacho, “Domukaiwo nhai,” neanoti kudombo zvaro risingataure, “Dosimukai.” Zvingavewo here nechinhu chazvingagone kuzivisa munhu? Zvamunoona kuti chakanamirirwa ndarama kana sirivha uye machiri icho hamuna kana mweya unofema. Asi TENZI, ari muTemberi yake Inoera, pasi pose ngapati mwiro kunyarara pamberi pake.

Verenga chikamu Habhakuku 2